ShonaTeam Genesis « 34 »

Dhina nevanhu veShekemu

34Zvino Dhina mwanasikana waRea, waakaberekera Jakove, wakabuda kunoona vakunda venyika iyo.

2 Zvino Shekemu mwanakomana waHamori muHivhi, muchinda wenyika, wakamuona, ndokumutora, ndokurara naye, ndokumudzikisira.

3 Mweya weupenyu wake ndokunamatira kuna Dhina mukunda waJakove, ndokuda musikana, ndokutaura kumoyo wemusikana.

4 Zvino Shekemu wakataura kuna baba vake Hamori achiti: Nditorerei musikana uyo kuva mukadzi.

5 Zvino Jakove wakanzwa kuti wakasvibisa Dhina mukunda wake. Zvino vanakomana vake vaiva vari kuzvipfuwo zvake kusango; Jakove ndokunyarara kusvika vauya.

6 Hamori baba vaShekemu ndokubuda kuenda kuna Jakove kunotaurirana naye.

7 Vanakomana vaJakove vakati vachisvika kubva kusango vazvinzwa, varume ndokurwadziwa, vakatsamwa zvikuru, nokuti waiva aita upenzi pakati paIsraeri nekurara nemukunda waJakove; chinhu chisingafaniri kuitwa saizvozvo.

8 Zvino Hamori wakataurirana navo achiti: Shekemu mwanakomana wangu, mweya weupenyu wake unoda mukunda wenyu; domupai henyu iye kuva mukadzi.

9 Uye waniranai nesu, tipei vakunda venyu, mugozvitorera vakunda vedu.

10 Uye garai nesu, uye nyika ichava pamberi penyu; garai mutengeseranemo, mupfuwe mairi.

11 Shekemu ndokuti kuna baba vemusikana nekuhanzvadzi dzake: Ngandiwane nyasha pameso enyu; uye chamuchareva kwandiri ndichapa.

12 Pamhidzirai zvikuru kwandiri roora nechipo; uye ndichapa sezvamunoreva kwandiri; asi ndipei musikana ave mukadzi wangu.

13 Vanakomana vaJakove ndokupindura Shekemu naHamori baba vake neunyengeri, ndokuti, nokuti wakasvibisa hanzvadzi yavo Dhina,

14 ndokuti kwavari: Hatigoni kuita chinhu ichi, kupa hanzvadzi yedu kumunhu ane ganda repamberi, nokuti chinyadzo kwatiri.

15 Asi nechinhu ichi tingatenderana nemwi, kana mukava sesu, kuti murume umwe neumwe wekwenyu adzingiswe,

16 zvino tichakupai vakunda vedu, nesu vakunda venyu tichazvitorera; uye tichagara nemwi uye tichava rudzi rumwe.

17 Asi kana musingatiteereri mukadzingiswa, zvino tichatora mukunda wedu tigoenda.

18 Zvino mashoko avo akava akanaka pameso aHamori, nepameso aShekemu mwanakomana waHamori.

19 Jaya harina kunonoka kuita chinhu ichi, nokuti waifarira mukunda waJakove; uye waikudzwa kupfuura imba yose yababa vake.

20 Zvino Hamori wakasvika, naShekemu mwanakomana wake, kusuwo reguta ravo, ndokutaura kuvarume veguta ravo, vachiti:

21 Varume ava vane rugare nesu; naizvozvo ngavagare munyika, vagotengeseranamo; nokuti nyika, tarirai, yakafara mativi ose pamberi pavo; vakunda vavo tichavatora vave vakadzi vedu, nevakunda vedu tichavapa ivo.

22 Pachinhu ichi chete varume vachatenderana nesu, kugara nesu, tive rudzi rumwe, kana murume wose wedu adzingiswa, sezvavakadzingiswa ivo.

23 Mombe dzavo nenhumbi dzavo nezvipfuwo zvavo zvose hazvichavi zvedu here? Ngatitenderane navo koga, vagogara nesu.

24 Zvino vakateerera kuna Hamori nekuna Shekemu mwanakomana wake, vose vaibuda pasuwo reguta rake, murume umwe neumwe, ndokudzingiswa, vose vaibuda pasuwo reguta rake.

25 Zvino zvakaitika nezuva retatu vachiri pakurwadziwa, kuti vanakomana vaviri vaJakove, Simioni naRevhi, hanzvadzi dzaDhina, vakatora umwe neumwe munondo wake, vakanyangira guta, ndokuuraya murume umwe neumwe.

26 Ndokuuraya Hamori naShekemu mwanakomana wake nekwakapinza kwemunondo, ndokubudisa Dhina mumba maShekemu, ndokubuda.

27 Vanakomana vaJakove vakauya pamusoro pevakauraiwa, ndokupamba guta, nokuti vaiva vasvibisa hanzvadzi yavo.

28 Vakatora makwai avo nemombe dzavo nembongoro dzavo nezvaiva muguta nezvaiva kusango,

29 nefuma yavo yose, nevanana vavo vose, nevakadzi vavo vakatapa vakapamba, nezvose zvaiva mumba.

30 Jakove ndokuti kuna Simioni nekuna Revhi: Manditambudza, nekundinhuhwisa pakati pevagari venyika ino, pakati pevaKenani nevaPerezi; zvino ini ndiri mushoma pauwandu, vachandiunganira, vagondirova; ndigoparadzwa ini neimba yangu.

31 Ivo ndokuti: Aite hanzvadzi yedu sechifeve here?