ShonaTeam Genesis « 13 »

Abhuramu naRoti vanoparadzana

13Zvino Abhuramu wakakwira kubva Egipita, iye nemukadzi wake nezvose zvaaiva anazvo, naRoti anaye, kuenda kuchamhembe.

2 Zvino Abhuramu waiva akafuma kwazvo pazvipfuwo, pasirivha, nepagoridhe.

3 Zvino wakafamba nzendo dzake kubva kuchamhembe kusvikawo paBheteri, kunzvimbo paiva netende rake pakutanga, pakati peBheteri neAi;

4 kunzvimbo yearitari yaaiva aitapo pakutanga; Abhuramu ndokudana zita raJehovha ipapo.

5 NaRotiwo, waifamba naAbhuramu, waiva ane makwai nemombe nematende.

6 Zvino nyika yaiva isingagoni kuvatakura kuti vagare pamwe; nokuti fuma yavo yaiva zhinji, zvekuti vaiva vasingagoni kugara pamwe.

7 Zvino pakava negakava pakati pevafudzi vezvipfuwo zvaAbhuramu nevafudzi vezvipfuwo zvaRoti. Zvino nenguva iyo vaKenani nevaPerezi vaigara panyika iyo.

8 Abhuramu ndokuti kuna Roti: Ngakurege hako kuva negakava pakati pangu newe, nepakati pevafudzi vangu nevafudzi vako, nokuti tiri varume hama.

9 Nyika yose haisi pamberi pako here? Paradzana hako neni; kana ukaenda kuruboshwe, ndichaenda kurudyi; uye kana ukaenda kurudyi, ndichaenda kuruboshwe.

10 Roti ndokusimudza meso ake, ndokuona rose bani raJoridhani kuti rakadiridzwa zvakanaka kose, Jehovha asati aparadza Sodhoma neGomora; rakaita semunda waJehovha, senyika yeEgipita, kana uchienda Zoari.

11 Roti ndokuzvisarudzira bani rose raJoridhani; Roti ndokubva kuenda kumabvazuva; ndokuzviparadzanisa umwe kubva kune umwe.

12 Abhuramu wakagara munyika yeKenani; Roti ndokugara pamaguta ebani, ndokudzika tende pedo neSodhoma.

13 Asi vanhu veSodhoma vaiva vakaipa uye vaiva vatadzi pamberi paJehovha zvikuru.

14 Jehovha ndokuti kuna Abhuramu shure kwekunge Roti aparadzana naye: Simudza hako meso ako, utarire kubva panzvimbo pauri, kumaodzanyemba nekuchamhembe nekumabvazuva nekumavirira;

15 nokuti nyika yose yaunoona ndichaipa kwauri, nekuchizvarwa chako kusvika rinhi narinhi.

16 Uye ndichaita chizvarwa chako seguruva renyika, kuti kana munhu achigona kuverenga guruva renyika, chizvarwa chako chingaverengwawo.

17 Simuka, famba ugure panyika paurefu hwayo, nepaupamhi hwayo, nokuti ndichaipa kwauri.

18 Abhuramu ndokubvisa matende, ndokusvika ndokugara pamiouki* yeMamure iri muHebhuroni, ndokuvakirapo Jehovha aritari.