ShonaTeam Genesis « 19 »

Kuparadzwa kweSodhoma neGomora

19Zvino vatumwa vaya vaviri vakasvika kuSodhoma madekwani. Uye Roti waiva agere pasuwo reSodhoma. Zvino Roti achivaona ndokusimuka kunovachingamidza, ndokukotamira pasi nechiso;

2 ndokuti: Tarirai henyu, madzishe angu, tsaukirai henyu mumba memuranda wenyu, mugogara usiku, uye mushambe tsoka dzenyu, mugofumira mofamba nzira yenyu. Zvino vakati: Kwete asi tichagara usiku panzira.

3 Zvino wakavagombedzera zvikuru kusvika vatendeukira kwaari ndokupinda mumba make; iye ndokuvaitira mabiko, ndokubika chingwa chisina mbiriso, zvino vakadya.

4 Vasati varara, varume veguta, varume veSodhoma, vakakomba imba, kubva kumudiki kusvika kumukuru, vanhu vose kubva kumugumo.

5 Zvino vakadana kuna Roti ndokuti kwaari: Varipi varume vasvika kwauri usiku huno? Vabudisire kwatiri kuti tivazive.

6 Roti ndokubudira kwavari kumusuwo, ndokuvhara musuwo shure kwake.

7 Ndokuti: Ndinokukumbirai, hama dzangu, musaita zvakaipa.

8 Tarirai henyu, ndine vakunda vaviri vasina kuziva murume, regai henyu ndivabudisire kwamuri, muvaitire sezvakanaka pameso enyu; koga kuvarume ava, musaita chinhu, nokuti ndizvo zvavakapindira mumumvuri wedenga reimba rangu.

9 Asi vakati: Sudurukira uko! Vakatizve: Uyu oga wakauya kuva mweni, zvino zvirokwazvo angava mutongi here? Ikozvino tichaita zvakaipa kwauri kupfuura ivo. Vakamanikidza zvikuru murume Roti, vakaswedera kuputsa gonhi.

10 Asi varume vaya vakatandavadza ruoko rwavo, ndokukwevera Roti mumba mavari, ndokupfiga gonhi.

11 Zvino vakarova varume vaiva pamusuwo weimba neupofu-pofu, kubva kumudiki kusvika kumukuru, kusvika vaneta nekutsvaka musuwo.

12 Varume ndokuti kuna Roti: Uchine vana ani pano? Mukwasha, nevanakomana vako, nevakunda vako, newose waunaye muguta, mubudise panzvimbo ino.

13 Nokuti tichaparadza nzvimbo ino, nokuti kuchema kwavo kukuru pamberi pechiso chaJehovha; zvino Jehovha watituma kuiparadza.

14 Zvino Roti wakabuda ndokutaura nevakwasha vake, vaizowana vakunda vake, ndokuti: Simukai mubude munzvimbo ino; nokuti Jehovha achaparadza guta. Asi wakaita seanoita musara pameso evakwasha vake.

15 Zvino utonga huchitsvuka, vatumwa vakambandidzira Roti vachiti: Simuka, tora mukadzi wako nevakunda vako vaviri vari pano, zvimwe ungaparadzwa mukurangwa kweguta.

16 Wakati achinonoka varume vakabata ruoko rwake neruoko rwemukadzi wake, neruoko rwevakunda vake vaviri, kubudikidza netsitsi dzaJehovha pamusoro pake, ndokumubudisa, ndokumuisa kunze kweguta.

17 Zvino zvakaitika vavabudisa kunze, kuti wakati: Pukunyuka nekuda kweupenyu hwako, usacheuka shure kwako, kana kumira pabani rose; pukunyukira kugomo, zvimwe ungaparadzwa.

18 Roti ndokuti kwavari: Kwete hazvo, Ishe wangu.

19 Tarirai henyu, muranda wenyu wawana nyasha pameso enyu, uye makurisa tsitsi dzenyu dzamaitira kwandiri kuponesa upenyu hwangu; asi ini handigoni kupunyukira kugomo, zvimwe zvakaipa zvingandinamatira ndokufa.

20 Tarirai zvino, guta iri riri pedo kutizirako; uye idiki. Regai henyu ndipukunyukireko. Harisi diki here? Ipapo mweya weupenyu wangu uchararama.

21 Zvino wakati kwaari: Tarira, ndagamuchira chiso chako pachinhu ichiwo, kuti ndisaparadza guta rawareva.

22 Kurumidza, pukunyukirako; nokuti handigoni kuita chinhu kusvika wasvikapo. Naizvozvo vakatumidza zita reguta kuti Zoari.

23 Zuva raiva rabuda panyika Roti paakapinda paZoari.

24 Zvino Jehovha wakanaisa pamusoro peSodhoma nepamusoro peGomora sarufa nemoto kubva kuna Jehovha kubva kumatenga.

25 Zvino wakaparadza maguta awo, nebani rose, nevagari vose vemaguta, nezvaibukira zvevhu.

26 Asi mukadzi wake wakacheuka ari shure kwake, ndokuva mbiru yemunyu.

27 Zvino Abhurahama wakamuka mangwanani-ngwanani akaenda kunzvimbo kwaaiva amira pamberi paJehovha.

28 Zvino wakatarira pasi kuSodhoma neGomora nekunyika yose yebani, ndokuona, zvino tarira, mbwititi yenyika iyo ichikwira sembwititi yechoto.

29 Zvino zvakaitika Mwari achiparadza maguta ebani, kuti Mwari wakarangarira Abhurahama, akatungamirira Roti achimubudisa pakati pekuparadzwa, paakaparadza maguta maiva muchigara Roti.

30 Zvino Roti wakakwira kubuda muZoari, ndokugara mugomo, nevakunda vake vaviri pamwe naye; nokuti wakatya kugara muZoari; ndokugara mubako, iye nevakunda vake vaviri.

31 Zvino dangwe rakati kumudiki: Baba vedu vakwegura, uye hakuna murume panyika angapinda kwatiri nemutoo wenyika yose.

32 Uya tinwise baba vedu waini, tigorara navo kuti tichengete chizvarwa kubva kuna baba vedu.

33 Zvino vakanwisa baba vavo waini usiku ihwohwo, dangwe ndokupinda ndokurara nababa vake; asi havana kuziva pakurara kwake pasi kana pakumuka kwake.

34 Zvino zvakaitika chifume kuti dangwe rakati kumudiki: Tarira, ndakarara nababa vangu usiku hwapfuura; ngativanwise waini usiku hunowo, ugopinda urare navo kuti tichengete chizvarwa kubva kuna baba vedu.

35 Zvino vakanwisa baba vavo waini usiku ihwohwowo; mudiki ndokusimuka, ndokurara navo; asi havana kuziva pakurara kwake pasi kana pakumuka kwake.

36 Saizvozvo vakunda vaRoti vaviri vakava nemimba kuna baba vavo.

37 Zvino dangwe rakabereka mwanakomana, ndokutumidza zita rake kuti Moabhu; ndiye baba vevaMoabhu kusvika zuva rino.

38 Nemudiki, iye wakaberekawo mwanakomana, ndokutumidza zita rake kuti Bheni-Ami; ndivo baba vevana vaAmoni kusvika zuva rino.