ShonaTeam Genesis « 5 »

Vana vaAdhamu

5Iri ibhuku rerudzi rwaAdhamu. Pazuva Mwari raakasika munhu, wakamuita nemufananidzo waMwari.

2 Wakavasika murume nemukadzi, ndokuvaropafadza, ndokutumidza zita ravo kuti munhu, pazuva ravakasikwa.

3 Zvino Adhamu wakararama makore zana nemakumi matatu; ndokubereka mwanakomana maererano nemufananidzo wake, wakamutodza; ndokutumidza zita rake Seti.

4 Zvino mazuva aAdhamu shure kwekubereka kwake Seti aiva makore mazana masere; ndokubereka vanakomana nevanasikana.

5 Zvino mazuva ose aAdhamu aakararama aiva makore mazana mapfumbamwe nemakore makumi matatu, ndokufa.

6 Zvino Seti wakararama makore zana nemakore mashanu, ndokubereka Enosi.

7 Seti ndokurarama shure kwekubereka kwake Enosi makore mazana masere nemakore manomwe; ndokubereka vanakomana nevanasikana.

8 Zvino ose mazuva aSeti aiva makore mazana mapfumbamwe nemakore gumi nemaviri; ndokufa.

9 Zvino Enosi wakararama makore makumi mapfumbamwe, ndokubereka Kenani.

10 Zvino Enosi wakararama shure kwekubereka kwake Kenani makore mazana masere nemakore gumi nemashanu; ndokubereka vanakomana nevanasikana.

11 Zvino ose mazuva aEnosi aiva makore mazana mapfumbamwe nemakore mashanu, ndokufa.

12 Zvino Kenani wakararama makore makumi manomwe, ndokubereka Mahararieri.

13 Kenani ndokurarama shure kwekubereka kwake Mahararieri makore mazana masere nemakore makumi mana; ndokubereka vanakomana nevanasikana.

14 Nemazuva ose aKenani aiva makore mazana mapfumbamwe nemakore gumi, ndokufa.

15 Zvino Mahararieri wakararama makore makumi matanhatu nemakore mashanu, ndokubereka Jaredhi.

16 Mahararieri ndokurarama shure kwekubereka kwake Jaredhi makore mazana masere nemakore makumi matatu; ndokubereka vanakomana nevanasikana.

17 Zvino ose mazuva aMahararieri aiva makore mazana masere nemakore makumi mapfumbamwe nemashanu; ndokufa.

18 Zvino Jaredhi wakararama makore zana nemakore makumi matanhatu nemaviri, ndokubereka Enoki.

19 Jaredhi ndokurarama shure kwekubereka kwake Enoki makore mazana masere; ndokubereka vanakomana nevanasikana.

20 Zvino ose mazuva aJaredhi aiva makore mazana mapfumbamwe nemakore makumi matanhatu nemaviri; ndokufa.

21 Zvino Enoki wakararama makore makumi matanhatu nemashanu, ndokubereka Metusera.

22 Zvino Enoki wakafamba naMwari shure kwekubereka kwake Metusera makore mazana matatu; ndokubereka vanakomana nevanasikana.

23 Nemazuva ose aEnoki aiva makore mazana matatu nemakore makumi matanhatu nemashanu.

24 Enoki ndokufamba naMwari; uye haachipo, nokuti Mwari wakamutora.

25 Zvino Metusera wakararama makore zana nemakore makumi masere nemanomwe, ndokubereka Rameki.

26 Zvino Metusera wakararama shure kwekubereka kwake Rameki makore mazana manomwe nemakumi masere nemaviri; ndokubereka vanakomana nevanasikana.

27 Zvino ose mazuva aMetusera aiva makore mazana mapfumbamwe nemakore makumi matanhatu nemapfumbamwe; ndokufa.

28 Rameki ndokurarama makore zana nemakore makumi masere nemaviri; ndokubereka mwanakomana.

29 Zvino wakatumidza zita rake kuti Nowa, achiti: Uyu achatinyaradza maererano nebasa redu nemaererano nekushingaira kwemaoko edu, nekuda kwepasi Jehovha paakatuka.

30 Zvino Rameki wakararama shure kwekubereka kwake Nowa, makore mazana mashanu nemakore makumi mapfumbamwe nemashanu; ndokubereka vanakomana nevanasikana.

31 Uye mazuva ose aRameki aiva makore mazana manomwe nemakore makumi manomwe nemanomwe; ndokufa.

32 Zvino Nowa waiva wemakore mazana mashanu, Nowa ndokubereka Shemu, Hamu naJafeti.