ShonaTeam Genesis « 27 »

Jakove anoropafadzwa pachinzvimbo chaEsau

27Zvino zvakaitika kuti Isaka akwegura, meso ake oonera madzedzerere asingachaoni, zvino wakadana Esau mwanakomana wake mukuru, ndokuti kwaari: Mwanakomana wangu! Iye ndokuti kwaari: Tarirai ndiri pano.

2 Akabva ati: Tarira hako, ndakwegura, handizivi zuva rekufa kwangu.

3 Naizvozvo ikozvino, tora hako zvombo zvako, goba rako, negangauta rako, ugobudira kusango undivhimire nyama yemhuka,

4 ugondiitira zvinonaka sezvandinoda, ugondivigira kuti ndidye, kuti mweya weupenyu wangu ukuropafadze ndisati ndafa.

5 Zvino Rabheka wakanzwa Isaka paaitaura naEsau mwanakomana wake. Esau ndokuenda kusango kunovhima nyama yemhuka kuti auye nayo.

6 Rabheka ndokutaura kuna Jakove mwanakomana wake, achiti: Tarira, ndanzwa baba vako vachitaura kuna Esau mukoma wako vachiti:

7 Ndivigire nyama yemhuka, ugondiitira zvinonaka kuti ndidye, ndigokuropafadza pamberi paJehovha ndisati ndafa.

8 Naizvozvo ikozvino mwanakomana wangu, teerera inzwi rangu kune zvandinokuraira.

9 Chidoenda kuboka rezvipfuwo, ugonditorere kubva ipapo mbudzana dzembudzi mbiri dzakanaka; zvino ndichaitira baba vako zvinonaka sezvavanoda;

10 ugoendesa kuna baba vako, vagodya, kuti vakuropafadze vasati vafa.

11 Jakove ndokuti kuna Rabheka mai vake: Tarirai, Esau mukoma wangu murume ane mvere, asi ndiri murume wakatsetseka.

12 Zvimwe baba vangu vachandipurudzira, ndokuva pameso avo sekumhura; zvino ndichazviuisira kutukwa uye kwete ropafadzo.

13 Mai vake ndokuti kwaari: Kutukwa kwako ngakuve pamusoro pangu, mwanakomana wangu; chete teerera inzwi rangu, ugoenda unditorere.

14 Zvino wakaenda, ndokudzitora, ndokudziunza kuna mai vake; mai vake ndokuita zvinonaka baba vake sezvavaida.

15 Zvino Rabheka wakatora nguvo dzakanaka dzaEsau mwanakomana wake mukuru, dzaaiva nadzo mumba, ndokudzipfekedza Jakove mwanakomana wake mudiki;

16 zvino zvikumba zvembudzana dzembudzi wakazviisa pamaoko ake nepakatsetseka pemutsipa wake.

17 Zvino wakapa zvinonaka nechingwa zvaaiva aita muruoko rwaJakove mwanakomana wake.

18 Iye ndokuenda kuna baba vake ndokuti: Baba vangu! Ivo ndokuti: Ndiri pano; ndiwe ani mwanakomana wangu?

19 Jakove ndokuti kuna baba vake: Ndini Esau dangwe renyu; ndaita sezvamandiudza; mukai henyu, garai mudye zvenyama yangu yemhuka, kuti mweya weupenyu wenyu undiropafadze.

20 Isaka ndokuti kumwanakomana wake: Sei waiwana nekukurumidza zvakadai mwanakomana wangu? Iye ndokuti: Nokuti Jehovha Mwari wenyu waiunza pamberi pangu.

21 Isaka ndokuti kuna Jakove: Swedera hako kuti ndikupurudzire, mwanakomana wangu, ndizive kuti uri mwanakomana wangu Esau amene here kana kwete.

22 Jakove ndokuswedera kuna Isaka baba vake; ivo ndokumupurudzira ndokuti: Inzwi inzwi raJakove, asi maoko maoko aEsau.

23 Asi haana kumuziva nokuti maoko ake aiva ane mvere semaoko emukoma wake Esau; naizvozvo wakamuropafadza.

24 Ndokuti: Ndiwe mwanakomana wangu Esau chaiye here? Iye ndokuti: Ndini.

25 Zvino wakati: Swededza kwandiri kuti ndidye zvenyama yemhuka yemwanakomana wangu, kuti mweya weupenyu wangu ukuropafadze. Jakove ndokuswededza kwaari, iye ndokudya; Jakove ndokumuvigira waini, iye ndokunwa.

