ShonaTeam Genesis « 4 »

Kaini naAbhero

4Zvino Adhamu wakaziva Evha mukadzi wake; ndokubata mimba, ndokubereka Kaini, ndokuti: Ndawana murume kubva kuna Jehovha.

2 Zvino wakaberekazve munin'ina wake Abhero. Abhero ndokuva mufudzi wemakwai, Kaini ndokuva murimi wevhu.

3 Zvino zvakaitika pakuguma kwemazuva, kuti Kaini wakaunza zvechibereko chevhu chive chipo kuna Jehovha.

4 NaAbhero, iyewo wakaunza zvematangwe emakwai ake neakakora awo. Jehovha ndokutarira Abhero nechipo chake.

5 Asi kuna Kaini nekuchipo chake haana kutarira. Zvino Kaini wakatsamwa kwazvo, chiso chake chikasuruvara.

6 Zvino Jehovha wakati kuna Kaini: Watsamwirei? Uye chiso chako chakasuruvara nei?

7 Kana uchiita zvakanaka hachingasimudzirwi here? Asi kana usingaiti zvakanaka, chivi chakagarira pamusuwo, nechishuvo chake chiri kwauri, uye iwe uchamutonga.

8 Zvino Kaini wakataura naAbhero munin'ina wake; zvino zvakaitika vari kusango kuti Kaini wakamukira Abhero munin'ina wake ndokumuuraya.

9 Zvino Jehovha wakati kuna Kaini: Aripi Abhero munin'ina wako? Iye ndokuti: Handizivi; ndini muchengeti wemunin'ina wangu here?

10 Zvino wakati: Waitei? Inzwi reropa remunin'ina wako rinodaidzira kwandiri kubva pasi.

11 Zvino ikozvino watukwa kubva panyika iyo yakashamisa muromo wayo kugamuchira ropa remunin'ina wako kubva paruoko rwako.

12 Kana uchirima ivhu, harichakupi simba raro; uchava mumbeyi nemudzungairi panyika.

13 Zvino Kaini wakati kuna Jehovha: Murango wangu mukurusa kutakura.

14 Tarirai, mandidzinga nhasi pachiso chenyika, uye ndichavanziwa pachiso chenyu; uye ndichava mumbeyi nemudzungairi panyika; uye zvichaitika kuti ani nani anondiwana achandiuraya.

15 Zvino Jehovha wakati kwaari: Naizvozvo ani nani anouraya Kaini achatsiviwa kanomwe. Jehovha ndokuisa mucherechedzo pana Kaini, zvimwe ani nani anomuwana angamuuraya.

16 Zvino Kaini wakabuda kubva pachiso chaJehovha ndokunogara panyika yeNodhi, kumabvazuva kweEdheni.

Vana vaKaini

17 Zvino Kaini wakaziva mukadzi wake; iye ndokubata mimba, ndokubereka Enoki; ndokuvaka guta, ndokutumidza zita reguta nezita remwanakomana wake Enoki.

18 Enoki ndokuberekerwa Iradhi; Iradhi ndokubereka Mehujaeri; Mehujaeri ndokubereka Metushaeri; Metushaeri ndokubereka Rameki.

19 Zvino Rameki wakazvitorera vakadzi vaviri. Zita rewekutanga Adha, uye zita reumwe Zira.

20 Zvino Adha wakabereka Jabhari; iye waiva baba veavo vanogara mumatende uye vane zvipfuwo.

21 Zvino zita remunin'ina wake raiva Jubhari. Iye waiva baba vewose ane chekuita nembira nenyere.

22 Zira ndokuberekawo Tubhari-Kaini, mupfuri wechose chinocheka chendarira nedare. Nehanzvadzi yaTubhari-Kaini yaiva Naama.

23 Zvino Rameki wakati kuvakadzi vake: Adha naZira, inzwai inzwi rangu, vakadzi vaRameki, teererai kutaura kwangu; nokuti ndauraya munhu nekuda kweronda rangu, nejaya nekuda kweshamhu yangu.

24 Kana Kaini achitsiviwa kanomwe, zvirokwazvo Rameki kana makumi manomwe nenomwe.

25 Zvino Adhamu akazivazve mukadzi wake, iye ndokubereka mwanakomana, ndokutumidza zita rake Seti; nokuti wakati: Mwari wandiitira imwe mbeu pachinzvimbo chaAbhero, nokuti Kaini waiva amuuraya.

26 NaSeti wakaberekerwawo mwanakomana, ndokutumidza zita rake Enosi. Nenguva iyo vakatanga kudana zita raJehovha.