ShonaTeam Genesis « 35 »

Mwari unoropafadza Jakove paBheteri

35Zvino Mwari wakati kuna Jakove: Simuka, kwira kuBheteri, ugonogara ikoko; ugoitira ipapo aritari Mwari wakaonekwa kwauri pawaitiza pachiso chaEsau mukoma wako.

2 Jakove ndokuti kuimba yake nekune vose vaiva naye: Bvisai vamwari vendudzi vari pakati penyu, uye zvinatsei, uye chinjai nguvo dzenyu.

3 Ngatisimukewo, tigokwira kuBheteri; uye ndichaitira ipapo Mwari aritari, iye wakandipindura pazuva rekutambudzika kwangu, uye wakava neni panzira yandakafamba.

4 Zvino vakapa Jakove vamwari vose vendudzi vaiva paruoko rwavo, nemhete dzaiva panzeve dzavo; Jakove ndokuzviviga muzasi memuouki* waiva paShekemu.

5 Zvino vakafamba; uye kutyiwa kwaMwari kwaiva pamusoro pemaguta akavapoteredza, uye havana kudzingirira vanakomana vaJakove.

6 Jakove ndokusvika paRuzi riri panyika yeKenani, ndiro Bheteri, iye nevanhu vose vaiva naye.

7 Zvino wakavakapo aritari, ndokutumidza nzvimbo kuti Eri-Bheteri, nokuti ipapo Mwari wakaonekwa kwaari pakutiza kwake pachiso chemukoma wake.

8 Zvino Debhora mureri waRabheka wakafa, ndokuvigwa zasi kweBheteri muzasi memuouki; naizvozvo wakatumidza zita rawo kuti Aroni-Bhakuti.

9 Zvino Mwari wakaonekwazve kuna Jakove pakubva kwake Padhani-Aramu, ndokumuropafadza.

10 Mwari ndokuti kwaari: Zita rako ndiJakove; zita rako harichazonzi Jakove, asi Israeri richava zita rako. Ndokutumidza zita rake kuti Israeri.

11 Zvino Mwari wakati kwaari: Ndini Mwari Wemasimbaose; bereka uwande; rudzi, hongu boka nemarudzi zvichabva kwauri, nemadzimambo achabuda pachiuno chako.

12 Uye nyika yandakapa Abhurahama naIsaka ndichaipa kwauri; nekumbeu yako shure kwako ndichaipa nyika.

13 Mwari ndokukwira kubva kwaari panzvimbo paaiva ataura naye.

14 Jakove ndokumisa mbiru panzvimbo paakataura naye, mbiru yebwe; ndokudurura pamusoro payo chipo chinodururwa, akadirawo pamusoro payo mafuta.

15 Jakove ndokutumidza zita renzvimbo Mwari paakataura naye, Bheteri.

16 Zvino vakafamba kubva paBheteri; asi chichiri chinhambwe kusvika Efurati; Rakeri akapona, ndokurwadziwa pakupona kwake.

17 Zvino zvakaitika pakurwadziwa kwake achipona, kuti nyamukuta wakati kwaari: Usatya, nokuti neuyu achava mwanakomana wako.

18 Zvino zvakaitika mweya weupenyu wake wobuda, nokuti wakafa, kuti wakatumidza zita rake Bhenoni; asi baba vake vakamutumidza Bhenjamini.

19 Rakeri ndokufa, ndokuvigwa panzira inoenda Efurati, ndiro Bheterehemu.

20 Jakove ndokumisa mbiru pamusoro peguva rake; ndiyo mbiru yeguva raRakeri kusvika zuva ranhasi.

21 Israeri ndokufamba, ndokudzika tende rake mberi kweshongwe yeEdheri.

22 Zvino zvakaitika Israeri achigara munyika iyo, kuti Rubheni wakaenda ndokunorara naBhiriha murongo wababa vake, Israeri ndokuzvinzwa.

Vanakomana vaJakove

Zvino vanakomana vaJakove vaiva gumi nevaviri;

23 vanakomana vaRea: Rubheni, dangwe raJakove, naSimioni, naRevhi, naJudha, naIsasikari, naZebhuruni;

24 vanakomana vaRakeri: Josefa naBhenjamini;

25 uye vanakomana vaBhiriha murandakadzi waRakeri: Dhani naNafutari;

26 uye vanakomana vaZiripa, murandakadzi waRea: Gadhi naAsheri. Ndivo vanakomana vaJakove vaakaberekerwa paPadhani-Aramu.

27 Jakove ndokusvika kuna Isaka baba vake paMamure, paKiriyati-Aribha, ndiro Hebhuroni, Abhurahama paaigara naIsaka vari vatorwa.

28 Zvino mazuva aIsaka aiva makore zana nemakumi masere.

29 Isaka ndokupera, ndokufa, ndokuunganidzwa pamarudzi ekwake, akwegura, uye azara nemazuva; vanakomana vake Esau naJakove ndokumuviga.