ShonaTeam Genesis « 31 »

Jakove anotiza

31Zvino Jakove wakanzwa mashoko evanakomana vaRabhani vachiti: Jakove watora zvose zvaiva zvababa vedu; uye nezvaiva zvababa vedu achiita mbiri yose iyi.

2 Jakove ndokuona chiso chaRabhani, zvino tarira, chaiva chisakaita kwaari sanezuro namarimwezuro.

3 Jehovha ndokuti kuna Jakove: Dzokera kunyika yemadzibaba ako nekuhama dzako; uye ndichava newe.

4 Zvino Jakove wakatuma ndokudanira Rakeri naRea kusango kuboka rake,

5 ndokuti kwavari: Ndinoona chiso chababa venyu kuti hachina kuita kwandiri sanezuro namarimwezuro; asi Mwari wababa vangu wanga aneni.

6 Zvino munoziva kuti nesimba rangu rose ndakashandira baba venyu.

7 Uye baba venyu vakandinyengedzera, ndokushandura mubairo wangu kagumi, asi Mwari haana kuvatendera kundiitira zvakaipa.

8 Kana vakataura seizvi: Zvine mavara zvichava mubairo wako; ipapo boka rose rakabereka zvine mavara. Zvino kana vakataura seizvi: Zvine mitsetse zvichava mubairo wako; ipapo boka rose rakabereka zvine mitsetse.

9 Saizvozvo Mwari wakabvutira baba venyu zvipfuwo, ndokupa kwandiri.

10 Zvino zvakaitika panguva boka paraiteverwa, kuti ndakasimudza meso angu ndokuona muchiroto, zvino tarira, nhongo dzinokwira boka dzaiva nemitsetse, mavara, nedzakaita pfumbu.

11 Zvino mutumwa waMwari wakati kwandiri muchiroto: Jakove! Ndikati: Ndiri pano.

12 Ndokuti: Simudza hako meso ako ugoona, nhongo dzose dzinokwira boka dzine mitsetse, dzine mavara, ndokuita pfumbu; nokuti ndaona zvose Rabhani zvaanoita kwauri.

13 Ndini Mwari weBheteri pawakazodza mbiru, pawakandipikira mhiko. Ikozvino, simuka, ubude munyika ino, udzokere kunyika yechizvarigo chako.

14 Rakeri naRea ndokupindura ndokuti kwaari: Tichine mugove nenhaka kuimba yababa vedu here?

15 Hativerengwi kuva vatorwa kwavari here? Nokuti vakatitengesa, uye vakadya ndokudya mari yedu.

16 Nokuti fuma yose Mwari yaakabvutira baba vedu ndeyedu neyevana vedu; zvino ikozvino chose Mwari chaareva kwauri, chiite.

17 Jakove ndokusimuka, ndokukwidza vana vake nevakadzi vake pamakamera.

18 Ndokutinha zvipfuwo zvake zvose, nenhumbi dzake dzose dzaaiva awana, zvipfuwo zvaaiva awana, zvaaiva awana paPadhani-Aramu, kuti aende kuna Isaka baba vake kunyika yeKenani.

19 Zvino Rabhani waiva aenda kunoveura makwai ake, Rakeri ndokuba zvifananidzo baba vake zvavaiva nazvo.

20 Jakove ndokubva achinyengera Rabhani muSiriya, nokuti haana kumuzivisa kuti anotiza.

21 Zvino wakatiza, iye nezvose zvaaiva nazvo, ndokusimuka, ndokuyambuka rwizi, ndokuringisa chiso chake kugomo reGiriyadhi.

22 Zvino zvakaudzwa Rabhani nezuva retatu kuti Jakove watiza.

23 Iye ndokutora hama dzake naye akadzingirirana naye rwendo rwemazuva manomwe, ndokumusvikira mugomo reGiriyadhi.

24 Mwari ndokuuya kuna Rabhani muSiriya muchiroto cheusiku, ndokuti kwaari: Zvichenjerere, zvimwe ungataura kuna Jakove kubva kune chakanaka kusvika kune chakaipa.

25 Rabhani ndokusvikira Jakove. Zvino Jakove waiva adzika tende rake mugomo; Rabhaniwo nehama dzake vakadzika mugomo reGiriyadhi.

26 Rabhani ndokuti kuna Jakove: Waitei, kuti wandinyengera, uye uchitinha vakunda vangu sevatapwa nemunondo?

27 Watizirei pachivande, uchindiverevedza, usingandiudzi, kuti ndingadai ndakuoneka nemufaro uye nenziyo, negandira, uye nembira?

28 Uye hauna kunditendera kutsvoda vanakomana vangu nevakunda vangu. Ikozvino waita sebenzi pakuita.

29 Zviri pasimba reruoko rwangu kukuitirai zvakaipa; asi Mwari wababa venyu wakataura neni usiku hwazuro achiti: Zvichenjerere kuti urege kutaura kuna Jakove kubva kune chakanaka kusvika kune chakaipa.

