ShonaTeam Genesis « 24 »

Rabheka anotorwa kuva mukadzi waIsaka

24Zvino Abhurahama waiva akwegura, ava nemazuva mazhinji; naJehovha waiva aropafadza Abhurahama pazvinhu zvose.

2 Abhurahama ndokuti kumuranda wake, mukurusa weimba yake, waitonga pamusoro pezvose zvaaiva anazvo: Isa hako chanza chako pasi pechidya changu,

3 ndigokupikisa naJehovha, Mwari wematenga naMwari wepasi, kuti haungatoreri mwanakomana wangu mukadzi pavakunda vevaKenani vandinogara pakati pavo;

4 asi uchaenda kunyika yekwangu nekuhama dzangu, ugonotorera mwanakomana wangu Isaka mukadzi.

5 Zvino muranda wakati kwaari: Zvimwe mukadzi angasada kunditevera kunyika ino; ndingadzosera zvirokwazvo mwanakomana wenyu kunyika kwamakabva here?

6 Abhurahama ndokuti kwaari: Uzvichenjerere kuti urege kudzosera mwanakomana wangu ikoko.

7 Jehovha Mwari wekumatenga, wakanditora kubva paimba yababa vangu nekubva munyika yechizvarigo changu, uye wakataura neni, newakandipikira, achiti: Kuchizvarwa chako ndichapa nyika ino; iye achatuma mutumwa wake pamberi pako, kuti utorere ikoko mwanakomana wangu mukadzi.

8 Asi kana mukadzi asingadi kukutevera, ipapo iwe uchasununguka pamhiko yangu iyi; chete usadzosera mwanakomana wangu ikoko.

9 Muranda ndokuisa ruoko rwake pasi pechidya chaAbhurahama tenzi wake, ndokupika kwaari pamusoro penyaya iyi.

10 Muranda ndokutora makamera gumi pamakamera atenzi wake, ndokuenda; nenhumbi dzose dzakanaka dzatenzi wake dzaiva muruoko rwake; ndokusimuka ndokuenda kuMesopotamia kuguta raNahori.

11 Zvino wakafugamisa makamera kunze kweguta patsime remvura panguva yemadekwani, nguva iyo yekubuda kwevakadzi vekuchera mvura.

12 Zvino wakati: Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahama, ngazviitike kwandiri hazvo, muitire tsitsi tenzi wangu Abhurahama.

13 Tarirai, ndimire patsime remvura, uye vakunda vevanhu veguta vobuda kuzochera mvura.

14 Zvino ngazviitike, kuti musikana wandichati kwaari: Rerekawozve chirongo chako kuti ndinwe; iye ndokuti: Inwai, nemakamera enyuwo ndichaanwisa; ndiye wamakamisira muranda wenyu Isaka; uye naizvozvo ndichaziva kuti makaitira tenzi wangu tsitsi.

15 Zvino zvakaitika asati apedza kutaura, kuti tarira, Rabheka wakabuda, wakaberekerwa Bhetueri mwanakomana waMirika, mukadzi waNahori munin'ina waAbhurahama, uye chirongo chiri pafudzi rake.

16 Zvino musikana waiva akanaka kwazvo pakuonekera, mhandara, uye isina murume wakamboiziva; ndokuburukira kutsime, ndokuzadza chirongo chake, ndokukwira.

17 Zvino muranda wakamhanyira kunomuchingamidza, ndokuti: Dondinwisawo svimvura pachirongo chako.

18 Iye ndokuti: Inwai, ishe wangu. Zvino wakakurumidza ndokutura chirongo chake paruoko rwake, ndokumupa kuti anwe.

19 Zvino apedza kumupa kuti anwe wakati: Ndichachererawo makamera enyu kusvika apedza kunwa.

20 Zvino akakurumidza ndokudururira chirongo chake muchinwiro, ndokumhanyirazve kutsime kunochera, ndokucherera makamera ake ose.

