ShonaTeam Genesis « 9 »

Sungano pakati paNowa naMwari

9Zvino Mwari wakaropafadza Nowa nevanakomana vake, ndokuti kwavari: Berekai mugowanda mugozadza nyika.

2 Nekutyiwa kwenyu nekudederwa kwenyu kuchava pamhuka imwe neimwe yenyika nepamusoro peshiri imwe neimwe yematenga; pachose chinonanaira pasi, nepahove dzose dzegungwa; zvakapiwa paruoko rwenyu.

3 Choga-choga chinokambaira, chipenyu chichava kudya kwenyu; semiriwo mitema, ndakupai zvose.

4 Asi nyama ine upenyu hwayo, ropa rayo, musadya.

5 Zvino zvirokwazvo, ropa renyu reupenyu hwenyu ndicharitsvaka; paruoko rwechipenyu chipi nechipi ndicharitsvaka, neparuoko rwemunhu, paruoko rwehama yeumwe neumwe ndichatsvaka upenyu hwemunhu.

6 Anoteura ropa remunhu, nemunhu richateurwa ropa rake; nokuti nemufananidzo waMwari iye wakaita munhu.

7 Zvino imwi berekai, mugowanda, zvarai zvikuru panyika, muwande mairi.

8 Zvino Mwari wakataura kuna Nowa nekuvanakomana vake pamwe naye, achiti:

9 Zvino ini, tarirai, ndinosimbisa sungano yangu nemwi, uye nembeu yenyu shure kwenyu;

10 uye nemweya mupenyu umwe neumwe unemwi, weshiri, wechipfuwo, newemhuka ipi neipi yenyika inemwi; kubva pazvose zvinobuda paareka, kumhuka ipi neipi yepanyika.

11 Uye ndichasimbisa sungano yangu nemwi; nenyama yose haingazopedzwizve nemvura yemafashame; nemafashame haangazovipozve kuti aparadze nyika.

12 Zvino Mwari wakati: Ichi chiratidzo chesungano chandinopa pakati pangu nemwi nemweya mupenyu wose unemwi kusvika kumazera asingaperi.

13 Ndinodzika murarabungu1 wangu mumakore, uye uchava chiratidzo chesungano pakati pangu nenyika.

14 Zvino zvichaitika kana ndikaunza gore pamusoro penyika, kuti murarabungu uchaonekwa mugore.

15 Ipapo ndicharangarira sungano yangu, iri pakati pangu nemwi nemweya mupenyu wose wenyama yose; nemvura haichazovi mafashame kuti iparadze nyama yose.

16 Zvino murarabungu uchava mumakore, uye ndichauona, kuti ndirangarire sungano yekusingaperi pakati paMwari nemweya mupenyu umwe neumwe wenyama yose iri panyika.

17 Zvino Mwari wakati kuna Nowa: Ichi chiratidzo chesungano yandakasimbisa pakati pangu nenyama yose iri panyika.

Vanakomana vaNowa

18 Zvino vanakomana vaNowa vakabuda muareka vaiva Shemu naHamu naJafeti; uye Hamu ndiye baba vaKenani.

19 Ava vatatu vanakomana vaNowa, nyika yose yakapararira nevakabva kwavari.

Kutukwa kwaKenani

20 Zvino Nowa wakatanga kuva murimi, ndokusima munda wemizambiringa.

21 Zvino wakanwa zvewaini, ndokuraradza, akava wakashama mukati metende rake.

22 Zvino Hamu baba vaKenani wakaona kushama kwababa vake, ndokuudza vanakomana vamai vake vaviri panze.

23 Zvino Shemu naJafeti vakatora nguvo, ndokuiisa pamafudzi avo vari vaviri, ndokuenda chinhembeshure, ndokufukidza kushama kwababa vavo; uye zviso zvavo zvaiva zvakatarira shure, kuti vasaona kushama kwababa vavo.

24 Zvino Nowa wakamuka kubva pawaini yake, ndokuziva mwanakomana wake mudiki zvaakamuitira.

25 Zvino wakati: Ngaatukwe Kenani; achava muranda wevaranda kuvanakomana vamai vake.

26 Zvino wakati: Ngaarumbidzwe Jehovha Mwari waShemu, uye Kenani ngaave muranda wake.

27 Mwari ngaakurise Jafeti, uye ngaagare mumatende aShemu, naKenani ngaave muranda wake.

28 Zvino Nowa wakararama shure kwemafashame makore mazana matatu nemakore makumi mashanu.

29 Zvino mazuva ose aNowa aiva makore mazana mapfumbamwe nemakore makumi mashanu, ndokufa.

1 murarabungu: Hebr.: gangauta.