26 Zvino Isaka baba vake vakati kwaari: Swedera hako ugonditsvoda, mwanakomana wangu.

27 Zvino wakaswedera ndokumutsvoda; ndokunzwa munhuhwi wenguvo dzake, ndokumuropafadza, ndokuti: Tarira, munhuhwi wemwanakomana wangu wakaita semunhuhwi wemunda Jehovha waakaropafadza.

28 Naizvozvo Mwari ngaakupe zvedova rekumatenga, uye zvekukora kwenyika, nezviyo newaini itsva zvakawanda.

29 Vanhu ngavakushumire, nemarudzi ngaakufugamire. Iva ishe wehama dzako, nevanakomana vamai vako ngavakufugamire. Anokutuka ngaatukwe, uye anokuropafadza ngaaropafadzwe.

30 Zvino zvakaitika Isaka paakapedza kuropafadza Jakove, uye Jakove wakati achangobuda pachiso chaIsaka baba vake, kuti Esau mukoma wake wakasvika achibva pakuvhima kwake.

31 Naiye wakaita zvinonaka ndokuuya nazvo kuna baba vake; ndokuti kuna baba vake: Baba vangu ngavamuke, vadye zvenyama yemhuka yemwanakomana wavo, kuti mweya weupenyu wenyu undiropafadze.

32 Zvino Isaka baba vake vakati kwaari: Ndiwe ani? Iye ndokuti: Ndini mwanakomana wenyu, dangwe renyu Esau.

33 Isaka ndokubvunda nekubvunda kukurusa, ndokuti: Ko ndiani wavhima nyama yemhuka akauya nayo kwandiri? Ndikadya zvayo zvose usati wasvika; zvino ndamuropafadza; hongu acharopafadzwa.

34 Esau wakati anzwa mashoko ababa vake, akachema nekuchema kukuru kunorwadza zvikurusa, ndokuti kuna baba vake: Ndiropafadzei, iniwo, baba vangu!

35 Zvino akati: Munin'ina wako wauya neunyengeri, ndokutora ropafadzo yako.

36 Zvino akati: Imhaka yekuti vakatumidza zita rake Jakove here, kuti wandinyengedzera kaviri aka; udangwe hwangu wakatora, zvino tarira, ikozvino watora ropafadzo yangu. Ndokuti: Hamuna kundichengetera ropafadzo here?

37 Isaka ndokupindura ndokuti kuna Esau: Tarira, ndamuita ishe wako, nehama dzake dzose ndapa kwaari vave varanda; uye ndamusimbisa nezviyo newaini itsva; saka chii chandingachakuitira, mwanakomana wangu?

38 Esau ndokuti kuna baba vake: Mune ropafadzo imwe yoga here, baba vangu? Ndiropafadzei iniwo, baba vangu. Esau ndokusimudza inzwi rake ndokuchema.

39 Zvino Isaka baba vake vakapindura ndokuti kwaari: Tarira, ugaro hwako huchava kure nekukora kwenyika, uye kure nedova rekumatenga rinobva kumusoro.

40 Uye nemunondo wako uchararama, uye uchashumira munin'ina wako. Asi zvichaitika pauchadzungaira, kuti uchavhuna joko rake ribve pamutsipa wako.

41 Zvino Esau wakavenga Jakove nekuda kweropafadzo baba vake yavakamuropafadza nayo. Esau ndokuti mumoyo make: Mazuva ekuchema baba vangu aswedera, zvino ndichauraya munin'ina wangu Jakove.

42 Zvino mashoko awa aEsau mwanakomana wake mukuru akaudzwa Rabheka, iye ndokutuma nhume kunodana Jakove mwanakomana wake mudiki, ndokuti kwaari: Tarira, Esau mukoma wako unozvivaraidza pamusoro pako kuti akuuraye.

43 Naizvozvo ikozvino, mwanakomana wangu, teerera inzwi rangu; ugosimuka uzvitizire kuna Rabhani hanzvadzi yangu kuHarani,

44 uye ugare naye mazuva mashoma, kusvika hasha dzemukoma wako dzaserera,

45 kusvika kutsamwa kwemukoma wako kwaserera kubva kwauri, uye akanganwa zvawamuitira; ipapo ndichatuma kuzokutora kubva ikoko; nemhaka yei ndicharasikirwa nemwi muri vaviri nemusi umwe?

46 Rabheka ndokuti kuna Isaka: Ndashungurudzika neupenyu hwangu nekuda kwevakunda vaHeti; kana Jakove akatora mukadzi kuvakunda vaHeti sevava, kuvakunda venyika ino, upenyu huchava chii kwandiri?