ShonaTeam Genesis « 18 »

Abhurahama anovimbiswa mwana

18Zvino Jehovha wakaonekwa kwaari pamiouki* yeMamure iye agere pamusuwo wetende pakupisa kwezuva,

2 ndokusimudza meso ake ndokuona, zvino tarira, varume vatatu vamire naye; paakavaona wakamhanya kubva pamusuwo wetende kunovachingamidza, ndokukotamira pasi,

3 ndokuti: Ishe, kana ikozvino ndawana nyasha pameso penyu, musapfuura henyu kubva pamuranda wenyu.

4 Ngakuuiswe hako mvura shoma, mugoshambidza tsoka dzenyu, uye muzembere pasi pemuti.

5 Zvino ndichaunza chimedu chechingwa, mugosimbisa moyo yenyu; shure kwaizvozvo mopfuura, nokuti ndizvo zvamapfuurira nekumuranda wenyu. Ivo ndokuti: Ita saizvozvo sezvawataura.

6 Abhurahama ndokukurumidza kuenda mutende kuna Sara, ndokuti: Kurumidza ugadzire zviyero zvitatu zveupfu hwakatsetseka! Kanya, ugoita makeke.

7 Abhurahama ndokumhanyira kumombe, ndokutora mhuru ine nyama yakapfava uye yakanaka, ndokupa kujaya; iro ndokukurumidza kuigadzira.

8 Zvino wakatora mukaka wakafa, nemukaka mumbishi, nemhuru yaaiva agadzira, ndokuunza pamberi pavo; ndokumira pedo navo muzasi memuti, ivo ndokudya.

9 Ivo ndokuti kwaari: Uripi Sara mukadzi wako? Iye ndokuti: Tarirai, mutende.

10 Zvino wakati: Zvirokwazvo ndichadzoka kwauri nenguva iyi yeupenyu; zvino tarira, Sara mukadzi wako achava nemwanakomana. Sarawo akazvinzwa ari pamusuwo wetende waiva shure kwake.

11 Zvino Abhurahama naSara vaiva vakwegura, vava nemakore mazhinji. Mutoo wevakadzi waiva waguma kuna Sara.

12 Naizvozvo Sara wakaseka mukati make achiti: Ndakwegura, ndingava nemufaro here, naishe wangu achemberawo?

13 Jehovha ndokuti kuna Abhurahama: Sara wasekerei achiti: Zvirokwazvo ndichabereka ini ndakwegura here?

14 Kune chinhu chinorema kukunda Jehovha here? Nenguva yakatarwa ndichadzoka kwauri, nenguva ino yeupenyu, uye Sara achava nemwanakomana.

15 Sara ndokuramba achiti: Handina kuseka; nokuti waitya. Asi iye wakati: Kwete asi waseka.

Abhurahama anonyengeterera Sodhoma

16 Zvino varume vakasimuka kubva ipapo ndokutarira pasi kuSodhoma; Abhurahama ndokuenda navo kuvaperekedza.

17 Zvino Jehovha wakati: Ndichavanzira Abhurahama zvandinoita here?

18 Nokuti zvirokwazvo Abhurahama achava rudzi rukuru uye rune simba; uye marudzi ose enyika acharopafadzwa nemaari.

19 Nokuti ndakamuziva, kuti araire vana vake neimba yake shure kwake, vagochengeta nzira yaJehovha kuita kururama nekutonga; kuti Jehovha aunze pamusoro paAbhurahama izvo zvaakataura maererano naye.

20 Jehovha ndokuti: Nokuti kuchema kweSodhoma neGomora kukuru, uye nokuti chivi chavo chinorema zvikuru,

21 ndichaburuka ikozvino ndigoona kana vakaita zvizere zvinoenderana nekuchema kwaro kwasvika kwandiri; asi kana zvisina kudaro, ndichaziva.

22 Zvino varume vakafuratira ipapo, ndokuenda kuSodhoma; asi Abhurahama waiva achakamira pamberi paJehovha.

23 Zvino Abhurahama wakaswedera, ndokuti: Muchaparadzawo wakarurama pamwe newakaipa here?

24 Zvimwe varipo vakarurama makumi mashanu mukati meguta; muchaparadzawo mukasaregerera nzvimbo nekuda kwevakarurama makumi mashanu vari mariri here?

25 Ngazvive kure nemwi kuita chinhu chakadaro, kuuraya wakarurama pamwe newakaipa, kuti wakarurama ave sewakaipa; ngazvive kure nemwi. Mutongi wenyika yose haangaiti zvakarurama here?

26 Jehovha ndokuti: Kana ndikawana muSodhoma vakarurama makumi mashanu mukati meguta, ipapo ndicharegerera nzvimbo yose nekuda kwavo.

27 Zvino Abhurahama wakapindura ndokuti: Tarirai henyu, ndazvipira kutaura kuna Ishe kunyange ndiri guruva nedota.

28 Zvimwe kuchashaikwa vashanu kuvakarurama makumi mashanu; muchaparadza guta rose nekuda kwevashanu here? Iye ndokuti: Handingariparadzi kana ndikawanamo makumi mana nevashanu.

29 Zvino wakaramba achitaurazve naye ndokuti: Zvimwe kuchawanikwamo makumi mana. Iye ndokuti: Handingazviiti nekuda kwemakumi mana.

30 Zvino wakati: Ishe ngaarege hake kutsamwa, apo ndichitaura. Zvimwe makumi matatu vachawanikwamo. Iye ndokuti: Handingazviiti kana ndikawanamo makumi matatu.

31 Zvino wakati: Tarira ikozvino, ndazvipira kutaura kuna Ishe; zvimwe kuchawanikwamo makumi maviri. Iye ndokuti: Handingariparadzi nekuda kwemakumi maviri.

32 Zvino wakati: Ishe ngaarege hake kutsamwa, ndichataurazve ikozvino kamwe; zvimwe kuchawanikwamo gumi. Iye ndokuti: Handingariparadzi nekuda kwevane gumi.

33 Zvino Jehovha wakafamba paaiva apedza kutaura naAbhurahama; Abhurahama ndokudzokera kunzvimbo yake.