ShonaTeam Genesis « 28 »

Isaka anotuma Jakove kuHarani

28Zvino Isaka wakadana Jakove, ndokumuropafadza, ndokumuraira ndokuti kwaari: Usawana mukadzi pavakunda veKenani.

2 Simuka, enda kuPadhani-Aramu, kuimba yaBhetueri baba vamai vako, uye uzvitorere kubva ikoko mukadzi kubva kuvakunda vaRabhani, hanzvadzi yamai vako.

3 Zvino Mwari Wemasimbaose ngaakuropafadze, agokuberekesa, nekukuwanza, kuti uve ungano yemarudzi;

4 agokupa ropafadzo yaAbhurahama, kwauri nekuchizvarwa chako pamwe newe; kuti ugare nhaka yenyika yeutorwa hwako, Mwari yaakapa kuna Abhurahama.

5 Isaka ndokuendesa Jakove, iye ndokuenda kuPadhani-Aramu kuna Rabhani mwanakomana waBhetueri muSiriya, hanzvadzi yaRabheka, mai vaJakove naEsau.

6 Zvino Esau wakaona kuti Isaka waropafadza Jakove, ndokumuendesa kuPadhani-Aramu kunozvitorera kubva ikoko mukadzi, paakamuropafadza wakamuraira achiti: Usatora mukadzi kuvakunda veKenani;

7 uye kuti Jakove wakateerera baba vake namai vake, ndokuenda kuPadhani-Aramu.

8 Esau ndokuona kuti vakunda veKenani vaiva vakaipa pameso aIsaka baba vake.

9 Naizvozvo Esau wakaenda kuna Ishimaeri, ndokuzvitorera Maharati mukunda waIshimaeri, mwanakomana waAbhurahama, hanzvadzi yaNebhayoti ave mukadzi wake pamusoro pevakadzi vake.

10 Zvino Jakove wakabuda kubva paBheeri-Shebha, ndokuenda kuHarani.

11 Zvino wakasvika panzvimbo, ndokurarapo, nokuti zuva raiva ravira. Ndokutora ibwe pamabwe enzvimbo iyo, ndokuita mutsago wake, ndokurara panzvimbo iyo.

12 Zvino wakarota, uye tarira, danhiko ramiswa panyika, nemusoro waro uchibata matenga, zvino tarira, vatumwa vaMwari vachikwira nekuburuka pariri.

13 Zvino tarira, Jehovha wakamira pamusoro paro, ndokuti: Ndini Jehovha Mwari waAbhurahama baba vako, naMwari waIsaka; nyika yaurere pairi ndichaipa kwauri, nekuchizvarwa chako;

14 uye chizvarwa chako chichaita seguruva renyika; zvino uchapararira kumavirazuva nekumabvazuva nekumaodzanyemba nekuchamhembe; uye mauri nemuchizvarwa chako mhuri dzose dzepanyika dzicharopafadzwa.

15 Zvino tarira, ndinewe, uye ndichakuchengeta kose kwaunoenda, nekukudzosera kunyika ino; nokuti handingakusii kusvika ndaita izvo zvandataura kwauri.

16 Zvino Jakove wakapepuka pahope dzake, ndokuti: Zvirokwazvo Jehovha ari panzvimbo ino, asi ini ndanga ndisingazivi.

17 Zvino wakatya, ndokuti: Nzvimbo ino inotyisa zvakadini! Haisi chimwe chinhu kunze kweimba yaMwari, uye iri isuwo rematenga.

18 Jakove ndokumuka mangwanani-ngwanani, ndokutora ibwe raaiva aita mutsago wake, ndokurimisa kuva mbiru, ndokudira mafuta pamusoro penhongonya yaro.

19 Zvino wakatumidza zita renzvimbo iyo Bheteri; asi zita reguta pakutanga raiva Ruzi.

20 Jakove ndokupika mhiko achiti: Kana Mwari akava neni, ndokundichengeta panzira iyi yandinoenda, uye akandipa chingwa chekudya, nechipfeko chekupfeka;

21 kuti ndidzokere nerugare kuimba yababa vangu, ipapo Jehovha achava Mwari wangu.

22 Zvino iri ibwe randamisa kuva mbiru richava imba yaMwari; nezvose zvamuchandipa, zvirokwazvo ndichapa chegumi kwamuri.