ShonaTeam Genesis « 3 »

Kuwa kwemunhu

3Zvino nyoka yaiva ine unyengeri kupfuura mhuka yose yenyika Jehovha Mwari yaaiva aita. Ndokuti kumukadzi: Nhai ndizvo here kuti Mwari wakati: Musadya pamuti umwe neumwe webindu?

2 Mukadzi ndokuti kunyoka: Tingadya pamuchero wemiti yebindu;

3 asi pamuchero wemuti uri pakati pebindu, Mwari wakati: Musadya pauri, uye musaubata, zvimwe mufe.

4 Nyoka ndokuti kumukadzi: Hamufi zvirokwazvo.

5 Nokuti Mwari anoziva kuti nezuva ramunodya pauri, meso enyu achasvinudzwa, uye muve saMwari, muchiziva chakanaka nechakaipa.

6 Zvino mukadzi wakati achiona kuti muti wakanakira kuva chekudya, uye kuti unofadza pameso, uye muti unodikanwa kuchenjedza, wakatora zvemuchero wawo, ndokudya, ndokupawo kumurume wake pamwe naye, akadyawo.

7 Zvino meso avo vari vaviri akasvinudzwa, ndokuziva kuti vakashama; ndokusonanidza mashizha emuonde, vakazviitira mafasikoto.

8 Zvino vakanzwa inzwi raJehovha Mwari achifamba mubindu pakutonhorera kwezuva; Adhamu nemukadzi wake ndokuzvivanza pamberi paJehovha Mwari pakati pemiti yebindu.

9 Jehovha Mwari ndokudana kuna Adhamu, ndokuti kwaari: Uripi?

10Iye ndokuti: Inzwi renyu ndarinzwa mumunda ndokutya, nokuti ndakashama, ndokuzvivanza.

11 Zvino wakati: Ndiani wakuudza kuti wakashama? Wadya kanhi zvemuti wandakakuraira kuti usadya pauri?

12 Adhamu ndokuti: Mukadzi wamakapa kuti ave neni, iye wandipa zvemuti, zvino ndikadya.

13 Zvino Jehovha Mwari wakati kumukadzi: Chii ichi chawaita? Mukadzi ndokuti: Nyoka yandinyengera, zvino ndikadya.

14 Zvino Jehovha Mwari wakati kunyoka: Nokuti waita izvi, iwe watukwa kupfuura chipfuwo chose uye kupfuura mhuka yose yepanyika. Nedumbu rako uchafamba, uye guruva uchadya mazuva ose eupenyu hwako.

15 Uye ndichaisa ruvengo pakati pako nemukadzi, nepakati pembeu yako nembeu yake; iyo ichakupwanya musoro, newe uchaipwanya chitsitsinho.

16 Kumukadzi wakati: Nekupamhidzira ndichapamhidzira kurwadziwa kwako uye kubata mimba kwako; mukurwadziwa uchabereka vana; nechishuvo chako chichava kumurume wako, uye iye achakutonga.

17 Zvino kuna Adhamu wakati: Nokuti wateerera kuinzwi remukadzi wako, ndokudya pamuti wandakakuraira nezvawo ndichiti: Usadya pauri; pasi patukwa nemhosva yako; nekutambudzika uchadya pairi mazuva ose eupenyu hwako.

18 Zvino ichakumerera minzwa nevubayambeva, uye uchadya muriwo wepanyika.

19 Neziya rechiso chako uchadya chekudya, kusvika wadzokera kuvhu, nokuti wakatorwa kwariri. Nokuti uri guruva, uye uchadzokera kuguruva.

20 Zvino Adhamu wakatumidza zita remukadzi wake kuti Evha; nokuti ndiye mai vevapenyu vose.

21 Zvino Jehovha Mwari wakaitira Adhamu nemukadzi wake nguvo refu dzematehwe, ndokuvapfekedza.

22 Zvino Jehovha Mwari wakati: Tarira, munhu ava seumwe wedu, achiziva chakanaka nechakaipa; zvino ikozvino zvimwe atandavadze ruoko rwake akatorawo pamuti weupenyu, ndokudya, ndokurarama nekusingaperi.

23 Naizvozvo Jehovha Mwari akamubudisa mubindu reEdheni kuti arime ivhu raakatorwa kwariri.

24 Zvino akadzinga munhu; ndokuisa makerubhi* kurutivi rwemabvazuva rwebindu reEdheni, nemurazvo wemunondo waizvitenderedza kumativi ose, kurinda nzira yemuti weupenyu.