ShonaTeam Genesis « 15 »

Jehovha anoita sungano naAbhuramu

15Shure kwezvinhu izvi shoko raJehovha rakava kuna Abhuramu pachiratidzo richiti: Usatya Abhuramu, ndiri nhovo yako, mubairo wako mukuru-kuru.

2 Abhuramu ndokuti: Ishe Jehovha, muchandipei, zvandinongova ndisina mwana, nemudyi wenhaka yeimba yangu ndeweDhamasiko Eriezeri?

3 Abhuramu ndokuti: Tarirai, kwandiri hamuna kupa chizvarwa; uye tarirai, uyo wakaponerwa mumba mangu achava mudyi wenhaka yangu.

4 Zvino tarira, shoko raJehovha rakava kwaari richiti: Uyu haangavi mudyi wenhaka wako; asi uyo achabuda paura hwako, ndiye achava mudyi wenhaka wako.

5 Zvino wakamubudisa panze ndokuti: Tarira hako kumatenga, ugoverenga nyeredzi, kana ungagona kudziverenga. Ndokuti kwaari: Chizvarwa chako chichava saizvozvo.

6 Iye ndokutenda kuna Jehovha. Zvino akamuverengera izvi kuva kururama.

7 Zvino wakati kwaari: Ndini Jehovha wakakubudisa paUri revaKaradhiya kukupa nyika iyi uigare nhaka.

8 Iye ndokuti: Ishe Jehovha, ndichaziva sei kuti ichava nhaka yangu?

9 Zvino wakati kwaari: Nditorere tsiru remakore matatu, nesheche yembudzi yemakore matatu, negondohwe remakore matatu, nenjiva, nemwana wehangaiwa.

10 Zvino wakamutorera zvose izvi, ndokuzvipamura nepakati, ndokugadzika rumwe rutivi rwazvo rwakatarisana nerumwe; asi shiri haana kudzipamura.

11 Zvino magora akaburukira pamusoro pezvitunha, asi Abhuramu wakaadzinga.

12 Zvino zuva rakati rovira, hope huru dzakawira pamusoro paAbhuramu; zvino tarira, kutya nerima guru zvakawira pamusoro pake.

13 Zvino wakati kuna Abhuramu: Uzive nekuziva kuti chizvarwa chako chichava mutorwa munyika isiri yavo, uye vachavashandira, uye vachavatambudza makore mazana mana.

14 Asi rudziwo urwo rwavachashandira ndicharutonga, uye pashure vachabuda nenhumbi zhinji.

15 Asi iwe uchaenda kumadzibaba ako murugare, uchavigwa pakukwegura kwakanaka.

16 Zvino zera rechina richadzoka pano; nokuti kuipa kwevaAmori kuchigere kuzara.

17 Zvino zvakaitika kuti zuva ravira, uye kwasviba, zvino tarira, choto chinopfungaira nemwenje unopfuta zvinopfuura pakati penhindi idzo.

18 Nezuva iroro Jehovha wakaita sungano naAbhuramu achiti: Kuchizvarwa chako ndapa nyika iyi, kubva parwizi rweEgipita kusvika kurwizi rukuru, rwizi Furati:

19 VaKeni nevaKenizi nevaKadhimoni

20 nevaHiti nevaPerezi nevaRefaimi

21 nevaAmori nevaKenani nevaGirigashi nevaJebhusi.