ShonaTeam Genesis « 12 »

Kudanwa kwaAbhuramu

12Zvino Jehovha wakati kuna Abhuramu: Ibva iwe panyika yekwako nepahama dzako nekuimba yababa vako, uende kunyika yandichakuratidza.

2 Zvino ndichakuita uve rudzi rukuru, uye ndichakuropafadza, nekuita zita rako rive guru, uye uve ropafadzo.

3 Zvino ndicharopafadza vanokuropafadza, nekutuka anokutuka; uye mauri marudzi ose enyika acharopafadzwa.

4 Abhuramu ndokuenda Jehovha sezvaakataura kwaari, naRoti wakaenda naye. Zvino Abhuramu waiva ari wemakore makumi manomwe nemakore mashanu pakubuda kwake kubva muHarani.

5 Abhuramu ndokutora Sarai mukadzi wake, naRoti, mwanakomana wemunin'ina wake, nenhumbi dzavo dzose dzavaiva vaunganidza, nemweya yeupenyu yavaiva vawana muHarani, zvino vakabuda kuenda kunyika yeKenani; ndokusvika kunyika yeKenani.

6 Abhuramu ndokugura nemunyika kusvika panzvimbo yeShekemu, pamuouki* weMore; uye vaKenani vaiva munyika iyo nguva iyoyo.

7 Zvino Jehovha wakaonekera kuna Abhuramu ndokuti: Kuchizvarwa chako ndichapa nyika iyi. Ndokuvakira ipapo Jehovha waiva aonekera kwaari aritari.

8 Zvino wakapfuurira kubva ipapo kuenda kugomo kumabvazuva eBheteri, ndokudzika tende rake, Bheteri kumavirazuva uye Ai kumabvazuva. Zvino wakavakirapo Jehovha aritari, ndokudana zita raJehovha.

9 Zvino Abhuramu wakabva achienda mberi kuenda kuchamhembe.

Abhuramu anotamira Egipita

10 Zvino kwakava nenzara panyika. Abhuramu ndokuburukira kuEgipita kunogarako semweni, nokuti nzara yairema panyika.

11 Zvino zvakaitika oswedera kupinda muEgipita kuti wakati kuna Sarai mukadzi wake: Tarira hako, ndinoziva kuti uri mukadzi wakanaka kuonekwa.

12 Zvino zvichaitika vaEgipita pavachakuona, kuti vachati: Uyu mukadzi wake, ndokundiuraya, asi iwe vachakuchengeta uri mupenyu.

13 Uti hako uri hanzvadzi yangu, kuti zvindinakire nekuda kwako, uye mweya weupenyu wangu urarame nekuda kwako.

14 Zvino zvakaitika Abhuramu paakasvika muEgipita, kuti vaEgipita vakaona mukadzi kuti wakanaka kwazvo.

15 Nemachinda aFarao akamuona, ndokumurumbidza kuna Farao; mukadzi ndokuuiswa mumba maFarao.

16 Zvino wakabata Abhuramu zvakanaka nekuda kwake; uye wakava nemakwai nenzombe nemakono embongoro nevarandarume nevarandakadzi nemakadzi embongoro nemakamera.

17 Asi Jehovha wakatambudza Farao neimba yake nematambudziko makuru nekuda kwaSarai mukadzi waAbhuramu.

18 Farao ndokudana Abhuramu, ndokuti: Chii ichi chawaita kwandiri? Nemhaka yei usina kundiudza kuti mukadzi wako?

19 Wakareverei kuti ihanzvadzi yangu, kusvika ndamutora kuva mukadzi wangu? Naizvozvo ikozvino tarira mukadzi wako, tora uende.

20 Zvino Farao akaraira varume maererano naye; ndokumuendesa nemukadzi wake nezvose zvaaiva anazvo.