ShonaTeam Genesis « 23 »

Kufa kwaSara

23Zvino upenyu hwaSara hwaiva makore zana nemakore makumi maviri nemanomwe; ndiwo makore eupenyu hwaSara.

2 Sara ndokufira paKiriyati-Aribha ndiro Hebhuroni panyika yeKenani. Abhurahama ndokuuya ndokuchema Sara nekumuririra.

3 Zvino Abhurahama wakasimuka pachiso chewakafa wake, ndokutaura kuvanakomana vaHeti, achiti:

4 Ndiri mutorwa nemweni ndinemwi, ndipei nzvimbo yangu yeguva pakati penyu, kuti ndivige wakafa wangu kubva pachiso changu.

5 Zvino vanakomana vaHeti vakapindura Abhurahama vachiti kwaari:

6 Tinzwei, ishe wangu, muri muchinda ane simba pakati pedu; vigai wakafa wenyu paguva rakanaka pamakuva edu; hakuna umwe wedu angakunyimai guva rake kuti musaviga wakafa wenyu.

7 Zvino Abhurahama wakasimuka, ndokukotamira kuvanhu venyika iyo, kuvanakomana vaHeti,

8 ndokutaura navo achiti: Kana chiri chido chenyu kuti ndivige wakafa wangu kubva pachiso changu, ndinzwei, mundikumbirire kuna Efuroni mwanakomana waZohari,

9 kuti andipe bako reMakipera raanaro, riri pamagumo emunda wake, andipe iroro nemari yakazara, ive nzvimbo yangu yeguva pakati penyu.

10 Zvino Efuroni waiva agere pakati pevanakomana VaHeti; Efuroni muHeti ndokupindura Abhurahama munzeve dzevanakomana VaHeti, dzevose vaipinda pasuwo reguta rake, achiti:

11 Kwete, ishe wangu, ndinzwei; munda ndinokupai, nebako riri mauri ndinoripa kwamuri; pamberi pemeso evanakomana vevanhu vangu ndinoripa kwamuri; vigai wakafa wenyu.

12 Abhurahama ndokukotamira pasi pamberi pevanhu venyika iyo.

13 Zvino wakataura kuna Efuroni munzeve dzevanhu venyika achiti: Asi kana uri iwe, nditeerere hako; ndichapa mari yemunda; ugamuchire kwandiri, ndigoviga wakafa wangupo.

14 Efuroni ndokupindura Abhurahama achiti kwaari:

15 Ishe wangu, nditeererei; munda mashekeri esirivha mazana mana, chii ichocho pakati pangu nemwi? Naizvozvo vigai wakafa wenyu.

16 Abhurahama ndokuteerera kuna Efuroni. Zvino Abhurahama wakayerera Efuroni sirivha yaakareva munzeve dzevanakomana VaHeti, mashekeri esirivha mazana mana, anogamuchirwa kumutengesi.

17 Naizvozvo munda waEfuroni waiva uri paMakipera pakatarisana neMamure, munda nebako raiva ririmo, nemiti yose yaiva iri mumunda yaiva iri pamiganhu yose yakapoteredza zvakasimbiswa

18 kuna Abhurahama kuva zvake pamberi pemeso evanakomana VaHeti, pakati pevose vaipinda pasuwo reguta rake.

19 Zvino shure kweizvi Abhurahama wakaviga Sara mukadzi wake mubako remunda weMakipera pakatarisana neMamure, ndiro Hebhuroni panyika yeKenani.

20 Zvino munda nebako raivamo zvakasimbiswa kuna Abhurahama kuva nzvimbo yake yeguva kubva kuvanakomana VaHeti.