ShonaTeam Genesis « 2 »

2Saizvozvo matenga nenyika zvakapera, nehondo yazvo yose.

2 Zvino Mwari wakapedza nezuva rechinomwe basa rake raakaita; ndokuzorora nezuva rechinomwe pabasa rake rose raaiva aita.

3 Mwari ndokuropafadza zuva rechinomwe, ndokuriita dzvene; nokuti mariri wakazorora pabasa rake rose, Mwari raaiva aita pakusika.

Bindu reEdheni

4 Ndiwo marudzi ematenga neenyika pakusikwa kwazvo, pazuva Jehovha Mwari raakaita nyika nematenga,

5 negwenzi rimwe nerimwe remunda risati ravapo panyika, nemuriwo umwe neumwe wenyika usati wamera; nokuti Jehovha Mwari waiva asati anaisa panyika, uye kwaiva kusina munhu kurima ivhu.

6 Asi kwaisimuka mhute kubva pasi, ndokunyorovesa chiso chose chevhu.

7 Zvino Jehovha Mwari wakaumba munhu neguruva kubva muvhu, ndokufemera mumhino dzake mweya weupenyu; munhu ndokuva mweya mupenyu.

8 Jehovha Mwari ndokusima bindu muEdheni kumabvazuva, ndokuisapo munhu waaiva aumba.

9 Zvino Jehovha Mwari wakameresa kubva muvhu muti umwe neumwe unofadza kuona uye wakanakira kudya; uye muti weupenyu pakati pebindu, nemuti weruzivo rwechakanaka nechakaipa.

10 Zvino rwizi rwakabuda muEdheni kudiridza bindu; uye kubva ipapo rwakaparadzaniswa ndokuva misoro mina.

11 Zita rerwekutanga ndiPishoni; ndirwo rwunopoteredza nyika yose yeHavhira, pane goridhe.

12 Uye goridhe renyika iyoyo rakanaka; pane bhedhora* neibwe reonikisi*.

13 Nezita rerwizi rwechipiri ndiGihoni; ndirwo rwunopoteredza nyika yose yeKushi.

14 Nezita rerwizi rwechitatu ndiHedhekeri; ndirwo rwunoyerera kumabvazuva kweAsiriya. Uye rwizi rwechina ndiFurati.

15 Zvino Jehovha Mwari wakatora munhu, ndokumuunza mubindu reEdheni, kuti aririme nekurichengeta.

16 Zvino Jehovha Mwari wakaraira munhu achiti: Pamuti umwe neumwe webindu ungadya uchidya,

17 asi pamuti weruzivo rwezvakanaka nezvakaipa, usadya pauri; nokuti nezuva rekuudya kwako, uchafa uchifa.

18 Jehovha Mwari ndokuti: Hazvina kunaka kuti munhu ave oga. Ndichamuitira mubatsiri anoenderana naye.

19 Zvino Jehovha Mwari wakaumba kubva muvhu mhuka imwe neimwe yenyika neshiri imwe neimwe yematenga ndokuunza kuna Adhamu kuti aone kuti angadzitumidza kuti chii, uye chimwe nechimwe Adhamu chaakatumidza mweya mupenyu, ndiro rakava zita racho.

20 Zvino Adhamu akadana mazita kuchipfuwo chose nekushiri yematenga, nekumhuka imwe neimwe yepanyika; asi kuna Adhamu hakuna kuwanikwa mubatsiri anoenderana naye.

21 Zvino Jehovha Mwari wakawisira hope huru pamusoro paAdhamu, ndokurara; zvino wakatora rumwe rwembabvu dzake, ndokudzivira nyama panzvimbo yarwo.

22 Zvino Jehovha Mwari wakavaka rumbabvu rwaakatora pamunhu rwuve mukadzi, ndokumuunza kumunhu.

23 Adhamu ndokuti: Ikozvino uyu ipfupa remapfupa angu, nenyama yenyama yangu; achanzi mukadzi, nokuti wakatorwa pamurume.

24 Naizvozvo murume achasiya baba vake namai vake, anamatire kumukadzi wake, uye vachava nyama imwe.

25 Zvino vari vaviri vaiva vakashama, munhu nemukadzi wake, uye havana kunyara.