ShonaTeam Genesis « 30 »

30Zvino Rakeri wakati achiona kuti waiva asingaberekeri Jakove, Rakeri wakagodora mukoma wake, ndokuti kuna Jakove: Ndipe vana; zvino kana zvikasadaro ndife.

2 Naizvozvo kutsamwa kwaJakove kwakapfutira Rakeri, iye ndokuti: Ndiri pachinzvimbo chaMwari here, wakakunyima chibereko chechizvaro?

3 Iye ndokuti: Tarira, murandakadzi wangu Bhiriha, pinda kwaari, kuti abereke pamabvi angu, kuti iniwo ndivakwe kwaari.

4 Zvino wakamupa Bhiriha murandakadzi wake kuva mukadzi; Jakove ndokupinda kwaari.

5 Zvino Bhiriha wakabata mimba, ndokuberekera Jakove mwanakomana.

6 Rakeri ndokuti: Mwari wanditongera, uye wanzwawo inzwi rangu, ndokundipa mwanakomana. Naizvozvo wakatumidza zita rake kuti Dhani.

7 Bhiriha murandakadzi waRakeri ndokubata mimbazve, ndokuberekera Jakove mwanakomana wechipiri.

8 Zvino Rakeri wakati: Nemutsimba mukuru ndakaita mutsimba nemukoma wangu, uye ndakakunda; ndokutumidza zita rake kuti Nafutari.

9 Rea wakati achiona kuti wamira kubereka, wakatora Ziripa murandakadzi wake, ndokumupa kuna Jakove kuva mukadzi.

10 Zvino Ziripa murandakadzi waRea wakaberekera Jakove mwanakomana.

11 Rea ndokuti: Rombo rakanaka rinouya. Ndokutumidza zita rake kuti Gadhi.

12 Ziripa murandakadzi waRea ndokuberekera Jakove mwanakomana wechipiri.

13 Rea ndokuti: Ndezvemufaro wangu, nokuti vakunda vachanditi ndine mufaro. Ndokutumidza zita rake Asheri.

14 Zvino Rubheni wakaenda pamazuva ekukohwa gorosi, ndokuwana mamandirakisi* mumunda, ndokuavigira mai vake Rea. Rakeri ndokuti kuna Rea: Dondipawo pamamandirakisi emwanakomana wako.

15 Iye ndokuti kwaari: Chinhu chidiki here kuti wakatora murume wangu? Zvino wotorazve mamandirakisi emwanakomana wangu here? Rakeri ndokuti: Naizvozvo acharara newe usiku huno nekuda kwemamandirakisi emwanakomana wako.

16 Jakove wakati achidzoka kubva kumunda madekwani, Rea ndokubuda kunomuchingamidza, ndokuti: Unofanira kupinda kwandiri, nokuti kukuhaya* ndakuhaya nemamandirakisi emwanakomana wangu. Ndokurara naye usiku ihwohwo.

17 Zvino Mwari wakanzwa Rea; iye ndokubata mimba, ndokuberekera Jakove mwanakomana wechishanu.

18 Rea ndokuti: Mwari wandipa mubairo wangu, nokuti ndakapa murandakadzi wangu kumurume wangu; ndokutumidza zita rake kuti Isasikari.

19 Rea ndokubata mimbazve, ndokuberekera Jakove mwanakomana wechitanhatu.

20 Rea ndokuti: Mwari wandipa ini chipo chakanaka; ikozvino murume wangu achagara neni, nokuti ndamuberekera vanakomana vatanhatu; ndokutumidza zita rake kuti Zebhuruni.