30 Zvino ikozvino, kuenda waenda, nokuti wanga uchishuva zvikuru imba yababa vako; wabirei vamwari vangu?

31 Jakove ndokupindura ndokuti kuna Rabhani: Nokuti ndaiva ndichitya, nokuti ndakati: Zvimwe munganditorera vakunda venyu nechisimba.

32 Uyo wamunowana kwaari vamwari venyu ngaarege kurarama; pamberi pehama dzedu zviongororerei zvenyu zviri kwandiri, mugozvitorera. Nokuti Jakove waiva asingazivi kuti Rakeri waiva avaba.

33 Rabhani ndokupinda mutende raJakove, nemutende raRea, nemutende revarandakadzi vaviri, asi haana kuzviwana. Zvino wakabuda mutende raRea, ndokupinda mutende raRakeri.

34 Zvino Rakeri waiva atora zvifananidzo, ndokuzviisa muchigaro chekamera, ndokugara pamusoro pazvo. Rabhani ndokubata-bata tende rose, asi haana kuzviwana.

35 Iye ndokuti kuna baba vake: Ngazirege kutsamwisa pameso paishe wangu kuti handigoni kusimuka pamberi penyu; nokuti mutoo wevakadzi uri pandiri. Iye ndokutsvaka, asi haana kuwana zvifananidzo.

36 Zvino Jakove wakatsamwa, ndokupikisana naRabhani; Jakove ndokupindura ndokuti kuna Rabhani: Kudarika kwangu chii, chivi changu chii, kuti mundidzingirire nekupfuta?

37 Zvamabata-bata nhumbi dzangu dzose mawanei chenhumbi dzekumba kwenyu dzose? Zviisei pano pamberi pehama dzangu nehama dzenyu kuti vatonge pakati pedu isu vaviri.

38 Makore awa makumi maviri ndinemwi; nhunzvi dzenyu dzemakwai nenhunzvi dzenyu dzembudzi hazvina kusvodza, nemakondohwe enyu eboka handina kudya.

39 Zvakabvamburwa handina kuzviunza kwamuri; ini ndakazviripa; pamaoko angu makazvitsvaka, zvakabiwa masikati kana zvakabiwa usiku.

40 Ndaiva ndakadaro; masikati zuva rakandipedza, nechando chakachena usiku; uye hope dzangu dzikatiza pameso angu.

41 Makore awa makumi maviri ndaiva ndiri mumba menyu; ndakakushandirai makore gumi nemana nekuda kwevakunda venyu vaviri, nemakore matanhatu nekuda kwezvipfuwo zvenyu; uye mukashandura mubairo wangu kagumi.

42 Kusiri kuti Mwari wababa vangu, Mwari waAbhurahama, neKutya kwaIsaka, aiva neni, zvirokwazvo ikozvino mungadai mandiendesa ndisina chinhu. Dambudziko rangu nebasa remaoko angu Mwari wakaona, ndokukutsiurai usiku hwazuro.

43 Zvino Rabhani wakapindura ndokuti kuna Jakove: Vakunda vakunda vangu, nevanakomana vanakomana vangu, neboka iboka rangu, nezvose zvaunoona ndezvangu; nekuvakunda vangu ndichaitei kwavari nhasi, kana kuvana vavo vavakazvara?

44 Zvino ikozvino, uya, ngatiite sungano, ini newe; ive chapupu pakati pangu newe.

45 Jakove ndokutora ibwe, ndokurimisa kuva mbiru.

46 Jakove ndokuti kuhama dzake: Unganidzai mabwe. Zvino vakatora mabwe, ndokuita murwi; zvino vakadya ipapo pamusoro pemurwi.

47 Rabhani ndokuutumidza Jegari-Sahadhuta; asi Jakove wakautumidza Garidhi.

48 Rabhani ndokuti: Murwi uyu chapupu pakati pangu newe nhasi. Naizvozvo zita rawo rakanzi Garidhi,

49 uye Mizipa, nokuti wakati: Jehovha ngaarinde pakati pangu newe, kana takavandana.

50 Kana ukatambudza vakunda vangu, uye kana ukawana vakadzi pamusoro pevakunda vangu, hakuna munhu anesu, tarira, Mwari chapupu pakati pangu newe.

51 Zvino Rabhani wakati kuna Jakove: Tarira murwi uyu, uye tarira mbiru iyi, yandakanda pakati pangu newe.

52 Murwi uyu chapupu, nembiru iyi chapupu, kuti ini handingapfuuri murwi uyu kuenda kwauri, uye kuti iwe haungapfuuri murwi uyu nembiru kuuya kwandiri mune zvakaipa.

53 Mwari waAbhurahama, naMwari waNahori, Mwari wababa vavo, ngaatonge pakati pedu. Jakove ndokupika neKutya kwababa vake Isaka.

54 Jakove ndokubaya chibairo mugomo, ndokudana hama dzake kuti vadye chingwa; zvino vakadya chingwa, ndokurara mugomo.

55 Rabhani ndokumuka mangwanani-ngwanani, ndokutsvoda vanakomana vake nevakunda vake, ndokuvaropafadza; Rabhani ndokuenda, ndokudzokera kunzvimbo yake.