21 Murume ndokumutarisisa anyerere, kuti azive kuti Jehovha abudiririsa rwendo rwake kana kwete.

22 Zvino zvakaitika makamera apedza kunwa, kuti murume wakatora chindori chegoridhe chine uremu hwehafu yeshekeri, nezvishongo zviviri zvemaoko ake, uremu hwazvo hwaiva mashekeri gumi egoridhe;

23 ndokuti: Uri mukunda waani? Ndiudze hako. Kune nzvimbo yedu here kumba kwababa vako kuti tirare?

24 Iye ndokuti kwaari: Ndiri mukunda waBhetueri mwanakomana waMirika waakaberekera Nahori.

25 Akatiwo kwaari: Zvose tinazvo majanga nekudya kwezvipfuwo kuzhinji, nenzvimbo yekurara.

26 Murume ndokukotama, ndokunamata Jehovha.

27 Zvino wakati: Ngaarumbidzwe Jehovha Mwari watenzi wangu Abhurahama, asina kurega nyasha dzake nekutendeka kwake kuna tenzi wangu; ndiri ini, ndiri munzira, Jehovha wakanditungamirira kumba kwehama dzatenzi wangu.

28 Zvino musikana wakamhanya, ndokunoudza veimba yamai vake zvezvinhu izvi.

29 Zvino Rabheka waiva nehanzvadzi, nezita rake raiva Rabhani; Rabhani ndokumhanyira panze kumurume kutsime.

30 Uye zvakaitika paakaona chindori nezvishongo pamaoko ehanzvadzi yake, uye wakati anzwa mashoko aRabheka hanzvadzi yake, achiti: Ndizvo zvataura murume kwandiri; kuti wakaenda kumurume, zvino tarira, amire pamakamera patsime.

31 Zvino wakati: Pinda iwe wakaropafadzwa waJehovha; wakamirirei kunze? Nokuti ini ndagadzirira imba nenzvimbo yemakamera.

32 Murume ndokuuya mumba, ndokusunungura makamera. Makamera ndokupiwa majanga nezvekudya zvezvipfuwo, akapiwawo mvura yekushambidza tsoka dzake netsoka dzevarume vaiva naye.

33 Zvino kwakagadzikwa pamberi pake kudya kuti adye; asi iye wakati: Handingadyi kusvika ndataura shoko rangu. Iye ndokuti: Taura.

34 Zvino wakati: Ndiri muranda waAbhurahama.

35 Zvino Jehovha wakaropafadza tenzi wangu zvikuru, kusvika ava mukuru, wakamupawo makwai, nemombe, nesirivha, negoridhe, nevarandarume, nevarandakadzi, nemakamera, nembongoro.

36 NaSara mukadzi watenzi wangu wakaberekera tenzi wangu mwanakomana shure kwekunge akwegura; zvino wakamupa zvose zvaanazvo.

37 Zvino tenzi wangu wakandipikisa achiti: Usatorera mwanakomana wangu mukadzi kuvakunda vevaKenani, vandinogara munyika mavo;

38 asi uchaenda kuimba yababa vangu nekuhama dzangu, ugonotorera mwanakomana wangu mukadzi.

39 Zvino ndakati kuna tenzi wangu: Zvimwe mukadzi haanganditeveri.

40 Iye ndokuti kwandiri: Jehovha wandinogarofamba pamberi pake achatuma mutumwa wake newe, uye achabudiririsa nzira yako; zvino uchatorera mwanakomana wangu mukadzi kubva kuhama dzangu uye kuimba yababa vangu.

41 Ipapo uchazosununguka pamhiko yangu, kana wasvika kuhama dzangu, uye kana vasingakupi iye, ipapo uchasununguka pamhiko yangu.

42 Zvino ndasvika nhasi kutsime, ndokuti: Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahama, kana muchibudiririsa henyu nzira yangu yandinofamba nayo;

43 tarirai, ndimire patsime remvura; zvino ngazviitike kuti mhandara inobuda kuzochera, ndikati kwaari: Dondipawo svimvura pachirongo chako, ndinwe;

44 iye ndokuti kwandiri: Inwai imwiwo, uye ndichacherera makamera enyu; ave ndiye mukadzi Jehovha waakatsaurira mwanakomana watenzi wangu.

