ShonaTeam Genesis « 10 »

Vanakomana vaJafeti, naHamu naShemu

10Zvino urwu ndirwo rudzi rwevanakomana vaNowa, Shemu, Hamu, naJafeti; ivo vakaberekerwa vanakomana shure kwemafashame.

2 Vanakomana vaJafeti: Gomeri, naMagogi, naMadhai, naJavhani, naTubhari, naMisheki, naTirasi.

3 Nevanakomana vaGomeri: Ashikenazi naRifati naTogarima.

4 Nevanakomana vaJavhani: Erisha naTarishisi, vaKitimi nevaDhodhanimu.

5 Kubva kune ava zviwi izvi zvechirudzi zvakagoverwa munyika dzavo, umwe neumwe nerurimi rwake, nemhuri dzavo, mumarudzi avo.

6 Nevanakomana vaHamu: Kushi naMiziraimu naPuti naKenani.

7 Uye vanakomana vaKushi: Sebha naHavhira naSabhita naRaama naSabhiteka. Nevanakomana vaRaama: Shebha naDhedhani.

8 Kushi ndokubereka Nimurodhi, iye akatanga kuva ane simba panyika.

9 Iye waiva mudzimba ane simba pamberi paJehovha; naizvozvo zvinonzi: SaNimurodhi, mudzimba ane simba pamberi paJehovha.

10 Uye mavambo eumambo hwake aiva Bhabheri neEreki neAkadhi neKarine panyika yeShinari.

11 Kwakabuda kunyika iyo Ashuri, ndokuvaka Ninivhe neRehobhoti-Ire neKara,

12 neReseni pakati peNinivhe neKara, ndiro guta guru.

13 Zvino Miziraimu wakabereka vaRudhi nevaAnami nevaRehabhi nevaNafituhi,

14 nevaPaturusi nevaKasiruhi (kwakabva ikoko vaFirisitia) nevaKafutori.

15 Zvino Kenani wakabereka Sidhoni, dangwe rake, naHeti,

16 nemuJebhusi nemuAmori nemuGirigashi,

17 nemuHivhi nemuAriki nemuSini,

18 nemuArivhadhi nemuZemari nemuHamati. Zvino shure kweizvozvi mhuri dzevaKenani dzakapararira.

19 Zvino muganhu wevaKenani wakabva paSidhoni ukaenda kuGerari kusvika kuGaza, uchienda kuSodhoma nekuGomora nekuAdhima neZibhoimu kusvika paRasha.

20 Ava vanakomana vaHamu, nemhuri dzavo, nendimi dzavo, munyika dzavo, mumarudzi avo.

21 NaShemu wakaberekerwa vana; iyewo ndibaba vevana vose vaEbheri, mukoma waJafeti, mukuru.

22 Vanakomana vaShemu: Eramu naAshuri naAripakishadhi naRudhi naAramu.

23 Uye vanakomana vaAramu: Uzi naHuri naGeteri naMashi.

24 Zvino Aripakishadhi wakabereka Shera, Shera ndokubereka Ebheri.

25 Zvino kuna Ebheri kwakaberekerwa vanakomana vaviri: Zita reumwe raiva Peregi, nokuti pamazuva ake nyika yakakamurwa; uye zita remunin'ina wake raiva Jokitani.

26 Jokitani ndokubereka Arimodhadhi naSherefi naHazarimavheti naJera

27 naHadhoramu naUzari naDhikira

28 naObhari naAbhimaeri naShebha

29 naOfiri naHavhira naJobhabhu; ava vose vaiva vanakomana vaJokitani.

30 Neugaro hwavo hwaibva paMesha uchienda Sefari, gomo rekumabvazuva.

31 Ava vanakomana vaShemu, nemhuri dzavo, nendimi dzavo, munyika dzavo, nemarudzi avo.

32 Ava imhuri dzevanakomana vaNowa, nemazera avo nemarudzi avo; kwavari kwakaparadzaniswa marudzi panyika shure kwemafashame.