ShonaTeam Genesis « 20 »

Abhurahama naAbhimereki

20Zvino Abhurahama wakafamba kubva ipapo kuenda kunyika yekuchamhembe, ndokugara pakati peKadheshi neShuri, ndokuva mutorwa muGerari.

2 Abhurahama ndokuti maererano naSara mukadzi wake: Ihanzvadzi yangu. Zvino Abhimereki mambo weGerari wakatuma nhume ndokutora Sara.

3 Asi Mwari wakauya kuna Abhimereki muchiroto usiku, ndokuti kwaari: Tarira, wakafa nekuda kwemukadzi wawatora, nokuti akaroorwa kumurume.

4 Asi Abhimereki waiva asina kuswedera kwaari. Zvino wakati: Ishe, muchaurayawo rudzi rwakarurama here?

5 Haasi iye here wati kwandiri: Ihanzvadzi yangu? Naiye, iyewo wati: Ihanzvadzi yangu. Pakururama kwemoyo wangu nepakuchena kwemaoko angu ndaita izvi.

6 Mwari ndokuti kwaari muchiroto: Neni ndinoziva kuti wakaita ichi pakururama kwemoyo wako; neniwo ndikakudzivisa kuti urege kunditadzira; naizvozvo handina kukutendera kumubata.

7 Naizvozvo ikozvino dzosera mukadzi wemurume, nokuti muporofita; zvino achakunyengeterera ugorarama; asi kana ukasamudzosera, ziva kuti uchafa zvirokwazvo, iwe nevose vako.

8 Abhimereki ndokumuka mangwanani-ngwanani, ndokudana varanda vake vose, ndokutaura mashoko awa ose munzeve dzavo; varume ndokutya zvikuru.

9 Abhimereki ndokudana Abhurahama, ndokuti kwaari: Chii chawatiitira? Uye chii chandakutadzira, kuti uuise pamusoro pangu nepamusoro peushe hwangu chivi chikuru? Waita kwandiri zviito zvisingafaniri kuitwa.

10 Abhimereki ndokuti kuna Abhurahama: Waonei zvawakaita chinhu ichi?

11 Abhurahama ndokuti: Nokuti ndakafunga kuti: Zvirokwazvo kutya Mwari hakumo munzvimbo ino; uye vachandiuraya nekuda kwemukadzi wangu.

12 Zvakadarowo zvirokwazvo ihanzvadzi yangu, mukunda wababa vangu, asi haasi mukunda wamai vangu; ndokuva mukadzi wangu.

13 Zvino zvakaitika Mwari paakandidzungaidza kubva paimba yababa vangu, kuti ndakati kwaari: Idzi itsitsi dzako dzauchandiitira: Panzvimbo dzose patichasvika, uti pamusoro pangu: Ihanzvadzi yangu.

14 Abhimereki ndokutora makwai nemombe nevarandarume nevarandakadzi, ndokupa kuna Abhurahama, ndokumudzosera Sara mukadzi wake.

15 Zvino Abhimereki wakati: Tarira, nyika yangu iri pamberi pako; gara pakanaka pameso ako.

16 Nekuna Sara wakati: Tarira, ndapa hanzvadzi yako churu chemakobiri esirivha; tarira, chifukidziro chemeso ako kune vose vanewe, nevose, naizvozvo wakatsiurwa.

17 Zvino Abhurahama wakanyengetera kuna Mwari; Mwari ndokuporesa Abhimereki nemukadzi wake nevarandakadzi vake kuti vabereke.

18 Nokuti Jehovha waiva avhara-vhara zvizvaro zvose zveveimba yaAbhimereki nekuda kwaSara mukadzi waAbhurahama.