ShonaTeam Genesis « 26 »

Isaka ari paGerari anoita sungano naAbhimereki

26Zvino kwakava nenzara panyika, isiri nzara yekutanga yaivapo mumazuva aAbhurahama. Isaka ndokuenda kuna Abhimereki mambo wevaFirisitia kuGerari.

2 Jehovha ndokuonekwa kwaari, ndokuti: Usaburukira kuEgipita, gara munyika yandichakuudza;

3 gara semweni munyika iyi; uye ndichava newe ndigokuropafadza; nokuti kwauri nekuchizvarwa chako ndichapa nyika idzi dzose, uye ndichasimbisa mhiko yandakapika kuna Abhurahama baba vako.

4 Zvino ndichawanza chizvarwa chako senyeredzi dzematenga; uye ndichapa kuchizvarwa chako nyika idzi dzose; uye muchizvarwa chako marudzi ose enyika acharopafadzwa;

5 nokuti Abhurahama wakateerera inzwi rangu, nekuchengeta kuraira kwangu, mirairo yangu, zvimiso zvangu, nemitemo yangu.

6 Isaka ndokugara muGerari.

7 Varume venyika iyo ndokubvunza zvemukadzi wake. Iye ndokuti: Ihanzvadzi yangu; nokuti wakatya kuti: Mukadzi wangu. Zvimwe varume venzvimbo iyo vangandiuraya nekuda kwaRabheka, nokuti waiva akanaka pakutarisika.

8 Zvino zvakaitika avapo nguva refu kuti Abhimereki mambo wevaFirisitia wakatarira nepahwindo, ndokuona, zvino tarira, Isaka achitamba naRabheka mukadzi wake.

9 Abhimereki ndokudana Isaka ndokuti: Zvirokwazvo tarira, mukadzi wako; zvino wakataura sei uchiti: Ihanzvadzi yangu? Isaka ndokuti kwaari: Nokuti ndakati: Zvimwe ndingafa nekuda kwake.

10 Abhimereki ndokuti: Chii chawaita kwatiri? Zvanga zvakareruka kuti umwe wevanhu arare nemukadzi wako, zvino wounza mhosva pamusoro pedu.

11 Abhimereki ndokuraira vanhu vose, achiti: Anobata murume uyu kana mukadzi wake, achaurawa zvirokwazvo.

12 Zvino Isaka akadzvara munyika iyo, ndokuwana mugore iro zvakapetwa kane zana; Jehovha ndokumuropafadza.

13 Zvino munhu uyu wakava mukuru, ndokuenderera mberi akakura kusvika ava mukuru zvikuru.

14 Uye waiva nezvipfuwo zvemakwai nezvipfuwo zvemombe neushandiri uzhinji; naizvozvo vaFirisitia vakamugodora.

15 Zvino matsime ose varanda vababa vake avaiva vachera pamazuva aAbhurahama baba vake, vaFirisitia vakaadzivira, vakaafusira nevhu.

16 Abhimereki ndokuti kuna Isaka: Ibva kwatiri, nokuti une simba kwazvo kupfuura isu.

17 Isaka ndokubvapo, ndokudzika matende mumupata weGerari, ndokugarapo.

18 Isaka ndokucherazve matsime emvura, avaiva vachera pamazuva aAbhurahama baba vake, nokuti vaFirisitia vaiva vaadzivira shure kwekufa kwaAbhurahama. Ndokuatumidza mazita nemazita baba vake avaiva vaatumidza.

19 Varanda vaIsaka ndokuchera mumupata, ndokuwanapo tsime remvura inotubuka.

20 Vafudzi veGerari ndokukakavadzana nevafudzi vaIsaka, vachiti: Mvura ndeyedu. Zvino akatumidza zita retsime kuti Eseki, nokuti vakaita nharo naye.

21 Zvino vakachera rimwe tsime, ndokuriitirana nharozve; iye ndokutumidza zita raro Sitina.

22 Zvino wakaenderera mberi kubva ipapo, ndokuchera rimwe tsime, iro havana kuriitirana nharo. Ndokutumidza zita raro Rehobhoti, akati: Nokuti ikozvino Jehovha watiitira nzvimbo, uye tichabereka panyika.

23 Zvino wakakwira kubvapo kuenda Bheeri-Shebha.

24 Jehovha ndokuonekwa kwaari usiku ihwohwo ndokuti: Ndini Mwari waAbhurahama baba vako. Usatya nokuti ndinewe, uye ndichakuropafadza nekuwanza mbeu yako nekuda kwaAbhurahama muranda wangu.

25 Zvino wakavaka aritari ipapo, ndokudana muzita raJehovha, ndokudzika tende rake ipapo, zvino ipapo varanda vaIsaka vakachera tsime.

26 Zvino Abhimereki wakaenda kwaari kubva paGerari naAhuzati shamwari yake naFikori mukuru wehondo yake.

27 Isaka ndokuti kwavari: Mauyirei kwandiri, zvamunondivenga, uye makandidzinga kwamuri?

28 Ivo ndokuti: Taona zvirokwazvo kuti Jehovha anewe; naizvozvo tati: Ngapave hapo nemhiko pakati pedu, pakati pedu newe, uye ngatiite sungano newe,

29 kuti usatiitira chakaipa, sezvo tisina kukubata, uye sezvo takakuitira zvakanaka chete, uye takakuendesa murugare; iwe ikozvino uri muropafadzwa waJehovha.

30 Iye ndokuvaitira mabiko, ndokudya ndokunwa.

31 Zvino vakamuka mangwanani-ngwanani, ndokupikirana; Isaka ndokuvarega vachienda, zvino vakabva kwaari murugare.

32 Zvino zvakaitika nezuva iro, kuti varanda vaIsaka vakauya, ndokumuudza pamusoro penyaya yetsime ravaiva vachera, ndokuti kwaari: Tawana mvura.

33 Zvino akaritumidza kuti Shebha; naizvozvo zita reguta ndiBheeri-Shebha kusvika nhasi.

34 Zvino Esau wakati ava wemakore makumi mana ndokutora kuva mukadzi Judhiti mukunda waBheeri muHeti naBhasimati mukunda waEroni muHeti.

35 Ivavo vakava chishungurudzo chemoyo kuna Isaka nekuna Rabheka.