ShonaTeam Genesis « 16 »

Hagari naIshimaeri

16Zvino Sarai mukadzi waAbhuramu waiva asingamuberekeri uye waiva nemurandakadzi, muEgipita, uye zita rake raiva Hagari.

2 Sarai ndokuti kuna Abhuramu: Tarira hako, Jehovha wakandidzivisa kubereka; pinda hako kumurandakadzi wangu; zvimwe ndingavakwa naye. Abhuramu ndokuteerera kuinzwi raSarai.

3 Zvino Sarai mukadzi waAbhuramu wakatora Hagari muEgipita murandakadzi wake, pakupera kwemakore gumi Abhuramu agere panyika yeKenani, ndokumupa kuna Abhuramu murume wake kuva mukadzi kwaari.

4 Zvino wakapinda kuna Hagari, iye ndokubata mimba. Zvino wakati aona kuti wabata mimba, vatenzikadzi vake vakashoreka pameso ake.

5 Sarai ndokuti kuna Abhuramu: Kukanganiswa kwangu kuri pamusoro pako. Ini ndakapa murandakadzi wangu pachipfuva chako, zvino waona kuti wabata mimba, ndinoshoreka pameso ake. Jehovha ngaatonge pakati pangu newe.

6 Abhuramu ndokuti kuna Sarai: Tarira, murandakadzi wako ari paruoko rwako. Muitire zvakanaka pameso ako. Zvino Sarai wakamubata zvakaipa, iye ndokutiza pachiso chake.

7 Mutumwa waJehovha ndokumuwana pachitubu chemvura murenje, pachitubu panzira yeShuri.

8 Zvino wakati: Hagari, murandakadzi waSarai, unobvepi, uye unoendepi? Iye ndokuti: Ndinotiza pachiso chaSarai vatenzikadzi vangu.

9 Mutumwa waJehovha ndokuti kwaari: Dzokera kuna vatenzikadzi vako, ugozvininipisa pasi pemaoko avo.

10 Mutumwa waJehovha ndokuti kwaari: Ndichawanza zvikuru chizvarwa chako kuti chisaverengwa nekuwanda.

11 Mutumwa waJehovha ndokuti kwaari: Tarira, une mimba, uye uchabereka mwanakomana, uye uchatumidza zita rake Ishimaeri, nokuti Jehovha wanzwa kutambudzika kwako.

12 Iyewo achava munhu ari mbongoro yemusango; ruoko rwake rwucharwisa vose, neruoko rwevose rwuchamurwisa; uye achagara pamberi pechiso chehama dzake dzose.

13 Zvino akatumidza zita raJehovha wakataurirana naye kuti: Imwi Mwari wekuona. Nokuti wakati: Pano neni ndamutarisa here iye anondiona?

14 Naizvozvo chitubu chakanzi Bheeri-Rahai-Royi; tarira, chiri pakati peKadheshi neBheredhi.

15 Hagari ndokuberekera Abhuramu mwanakomana; Abhuramu ndokutumidza zita remwanakomana wake, Hagari waamukabereka: Ishimaeri.

16 Zvino Abhuramu waiva wemakore makumi masere nematanhatu Hagari paakaberekera Abhuramu Ishimaeri.