21 Zvino pashure wakabereka mukunda, ndokutumidza zita rake kuti Dhina.

22 Mwari wakarangarirawo Rakeri, Mwari ndokumunzwa, akazarura chizvaro chake.

23 Zvino wakabata mimba, ndokubereka mwanakomana, ndokuti: Mwari wabvisa chinyadzo changu.

24 Ndokutumidza zita rake kuti Josefa, achiti: Jehovha ngaawedzere kwandiri umwe mwanakomana.

25 Zvino zvakaitika Rakeri abereka Josefa, kuti Jakove wakati kuna Rabhani: Ndiregei ndiende kuti ndiende kunzvimbo yekwedu nekunyika yekwedu.

26 Ipai kwandiri vakadzi vangu nevana vangu vandakakushandirai kuti ndiende, nokuti imwi munoziva basa rangu randakakubatirai.

27 Rabhani ndokuti kwaari: Kana hangu ndawana nyasha pameso ako; ndaona nekutarira kuti Jehovha wakandiropafadza nekuda kwako.

28 Akatiwo: Nditemere mubairo wako, ndigokupa.

29 Iye ndokuti kwaari: Imwi munoziva kuti ndakakushandirai sei, uye kuti zvipfuwo zvenyu zvaiva zvakadii neni.

30 Nokuti zvishoma zvamaiva nazvo ndisati ndasvika, zvino zvakawanda zvikava chaunga; uye Jehovha wakakuropafadzai patsoka dzangu; zvino ini ndichabatira imba yangu rinhiwo?

31 Iye ndokuti: Ndichakupei? Jakove ndokuti: Hamungandipi chinhu; kana mukandiitira chinhu ichi: Ndichafudzazve nekuchengeta boka renyu.

32 Ndichagura nepakati peboka renyu rose nhasi, ndichitsaura kubvapo gwai rimwe nerimwe rine mavara nerine makwapa, negwai rimwe nerimwe resvundu pakati pemakwai, nedzine mavara nedzine makwapa pakati pembudzi; zvigova mubairo wangu.

33 Zvino kururama kwangu kuchandipupurira pazuva rinouya, kana muchiuira mubairo wangu pamberi pechiso chenyu; zvose zvisina mavara nemakwapa pakati pembudzi, nezvisvundu pamakwai, kwandiri zvabiwa.

34 Rabhani ndokuti: Tarira, haiwa, ngazvive maererano neshoko rako.

35 Zvino nezuva iroro wakatsaura nhongo dzaiva dzine mitsetse nedzine makwapa, nenhunzvi dzose dzaiva dzine mavara nedzine makwapa, chose chaiva chine chichena, nechisvundu chose pamakwai, ndokupa paruoko rwevana vake.

36 Akaisa chinhambwe chemazuva matatu pakati pake naJakove. Jakove ndokufudza boka raRabhani raiva rasara.

37 Zvino Jakove wakazvitorera matavi manyoro emupopura* neemuarimondi neasina makwande, ndokusvuura mitaro michena paari, akaonesa kuchena kwaiva kuri pamatavi.

38 Ndokuisa matavi aaiva asvuura pamigero muzvinwiro zvemvura paiuya boka kuzonwa pakanangana neboka; kuti riteverwe pakuuya kwaro kuzonwa.

39 Zvino boka rakateverwa pamatavi, boka ndokubereka zvine mitsetse, zvine mavara, nezvine makwapa.

40 Zvino Jakove wakaparadzanisa makwai, ndokutaridza zviso zveboka kune zvaiva nemitsetse nezvose zvisvundu paboka raRabhani; ndokuisa zvipfuwo zvake zviri zvoga; akasaaisawo kuboka raRabhani.

41 Zvino zvakaitika pose akasimba eboka paaibata zamu, kuti Jakove wakaisa matavi pamberi pemeso eboka pamigero, kuti zviteverwe pakati pematavi.

42 Asi kana boka risina simba haana kuaisa; naizvozvo zvaiva zvisina simba zvaiva zvaRabhani, uye zvakasimba zvaJakove.

43 Zvino murume wakatandira kwazvo-kwazvo, ndokuva nemapoka mazhinji nevarandakadzi nevaranda nemakamera nembongoro.