45 Ndisati ndapedza kutaura mumoyo mangu, tarira, Rabheka wabuda ane chirongo pafudzi rake; ndokuburukira kutsime, ndokuchera. Zvino ndati kwaari: Dondipawo ndinwe.

46 Iye ndokukurumidza, ndokutura chirongo chake kubva paari ndokuti: Inwai, uye ndichanwisa makamera enyuwo; ini ndokunwa, uye akanwisa makamerawo.

47 Zvino ndamubvunza ndokuti: Uri mukunda waani? Iye ndokuti: Mukunda waBhetueri mwanakomana waNahori, Mirika waakamuberekera; zvino ndaisa chindori mumhino dzake, nezvishongo pamaoko ake.

48 Zvino ndikakotama, ndokunamata Jehovha, ndikakudza Jehovha Mwari watenzi wangu Abhurahama, iye wakanditungamirira panzira yakarurama, kuti mukunda wemunin'ina watenzi wangu ndimutorere mwanakomana wake.

49 Zvino ikozvino kana muchiitira tenzi wangu ngoni nekutendeka, ndiudzei; uye kana zvisakadaro, ndiudzei, kuti nditendeukire kurudyi kana kuruboshwe.

50 Ipapo Rabhani naBhetueri vakapindura ndokuti: Chinhu ichi chinobva kuna Jehovha; hatigoni kutaura kwauri chakaipa kana chakanaka.

51 Tarira, Rabheka ari pamberi pako, tora uende, kuti ave mukadzi wemwanakomana watenzi wako, Jehovha sezvaakareva.

52 Zvino zvakaitika, kuti muranda waAbhurahama paakanzwa mashoko avo, wakakotamira pasi pamberi paJehovha.

53 Muranda ndokubudisa zvishongo zvesirivha, nezvishongo zvegoridhe, nenguvo, ndokupa kuna Rabheka, akapawo hanzvadzi yake namai vake zvinhu zvinokosha.

54 Zvino vakadya ndokunwa, iye nevarume vaiva naye, ndokurara, ndokumuka mangwanani, iye ndokuti: Ndiregei ndiende kuna tenzi wangu.

55 Asi hanzvadzi yake namai vake vakati: Musikana ngaagare nesu mazuva kana gumi, shure kweizvozvi angaenda.

56 Zvino wakati kwavari: Musandinonosa, Jehovha zvaakabudiririsa nzira yangu; regai ndiende kuti ndiende kuna tenzi wangu.

57 Ivo ndokuti: Ngatidane musikana, tibvunze pamuromo wake.

58 Zvino vakadana Rabheka, ndokuti kwaari: Uchaenda nemurume uyu here? Iye ndokuti: Ndichaenda.

59 Zvino vakarega Rabheka hanzvadzi yavo achienda, nemureri wake, nemuranda waAbhurahama nevarume vake.

60 Zvino vakaropafadza Rabheka, ndokuti kwaari: Iwe hanzvadzi yedu, uve zvuru zvemamiriyoni, uye chizvarwa chako ngachive varidzi vesuwo revanochivenga.

61 Zvino Rabheka wakasimuka nevasikana vake, ndokutasva makamera, ndokutevera murume uyo; muranda ndokutora Rabheka, ndokuenda.

62 Zvino Isaka wakasvika kubva pamusuwo wetsime Rahai-Royi; nokuti waigara kunyika yekuchamhembe.

63 Zvino Isaka wakabuda kunorangarira kusango kovira; ndokusimudza meso ake, ndokuona, zvino tarira, makamera anouya.

64 Zvino Rabheka wakasimudza meso ake; ndokuti aona Isaka akazviwisa kubva pakamera.

65 Ndokuti kumuranda: Ndiani murume uyu anofamba musango kuzotichingamidza? Muranda ndokuti: Nditenzi wangu. Iye ndokutora vheiri yake, ndokuzvifukidza.

66 Zvino muranda wakarondedzera Isaka zvinhu zvose zvaaiva aita.

67 Isaka ndokumuisa mutende ramai vake Sara, ndokutora Rabheka, ndokuva mukadzi wake; ndokumuda. Isaka ndokunyaradzwa shure kwekufa kwamai vake.