ShonaTeam Genesis « 11 »

Shongwe yeBhabheri

11Zvino nyika yose yaiva rurimi rumwe, nemashoko amwe.

2 Zvino zvakaitika pakufamba kwavo kubva kumabvazuva, kuti vakawana bani munyika yeShinari, ndokugarako.

3 Ndokuti umwe neumwe kumuvakidzani wake: Uyai, ngatiite zvidhina, tizvipise zvekupisa. Zvino zvidhina zvakava ibwe kwavari, netara ikava dope kwavari.

4 Zvino vakati: Uyai, ngatizvivakire guta neshongwe ine musoro wayo uri kudenga, uye ngatizviitire zita, zvimwe tingapararira pamusoro pechiso chenyika yose.

5 Zvino Jehovha wakaburuka kuona guta neshongwe vana vevanhu yavakavaka.

6 Jehovha ndokuti: Tarira, rudzi nderumwe, uye vane rurimi rumwe vose, zvino ndizvo zvavatanga kuita; uye ikozvino hakuchina chinhu chavangamisa chikavakona.

7 Uyai, ngatiburuke, tivhiringidze rurimi rwavo ipapo, kuti vasanzwa umwe neumwe rurimi rwemuvakidzani wake.

8 Naizvozvo Jehovha wakavaparadzira kubva ipapo pachiso chenyika yose; ivo ndokuguma kuvaka guta.

9 Naizvozvo kwakatumidzwa zita raro kuti Bhabheri, nokuti ipapo Jehovha wakavhiringidza rurimi rwenyika yose; uye kubva ipapo Jehovha wakavaparadzira pachiso chenyika yose.

Vanakomana vaShemu

10 Awa mazera aShemu. Shemu waiva wemakore zana, ndokubereka Aripakishadhi, makore maviri shure kwemafashame.

11 Shemu ndokurarama shure kwekubereka kwake Aripakishadhi makore mazana mashanu; ndokubereka vanakomana nevanasikana.

12 Aripakishadhi ndokurarama makore makumi matatu nemashanu, ndokubereka Shera.

13 Aripakishadhi ndokurarama shure kwekubereka kwake Shera makore mazana mana nemakore matatu; ndokubereka vanakomana nevanasikana.

14 Shera ndokurarama makore makumi matatu, ndokubereka Ebheri.

15 Shera ndokurarama shure kwekubereka kwake Ebheri makore mazana mana nemakore matatu; ndokubereka vanakomana nevanasikana.

16 Ebheri ndokurarama makore makumi matatu nemana, ndokubereka Peregi.

17 Ebheri ndokurarama shure kwekubereka kwake Peregi makore mazana mana nemakore makumi matatu; ndokubereka vanakomana nevanasikana.

18 Peregi ndokurarama makore makumi matatu, ndokubereka Rehu.

19 Zvino Peregi wakararama makore mazana maviri nemakore mapfumbamwe shure kwekubereka kwake Rehu; ndokubereka vanakomana nevanasikana.

20 Rehu ndokurarama makore makumi matatu nemaviri, ndokubereka Serugi.

21 Zvino Rehu wakararama shure kwekubereka kwake Serugi makore mazana maviri nemakore manomwe; ndokubereka vanakomana nevanasikana.

22 Serugi ndokurarama makore makumi matatu, ndokubereka Nahori.

23 Zvino Serugi wakararama shure kwekubereka kwake Nahori makore mazana maviri, ndokubereka vanakomana nevanasikana.

24 Nahori ndokurarama makore makumi maviri nemapfumbamwe, ndokubereka Tera.

25 Zvino Nahori wakararama shure kwekubereka kwake Tera makore zana nemakore gumi nemapfumbamwe, ndokubereka vanakomana nevanasikana.

26 Tera ndokurarama makore makumi manomwe, ndokubereka Abhuramu, Nahori naHarani.

27 Zvino urwu rudzi rwaTera. Tera wakabereka Abhuramu, Nahori, naHarani; Harani ndokubereka Roti.

28 Harani ndokufa kutangira baba vake Tera, panyika yechizvarigo chake, muUri revaKaradhiya.

29 Zvino Abhuramu naNahori vakazvitorera vakadzi; zita remukadzi waAbhuramu raiva Sarai; uye zita remukadzi waNahori raiva Mirika, mukunda waHarani, baba vaMirika nababa vaIsika.

30 Asi Sarai waiva mhanje; waiva asina mwana.

31 Zvino Tera wakatora Abhuramu mwanakomana wake, naRoti mwanakomana waHarani, mwanakomana wemwanakomana wake, naSarai muroora wake, mukadzi waAbhuramu mwanakomana wake; zvino vakabuda navo kubva paUri revaKaradhiya kuenda kunyika yeKenani; ndokusvika kuHarani, ndokugarapo.

32 Zvino mazuva aTera aiva makore mazana maviri nemakore mashanu; Tera ndokufira muHarani.