ShonaTeam Genesis « 7 »

Kusvika kwemafashame

7Zvino Jehovha wakati kuna Nowa: Pinda iwe neimba yako yose muareka, nokuti iwe ndaona wakarurama pamberi pangu pazera iri.

2 Pamhuka yose yakachena uchazvitorera nomwe-nomwe, mukono nehadzi yayo; nepamhuka isina kuchena mbiri, mukono nehadzi yayo.

3 Nepashiri yematenga nomwe-nomwe, mukono nehadzi, kuchengetedza mbeu iri mhenyu pachiso chenyika yose.

4 Nokuti kuchine mazuva manomwe, ndichanaisa mvura panyika mazuva makumi mana neusiku makumi mana, uye ndiparadze chinhu chose chandakaita kubva pachiso chenyika.

5 Zvino Nowa wakaita sezvose Jehovha zvaakamuraira.

6 Zvino Nowa waiva wemakore mazana matanhatu apo mafashame emvura ari pamusoro penyika.

7 Nowa ndokupinda, nevanakomana vake nemukadzi wake nevakadzi vevanakomana vake vanaye muareka, nekuda kwemvura zhinji yemafashame.

8 Pamhuka dzakachena, nepamhuka dzisina kuchena, nepashiri, nepachimwe nechimwe chinokambaira pamusoro penyika,

9 zviviri-zviviri zvakauya kuna Nowa muareka, mukono nehadzi, Mwari sezvaakaraira Nowa.

10 Zvino zvakaitika shure kwemazuva manomwe, kuti mvura zhinji yemafashame yakava pamusoro penyika.

11 Mugore remazana matanhatu reupenyu hwaNowa, mumwedzi wechipiri, pazuva regumi nemanomwe remwedzi, nezuva iri zvitubu zvose zvepakadzika-dzika zvakadzuturwa, nemahwindo emafashame ematenga akazarurwa.

12 Zvino mvura yakava pamusoro penyika mazuva makumi mana neusiku makumi mana.

13 Nezuva iri rakadaro wakapinda Nowa naShemu naHamu naJafeti, vanakomana vaNowa, nemukadzi waNowa, nevakadzi vatatu vevanakomana vake vanaye muareka;

14 ivo, nemhuka imwe neimwe nerudzi rwayo, nechipfuwo chose nerudzi rwacho, nechinokambaira chose chinokambaira panyika nerudzi rwacho, nechinobhururuka chose nerudzi rwacho, shiri imwe neimwe yebapiro rimwe nerimwe.

15 Zvino zvakapinda kuna Nowa muareka, zviviri-zviviri zvenyama yose mairi mune mweya weupenyu.

16 Zvino zvakapinda, kwakapinda mukono nehadzi panyama yose, Mwari sezvaakamuraira. Jehovha akamupfigira.

17 Zvino mafashame akava panyika mazuva makumi mana; mvura ndokuwanda, ndokusimudza areka, zvino ikasimuka pamusoro penyika.

18 Mvura ndokusimba, ndokuwanda kwazvo pamusoro penyika; areka ndokufamba pamusoro pechiso chemvura.

19 Zvino mvura yakasimba zvikurusa panyika, makomo marefu ose ari pasi pematenga ose ndokufukidzwa.

20 Makubhiti gumi nemashanu mvura yakasimba ichikwira, makomo ndokufukidzwa.

21 Nenyama yose yaifamba pamusoro penyika yakapera, pashiri nepachipfuwo nepamhuka nepachose chinokambaira, chinokambaira pamusoro penyika, nemunhu wose.

22 Chose chine kufema kwemweya weupenyu mumhino dzacho, pachose chaiva chiri pakaoma pasi, chakafa.

23 Kwakaparadzwa chose chaivapo, chaiva pachiso chepasi, kubva kumunhu kusvika kuchipfuwo, kusvika kune chinokambaira, uye kusvika kushiri yematenga, ndokuparadzwa panyika. Nowa oga ndokusara, nezvaiva naye muareka.

24 Mvura ndokusimba pamusoro penyika mazuva zana nemakumi mashanu.