ShonaTeam Genesis « 6 »

Kutadza kwevanhu nekurohwa kwavo nemvura

6Zvino zvakaitika vanhu vatanga kuwanda pachiso chenyika, ndokuberekerwa vakunda,

2 vanakomana vaMwari vakaona vakunda vevanhu kuti vakanaka, ndokuzvitorera vakadzi pane vose vavakasarudza.

3 Zvino Jehovha wakati: Mweya wangu haungarwisani nemunhu nekusingaperi, nokuti iye inyamawo; asi mazuva ake achava makore zana nemakumi maviri.

4 Vanhu vakasimba vaivako pamazuva awo panyika, nepashurewo paizvozvo, apo vanakomana vaMwari vakapinda kuvakunda vevanhu, ivo ndokuvaberekera. Ndivo vaiva magamba ekare, varume vemukurumbira.

5 Zvino Jehovha wakaona kuti kuipa kwemunhu kukuru panyika, nemurangariro umwe neumwe wemifungo yemoyo wake waiva wakaipa chete zuva rose.

6 Jehovha ndokuzvidemba kuti waiva aita munhu panyika, akashungurudzika pamoyo wake.

7 Jehovha ndokuti: Ndichaparadza munhu wandakasika kubva pachiso chenyika, kubva kumunhu kusvika kumhuka, kusvika kune chinokambaira, uye kusvika kushiri yematenga; nokuti ndinozvidemba kuti ndakazviita.

8 Asi Nowa wakawana nyasha pameso paJehovha.

9 Awa marudzi aNowa. Nowa waiva murume wakarurama, wakaperedzerwa pamazera ake; Nowa wakafamba naMwari.

10 Nowa ndokubereka vanakomana vatatu: Shemu, Hamu naJafeti.

11 Nyikawo yaiva yakaora pamberi paMwari, uye nyika yaiva izere neutsinye.

12 Mwari ndokuona nyika, zvino tarira, yakaodzwa; nokuti nyama yose yakaodza nzira yayo panyika.

13 Mwari ndokuti kuna Nowa: Kupera kwenyama yose kwasvika pamberi pangu, nokuti nyika izere neutsinye kubudikidza navo; zvino tarira, ndichavaparadza pamwe nenyika.

14 Zviitire areka nematanda emugoferi; uite makamuri muareka, uye uiname mukati nekunze netara.

15 Zvino iyi inzira yauchaiita nayo: Makubhiti mazana matatu kureba kweareka, makubhiti makumi mashanu upamhi hwayo, uye makubhiti makumi matatu kukwirira kwayo.

16 Hwindo uchariita paareka; uye uripedze rive kubhiti kubva kumusoro, nemusuwo weareka uuise parutivi rwayo; uiite ine mitanhu, wepasi, wepiri, newetatu.

17 Zvino ini, tarira, ndinounza panyika mafashame emvura, kuparadza nyama yose ine mweya weupenyu mairi, kubva pasi pematenga; chose chiri panyika chichapera.

18 Asi ndichasimbisa sungano yangu newe; uye uchapinda muareka, iwe nevanakomana vako nemukadzi wako nevakadzi vevanakomana vako vanewe.

19 Nepachipenyu chose, panyama yose, uise muareka zviviri parudzi rumwe nerumwe, uchengete zvirarame zvinewe; zvichava mukono nehadzi.

20 Pashiri nerudzi rwayo, nepazvipfuwo nerudzi rwazvo, nepachinokambaira chimwe nechimwe chepasi nerudzi rwacho, zvichauya kwauri zviviri parudzi rumwe nerumwe, kuti uchengete zviri zvipenyu.

21 Newe, uzvitorere pakudya kose kunodyiwa, uzviunganidzire kwauri; uye zvichava kudya kwako nekwazvo.

22 Nowa ndokuita saizvozvo; maererano nezvose Mwari zvaaiva amuraira, wakaita saizvozvo.