ShonaTeam Genesis « 32 »

Jakove anorwa nemutumwa uye anosangana naEsau

32Zvino Jakove wakaenda nenzira yake, vatumwa vaMwari ndokusangana naye.

2 Jakove wakati avaona ndokuti: Iyi ihondo yaMwari. Ndokutumidza zita renzvimbo iyo kuti Mahanayimu.

3 Zvino Jakove wakatuma nhume mberi kwake kuna Esau mukoma wake, kudunhu reSeiri, nyika yeEdhomu.

4 Ndokuvaraira achiti: Mutaure seizvi kuna ishe wangu kuna Esau: Unotaura kudai muranda wenyu Jakove: NaRabhani ndanga ndichigara semutorwa, ndikarivara kusvika ikozvino;

5 uye ndine mombe nembongoro, makwai nevarandarume nevarandakadzi; uye ndatumira kunopira kuna ishe wangu kuti ndiwane nyasha pameso enyu.

6 Zvino nhume dzakadzoka kuna Jakove dzichiti: Takasvika kumukoma wenyu kuna Esau; naiyewo anouya kuzokuchingamidzai, uye varume mazana mana vanaye.

7 Jakove ndokutya zvikuru, ndokutambudzika. Zvino wakaparadzanisa vanhu vaiva naye nemakwai nemombe nemakamera, kuita mapoka maviri;

8 nokuti wakati: Kana Esau akasvika kune rimwe boka ndokurirova, ipapo boka rakasara richapukunyuka.

9 Zvino Jakove wakati: Mwari wababa vangu Abhurahama, naMwari wababa vangu Isaka, Jehovha uyo wakati kwandiri: Dzokera kunyika yekwako nekuhama dzako, ndigokuitira zvakanaka;

10 handina kufanira nyasha dzose nekutendeka kose kwamakaitira muranda wenyu; nokuti ndakayambuka Joridhani urwu netsvimbo yangu; zvino ikozvino ndava mapoka maviri.

11 Dondinunuraiwo paruoko rwemukoma wangu, paruoko rwaEsau; nokuti ndinomutya, zvimwe asvike andirove, mai pamusoro pevana.

12 Uye imwi makati: Zvirokwazvo ndichakuitira zvakanaka, nekuita chizvarwa chako sejecha regungwa risingaverengeki neuwandu.

13 Zvino wakararapo usiku ihwohwo; ndokutora pane zvakasvika muruoko rwake, chipo chaEsau mukoma wake:

14 Nhunzvi dzembudzi mazana maviri nenhongo makumi maviri, nhunzvi dzemakwai mazana maviri nemakondohwe makumi maviri,

15 makamera anoyamwisa makumi matatu nemhuru dzawo, mhou makumi mana, nenzombe diki gumi, makadzi embongoro makumi maviri, nemadhongwana gumi.

16 Zvino wakazvipa muruoko rwevaranda vake, boka rimwe nerimwe riri roga, ndokuti kuvaranda vake: Yambukai mberi kwangu, muise chinhambwe pakati peboka neboka.

17 Zvino wakaraira wekutanga achiti: Kana Esau mukoma wangu akasangana newe, ndokukubvunza achiti: Uri waani? Uye unoendepi? Uye ndezvaani izvi zviri pamberi pako?

18 Ugoti: Ndezvemuranda wenyu Jakove, chipo chinotumirwa ishe wangu Esau; zvino tarirai, iyewo amene ari kumashure kwedu.

19 Zvino wakaraira newechipiri newechitatu nevose vaitevera mapoka achiti: Mutaure kuna Esau nenzira iyi pamunomuwana;

20 mutiwo: Tarirai, muranda wenyu Jakove ari shure kwedu. Nokuti wakati: Ndichanyaradza chiso chake nechipo chinofamba mberi kwangu, uye pashure ndichaona chiso chake; zvimwe achagamuchira chiso changu.

21 Naizvozvo chipo chakayambuka mberi kwake; asi iye wakarara usiku ihwohwo mumusasa.

22 Zvino wakamuka usiku ihwohwo, ndokutora vakadzi vake vaviri nevarandakadzi vake vaviri, nevana vake gumi neumwe, ndokuyambuka zambuko reJabhoki.

23 Zvino wakavatora, ndokuvayambusa rukova, akayambusawo zvaaiva anazvo.

24 Jakove ndokusiiwa oga; zvino murume wakaita mutsimba naye kusvika utonga huchitsvuka.

25 Asi mutumwa aona kuti haana kumukunda, wakabata mhango yehudyu yake; hudyu yaJakove ikasvogodoka paakatsutsurudzana naye.

26 Zvino wakati: Ndirege ndiende nokuti utonga hwatsvuka. Asi wakati: Handingakuregei muchienda kunze kwekuti mandiropafadza.

27 Zvino wakati kwaari: Zita rako ndiani? Iye ndokuti: Jakove.

28Murume ndokuti: Zita rako harichazonzi Jakove, asi Israeri, nokuti wakarwa naMwari nevanhu, ukakunda.

29 Jakove ndokubvunza ndokuti: Dorevawo zita rako. Iye ndokuti: Sei uchibvunza zita rangu? Zvino akamuropafadza ipapo.

30 Zvino Jakove wakatumidza zita renzvimbo iyo kuti Penieri; nokuti wakati: Ndaona Mwari chiso nechiso, uye upenyu hwangu hwaponeswa.

31 Zvino zuva rakamubudira opfuura paPenueri; akakamhina pahudyu yake.

32 Naizvozvo vana vaIsraeri havadyi runda rwetsinga rwuri pamhango yehudyu kusvika zuva ranhasi; nokuti wakabata mhango yehudyu yaJakove parunda rwetsinga.