ShonaTeam Genesis « 33 »

Jakove anosangana naEsau

33Zvino Jakove wakasimudza meso ake, ndokuona, zvino tarira, Esau achiuya nevarume mazana mana vanaye. Iye ndokugovera vana kuna Rea nekuna Rakeri nekuvarandakadzi vaviri.

2 Zvino wakaisa varandakadzi nevana vavo mberi, naRea nevana vake shure, naRakeri naJosefa pakupedzisira.

3 Zvino iye wakapfuura mberi kwavo, ndokukotamira pavhu kanomwe kusvika asvika pedo nemukoma wake.

4 Esau ndokumhanya kunomuchingamidza, ndokumumbundikira, ndokuwira pamutsipa wake, ndokumutsvoda; zvino vakachema.

5 Zvino wakasimudza meso ake ndokuona vakadzi nevana, ndokuti: Ndivana ani ava vaunavo? Iye ndokuti: Vana Mwari vaakapa muranda wenyu nenyasha.

6 Varandakadzi ndokuswedera, ivo nevana vavo, ndokukotama.

7 NaReawo wakaswedera nevana vake, zvino vakakotama; uye pashure Josefa naRakeri vakaswedera, ndokukotama.

8 Ndokuti: Wakanangei neboka iri rose randasangana naro? Iye ndokuti: Kuti ndiwane nyasha pameso paishe wangu.

9 Esau ndokuti: Ndine zvizhinji, munin'ina wangu, zvako ngazvive zvako.

10 Jakove ndokuti: Haiwa kwete! Kana ikozvino ndawana nyasha pameso penyu, zvino gamuchirai chipo changu kubva paruoko rwangu; nokuti naizvozvo ndaona chiso chenyu sendaona chiso chaMwari, uye mafadzwa neni.

11 Gamuchirai henyu chipo changu chinouiswa kwamuri; nokuti Mwari wakandipa nenyasha, uye nokuti ndine zvose. Zvino wakamugombedzera kusvika agamuchira.

12 Ndokuti: Ngatisimuke tifambe, uye ndichakutungamirira.

13 Asi wakati kwaari: Ishe wangu anoziva kuti vana vachiri vatete, uye kuti makwai nemombe zvandinazvo zvinoyamwisa; zvino kana vakazvitinha nesimba zuva rimwe, boka rose richafa.

14 Ishe wangu ngaapfuure hake mberi kwemuranda wake; uye ini ndichanyatsosesedza zvichienderana nemafambiro ebasa riri pamberi pangu, uye nemafambiro evana, kudzamara ndasvika kuna ishe wangu paSeiri.

15 Esau ndokuti: Zvino ngandiise hangu kwauri vamwe vevanhu vaneni. Iye ndokuti: Nekuda kwei izvi? Ngandiwane nyasha pameso aishe wangu.

16 Esau ndokudzoka zuva iroro panzira yake, kuenda kuSeiri.

17 Zvino Jakove wakapfuurira kuenda kuSukoti, ndokuzvivakira imba, akaitira zvipfuwo zvake matanga ane matenga; naizvozvo wakatumidza zita renzvimbo iyo kuti Sukoti.

18 Jakove ndokusvika akachengetedzeka kuguta reShekemu, riri panyika yeKenani, pakubva kwake paPadhani-Aramu; ndokudzika matende pamberi peguta.

19 Zvino chikamu chedunhu paaiva adzika tende rake wakachitenga muruoko rwevana vaHamori baba vaShekemu, nemakobiri zana emari.

20 Ndokumisapo aritari, ndokuritumidza Eri-Erohe-Israeri.