ShonaTeam Genesis « 29 »

Jakove kumusha kwaRabhani

29Zvino Jakove wakasimudza tsoka dzake ndokuenda kunyika yevana vekumabvazuva.

2 Uye wakaona, zvino tarira, tsime musango, zvino tarira ipapo, mapoka matatu emakwai arere pariri; nokuti patsime iri vainwisa mapoka; uye ibwe guru raiva pamuromo wetsime.

3 Uye ipapo paiunganidzwa mapoka ose; zvino kana vakungurusa ibwe kubva pamuromo wetsime vainwisa makwai, ndokudzosera ibwe pamuromo wetsime panzvimbo yaro.

4 Jakove ndokuti kwavari: Hama dzangu, munobvepi? Ivo ndokuti: Tinobva kuHarani.

5 Zvino wakati kwavari: Munoziva here Rabhani mwanakomana waNahori? Ivo ndokuti: Tinomuziva.

6 Zvino wakati kwavari: Wakafara here? Ivo ndokuti: Wakafara; zvino tarira, Rakeri mukunda wake, anouya nemakwai.

7 Zvino wakati: Tarirai, achiri masikati makuru, haisi nguva yekuti zvipfuwo zviunganidzwe; nwisai makwai, mugoenda munofudza.

8 Zvino vakati: Hatigoni kusvika mapoka ose aunganidzwa, ndokukungurusa ibwe pamuromo wetsime; ndipo patichanwisa makwai.

9 Achiri kutaura navo, Rakeriwo wakasvika nemakwai aiva ababa vake, nokuti waiva mufudzikadzi.

10 Zvino zvakaitika Jakove achiona Rakeri mukunda waRabhani hanzvadzi yamai vake nemakwai aRabhani hanzvadzi yamai vake, kuti Jakove wakaswedera, ndokukungurusa ibwe kubva pamuromo wetsime, ndokunwisa makwai aRabhani, hanzvadzi yamai vake.

11 Jakove ndokutsvoda Rakeri, ndokusimudza inzwi rake ndokuchema misodzi.

12 Jakove ndokuudza Rakeri kuti ihama yababa vake, uye kuti mwanakomana waRabheka. Iye ndokumhanya, ndokuudza baba vake.

13 Zvino zvakaitika Rabhani anzwa mashoko aJakove mwanakomana wehanzvadzi yake, kuti wakamhanya kunomuchingamidza, ndokumumbundikira, ndokumutsvoda, ndokumuunza kumba kwake. Iye ndokuudza Rabhani zvinhu izvi zvose.

14 Rabhani ndokuti kwaari: Zvirokwazvo uri pfupa rangu nenyama yangu. Zvino wakagara naye mwedzi wose.

15 Zvino Rabhani wakati kuna Jakove: Nokuti uri hama yangu, ungandibatira pachena here? Ndiudze kuti mubairo wako chii.

16 Zvino Rabhani waiva ane vakunda vaviri; zita remukuru raiva Rea, uye zita remudiki Rakeri.

17 Asi Rea waiva ane meso akaneta, asi Rakeri waiva akanaka pachimiro, akanakawo pakuonekera.

18 Zvino Jakove wakada Rakeri; ndokuti: Ndichakubatirai makore manomwe pamusoro paRakeri mukunda wenyu mudiki.

19 Rabhani ndokuti: Zviri nani kuti ndimupe kwauri pakuti ndimupe kune umwe murume; gara neni.

20 Jakove ndokubatira Rakeri makore manomwe; asi akava pameso ake semazuva mashoma nekuda kwekumuda kwake.

21 Jakove ndokuti kuna Rabhani: Ndipei mukadzi wangu, nokuti mazuva angu azadzisika, kuti ndipinde kwaari.

22 Rabhani ndokuunganidza vanhu vose venzvimbo iyo, ndokuita mabiko.

23 Zvino zvakaitika madekwani, kuti wakatora Rea, mukunda wake, ndokumuunza kwaari; iye ndokupinda kwaari.

24 Rabhani ndokupa kwaari Ziripa murandakadzi wake kuna Rea mukunda wake, kuva murandakadzi.

25 Zvino zvakaitika mangwanani, tarira, ndiRea. Iye ndokuti kuna Rabhani: Chii ichi chamaita kwandiri? Handina kukubatirai pamusoro paRakeri here? Zvino mandinyengedzererei?

26 Rabhani ndokuti: Hakunzarwo panzvimbo yekwedu kupa mudiki kutangira dangwe.

27 Zadzisa vhiki yeuyu, tigokupa uyuwo pamusoro pebasa rauchabata neni amwezve makore manomwe.

28 Jakove ndokuita saizvozvo, ndokuzadzisa vhiki yeuyu. Iye ndokupa kwaari Rakeri mukunda wake, kuva mukadzi wake.

29 Rabhani ndokupa kumukunda wake Rakeri Bhiriha murandakadzi wake, ave murandakadzi kwaari.

30Jakove ndokupindawo kuna Rakeri, ndokudawo Rakeri kupfuura Rea, ndokumubatira amwe makore manomwezve.

31 Zvino Jehovha aona kuti Rea waivengwa, wakazarura chizvaro chake, asi Rakeri waiva mhanje.

32 Rea ndokubata mimba, ndokubereka mwanakomana, ndokutumidza zita rake kuti Rubheni, nokuti wakati: Nokuti Jehovha wakaona dambudziko rangu; naizvozvo ikozvino murume wangu achandida.

33 Akabata mimbazve, ndokubereka mwanakomana, ndokuti: Nokuti Jehovha wanzwa kuti ndinovengwa, naizvozvo wandipa neuyu; ndokutumidza zita rake kuti Simioni.

34 Zvino wakabata mimbazve, ndokubereka mwanakomana, ndokuti: Ikozvino nguva ino murume wangu achazvibatanidza neni, nokuti ndamuberekera vanakomana vatatu; naizvozvo zita rake rakanzi Revhi.

35 Zvino wakabata mimbazve, ndokubereka mwanakomana, ndokuti: Nenguva ino ndicharumbidza Jehovha; naizvozvo wakatumidza zita rake kuti Judha; ndokumira kubereka.