ShonaTeam Genesis « 36 »

Vana vaEsau

36Zvino awa marudzi aEsau anova Edhomu:

2 Esau wakatora vakadzi vake kuvakunda veKenani: Adha mukunda waEroni muHeti, naAhoribhama mukunda waAna mukunda waZibhioni muHivhi,

3 naBhasimati mukunda waIshimaeri hanzvadzi yaNebhayoti.

4 Adha ndokuberekera Esau Erifazi; Bhasimati ndokubereka Rueri;

5 Ahoribhama ndokubereka Jeushi naJarami naKora; ava vanakomana vaEsau, vaakaberekerwa panyika yeKenani.

6 Zvino Esau wakatora vakadzi vake nevanakomana vake nevakunda vake, nemweya yeupenyu yose yeimba yake, nemombe dzake nezvipfuwo zvake zvose, nenhumbi dzake dzose dzaaiva awana munyika yeKenani, ndokuenda kune imwe nyika kubva pachiso chaJakove munin'ina wake.

7 Nokuti fuma yavo yaiva yakawandisa kuti vagare pamwe, uye nyika yeutorwa hwavo yaiva isingagoni kuvatakura nekuda kwezvipfuwo zvavo.

8 Esau ndokugara mugomo reSeiri; Esau ndiye Edhomu.

9 Zvino awa marudzi aEsau, baba vevaEdhomu, mugomo reSeiri;

10 awa mazita evanakomana vaEsau: Erifazi mwanakomana waAdha mukadzi waEsau, Rueri mwanakomana waBhasimati mukadzi waEsau.

11 Nevanakomana vaErifazi vaiva Temani, Omari, Zefo, naGatamu, naKenazi.

12 Zvino Timuna waiva murongo kuna Erifazi mwanakomana waEsau; iye ndokuberekera Erifazi Amareki; ava vanakomana vaAdha mukadzi waEsau.

13 Zvino ava vaiva vanakomana vaRueri: Nahati naZera, Shama naMiza; ava vanakomana vaBhasimati mukadzi waEsau.

14 Zvino ava vaiva vanakomana vaOhoribhama mukunda waAna mukunda waZibhioni mukadzi waEsau; ndokuberekera Esau Jeushi naJarami naKora.

15 Awa madzishe evana vaEsau: Vanakomana vaErifazi dangwe raEsau: Ishe Temani, ishe Omari, ishe Zefo, ishe Kenazi,

16 ishe Kora, ishe Gatamu, ishe Amareki; awa madzishe aErifazi munyika yeEdhomu; ava vanakomana vaAdha.

17 Uye ava vanakomana vaRueri mwanakomana waEsau: Ishe Nahati, ishe Zera, ishe Shama, ishe Miza; awa madzishe aRueri munyika yeEdhomu; ava vanakomana vaBhasimati mukadzi waEsau.

18 Uye ava vanakomana vaAhoribhama mukadzi waEsau: Ishe Jeushi, ishe Jarami, ishe Kora; ava madzishe aAhoribhama mukunda waAna mukadzi waEsau.

19 Ava vanakomana vaEsau anova Edhomu, uye awa madzishe avo.

20 Ava vanakomana vaSeiri muHori, vagari venyika: Rotani naShobhari naZibhioni naAna

21 naDhishoni naEzeri naDhishani; ava madzishe evaHori, vanakomana vaSeiri munyika yeEdhomu.

22 Uye vanakomana vaRotani vaiva Hori naHemami; nehanzvadzi yaRotani aiva Timuna.

23 Uye ava vanakomana vaShobharu: Arivhani, naManahati, naEbhari, Shefo, naOnamu.

24 Uye ava vanakomana vaZibhioni: Vose Aya naAna; ndiAna akawana matsime emvura inopisa murenje achifudza mbongoro dzaZibhioni baba vake.

25 Uye ava vanakomana vaAna: Dhishoni naAhoribhama mukunda waAna.

26 Uye ava vanakomana vaDhishani: Hemudhani naEshibhani naIturani naKerani.

27 Ava vanakomana vaEzeri: Bhirihani naZaavhani naAkani.

28 Ava vanakomana vaDhishani: Uzi naArani.

29 Ava madzishe evaHori: Ishe Rotani, ishe Shobharu, ishe Zibhioni, ishe Ana,

30 ishe Dhishoni, ishe Ezeri, ishe Dhishani; awa madzishe evaHori, nemadzishe avo munyika yeSeiri.

31 Uye awa madzimambo akatonga munyika yeEdhomu, pasati pambotonga mambo pavana vaIsraeri.

32 Uye Bhera mwanakomana waBheori wakatonga paEdhomu, uye zita reguta rake raiva Dhinihabha.

33 Zvino Bhera wakafa, Jobhabhu mwanakomana waZera weBhozira ndokutonga pachinzvimbo chake.

34 Jobhabhu ndokufa, Hushamu wenyika yevaTemani ndokutonga pachinzvimbo chake.

35 Hushamu ndokufa; Hadhadhi mwanakomana waBhedhadhi, iye akarova Midhiani kusango reMoabhu, ndokutonga pachinzvimbo chake; uye zita reguta rake raiva Avhiti.

36 Hadhadhi ndokufa; Samura weMasereka ndokutonga pachinzvimbo chake.

37 Samura ndokufa; Shauri weRehobhoti parwizi akatonga pachinzvimbo chake.

38 Shauri ndokufa; Bhaari-Hanani mwanakomana waAkibhori ndokutonga pachinzvimbo chake.

39 Bhaari-Hanani mwanakomana waAkibhori ndokufa, Hadhari ndokutonga pachinzvimbo chake; uye zita reguta rake raiva Pau; nezita remukadzi wake raiva Mehetabheri, mukunda waMatiredhi mukunda waMezahabhi.

40 Uye awa mazita emadzishe ekwaEsau, zvichienderana nemhuri dzawo, zvichienderana nenzvimbo dzawo, nemazita awo: Ishe Timuna, ishe Arivha, ishe Jeteti,

41 ishe Ohoribhama, ishe Era, ishe Pinoni,

42 ishe Kenazi, ishe Temani, ishe Mibhizari,

43 ishe Magidhieri, ishe Iramu; awa madzishe aEdhomu, maererano nenzvimbo dzavo dzekugara, munyika yenhaka yavo. Uyu ndiEsau, baba vaEdhomu.