ShonaTeam Genesis « 22 »

Abhurahama anorairwa kubaira Isaka

22Zvino zvakaitika shure kwezvinhu izvi kuti Mwari wakaedza Abhurahama ndokuti kwaari: Abhurahama! Iye ndokuti: Tarirai ndini.

2 Ndokuti: Tora hako mwanakomana wako, umwe chete wako, waunoda, Isaka, ugozviendera kunyika yeMoria; ugomubaira ipapo ave chibairo chinopiswa pamusoro perimwe remakomo randichakuudza.

3 Abhurahama ndokumuka mangwanani-ngwanani, ndokusungira chigaro pambongoro yake, ndokutora vaviri vemajaya ake pamwe naye, naIsaka mwanakomana wake. Zvino wakatsemura huni dzechibairo chinopiswa, ndokusimuka ndokuenda kunzvimbo Mwari yaakamuudza.

4 Zvino nezuva retatu Abhurahama wakasimudza meso ake ndokuona nzvimbo iri kure.

5 Abhurahama ndokuti kumajaya ake: Imwi sarai pano nembongoro, zvino ini nemukomana tichienda uko nekunoshumira, tigodzoka kwamuri.

6 Abhurahama ndokutora huni dzechibairo chinopiswa, ndokutakudza pana Isaka mwanakomana wake; ndokutora moto nebanga muruoko rwake, ndokuenda vari vaviri pamwe.

7 Isaka ndokutaura kuna Abhurahama baba vake ndokuti: Baba vangu! Iye ndokuti: Ndiri pano, mwanakomana wangu. Iye ndokuti: Tarirai, moto nehuni; asi gwayana rechibairo chinopiswa riripi?

8 Abhurahama ndokuti: Mwari achazvionera gwayana rechibairo chinopiswa, mwanakomana wangu; saizvozvo vakafamba vari vaviri pamwe.

9 Zvino vakasvika panzvimbo Mwari yaaiva amuudza; Abhurahama ndokuvakapo aritari; ndokurongedza huni; ndokusunga Isaka mwanakomana wake, ndokumuisa paaritari pamusoro pehuni.

10 Zvino Abhurahama wakatandavadza ruoko rwake, ndokutora banga kuti abaye mwanakomana wake.

11 Zvino mutumwa waJehovha wakadanidzira kwaari kubva kumatenga ndokuti: Abhurahama! Abhurahama! Iye ndokuti: Ndiri pano.

12 Zvino wakati: Usaisa ruoko rwako pamukomana, kana kumuitira chinhu, nokuti ikozvino ndinoziva kuti unotya Mwari, sezvo usina kundinyima mwanakomana wako umwe chete wako.

13 Abhurahama ndokusimudza meso ake, ndokuona, zvino tarira gondohwe shure raiva rakabatwa mudenhere nenyanga dzaro. Abhurahama ndokuenda ndokutora gondohwe, ndokuribaira kuva chibairo chinopiswa panzvimbo yemwanakomana wake.

14 Abhurahama ndokutumidza zita renzvimbo iyo kuti Jehovha-Jire; sezvo kuchinzi nanhasi: Pagomo raJehovha zvichaonerwa.

15 Zvino mutumwa waJehovha wakadanidzira kuna Abhurahama rwechipiri kubva kumatenga,

16 ndokuti: Ndakapika neni ndomene, anoreva Jehovha, nekuda kwekuti waita chinhu ichi, uye hauna kunyima mwanakomana wako, umwe chete wako;

17 ndichakuropafadza nekuropafadza zvirokwazvo, uye ndichawanza nekuwanza chizvarwa chako senyeredzi dzekumatenga, uye sejecha riri pamahombekombe egungwa; uye chizvarwa chako chichava varidzi vesuwo revavengi vacho;

18 nemuchizvarwa chako marudzi ose enyika acharopafadzwa, nokuti wakateerera kuinzwi rangu.

19 Zvino Abhurahama wakadzokera kumajaya ake; zvino vakasimuka ndokuenda vose kuBheeri-Shebha; Abhurahama ndokugara paBheeri-Shebha.

20 Zvino zvakaitika shure kwezvinhu izvi, kuti kwakaudzwa Abhurahama zvichinzi: Tarira, Mirika iye wakaberekerawo munin'ina wako Nahori vana:

21 Uzi dangwe rake, naBhuzi munin'ina wake, naKemueri baba vaAramu,

22 naKesedhi, naHazo, naPiradhashi, naJidhirafi, naBhetueri.

23 Bhetueri ndokubereka Rabheka. Ava vasere Mirika wakavaberekera Nahori, munin'ina waAbhurahama.

24 Nemurongo wake, wainzi Reuma, iye wakaberekawo Tebha, naGahami, naTahashi, naMaaka.