ShonaTeam Genesis « 14 »

Abhuramu anorwira Roti

14Zvino zvakaitika mumazuva aAmuraferi mambo weShinari, Arioki mambo weErasari, Kedhoriraomeri mambo weEramu, naTidhari mambo wemarudzi,

2kuti vakaita hondo naBhera mambo weSodhoma, uye naBhirisha mambo weGomora, Shinabhi mambo weAdhima, naShemebheri mambo weZebhoimi, namambo weBhera rinova Zoari.

3 Ava vose vakasangana mumupata weSidhimu unova gungwa remunyu.

4 Makore gumi nemaviri vakashandira Kedhoriraomeri, asi negore regumi nematatu vakapanduka.

5 Zvino mugore regumi nemana kwakauya Kedhoriraomeri nemadzimambo aiva naye, ndokurova vaRefaimi paAshitoreti-Karinaimi, nevaZuzimi paHamu, nevaEmimi paShavhe-Kiriataimi,

6 nevaHori pagomo ravo Seiri, kusvika paEriparani riri pedo nerenje.

7 Zvino vakadzoka ndokusvika Eni-Mishipati rinova Kadheshi, ndokurova nyika yose yevaAmareki, nevaAmoriwo, vaigara paHazezoni-Tamari.

8 Zvino kwakabuda mambo weSodhoma namambo weGomora namambo weAdhima namambo weZebhoimi namambo weBhera rinova Zoari, zvino vakarongedza hondo kurwa navo pamupata weSidhimu,

9 kurwisana naKedhoriraomeri mambo weEramu, naTidhari mambo wemarudzi, naAmuraferi mambo weShinari, naArioki mambo weErasari; madzimambo mana akamirisana nemashanu.

10 Zvino mupata weSidhimu waiva nemakomba makomba etara; uye madzimambo eSodhoma neGomora akatiza ndokuwiramo; uye vakasara vakatizira kugomo.

11 Ivo ndokutora nhumbi dzose dzeSodhoma neGomora, nekudya kwavo kose, ndokuenda.

12 Zvino vakatora Roti mwanakomana wemunin'ina waAbhuramu, nenhumbi dzake, nokuti waigara paSodhoma, ndokuenda.

13 Zvino kwakauya waiva apukunyuka ndokuudza Abhuramu muHebheru, nokuti waigara pamiouki* yaMamure muAmori, munin'ina waEshikori nemunin'ina waAneri vaiva nesungano naAbhuramu.

14 Abhuramu wakati anzwa kuti hama yake yatapwa, akashongedza zvombo vaiva vadzidziswa vake, vakazvarwa muimba yake, mazana matatu negumi nevasere, ndokuvadzingirira kusvika paDhani.

15 Zvino wakazvikamura kurwa navo usiku, iye nevaranda vake, ndokuvarova, ndokuvadzingirira kusvika paHobha, riri kuruboshwe rweDhamasiko.

16 Zvino wakadzosa nhumbi dzose, akadzosawo Roti hama yake nenhumbi dzake, nevakadziwo nevanhu.

17 Mambo weSodhoma ndokubuda kunosangana naye shure kwekudzoka kwake kubva kunouraya Kedhoraomari nemadzimambo aiva naye, pamupata weShavhe, unova mupata wamambo.

18 Merikizedheki mambo weSaremi ndokuuya nechingwa newaini; uye iye mupristi waMwari Wekumusoro-soro.

19 Zvino wakamuropafadza ndokuti: Ngaaropafadzwe Abhuramu kuna Mwari Wekumusoro-soro, Muridzi wematenga nepasi.

20 Uye ngaaropafadzwe Mwari Wekumusoro-soro, wakakumikidza vavengi vako muruoko rwako. Ndokumupa chegumi chezvose.

21 Zvino mambo weSodhoma wakati kuna Abhuramu: Ndipe vanhu, asi uzvitorere nhumbi.

22 Abhuramu ndokuti kuna mambo weSodhoma: Ndasimudzira ruoko rwangu kuna Jehovha Mwari Wekumusoro-soro, Muridzi wematenga nepasi,

23 kuti handingatori kuti kubva kurushinda kusvika kurukanda rweshangu pane chose chaunacho, kuti murege kuzoti: Ini ndakafumisa Abhuramu.

24 Handina mugove kunze kweizvo chete majaya zvaakadya, nemugove wevarume vakaenda neni, Aneri, Eshikori naMamure, ivo ngavatore mugove wavo.