ShonaTeam Genesis « 1 »

Kutanga kwezvese

1 Pakutanga Mwari wakasika matenga nenyika.

2 Nyika yaiva isina chimiro isina chinhu, uye rima raiva pamusoro peudziku; uye Mweya waMwari waindeya pachiso chemvura.

3 Mwari ndokuti: Ngakuve nechiedza; chiedza ndokuvapo.

4 Zvino Mwari wakaona chiedza kuti chakanaka; Mwari ndokuparadzanisa pakati pechiedza nepakati perima.

5 Mwari ndokutumidza chiedza kuti masikati, nerima wakatumidza kuti usiku. Zvino madekwani akavapo, nemangwanani akavapo, zuva rekutanga.

6 Zvino Mwari wakati: Ngakuve nechadenga pakati pemvura; uye ngachiparadzanise pakati pemvura nemvura.

7 Zvino Mwari wakaita chadenga, ndokuparadzanisa pakati pemvura yaiva pasi pechadenga nepakati pemvura yaiva pamusoro pechadenga; ndokuva saizvozvo.

8 Mwari ndokutumidza chadenga kuti matenga. Madekwani ndokuvapo, nemangwanani akavapo, zuva repiri.

9 Zvino Mwari wakati: Mvura iri pasi pematenga ngaiunganidzwe panzvimbo imwe, uye pasi pakaoma ngapaonekwe; ndokuva saizvozvo.

10 Mwari ndokutumidza pasi pakaoma kuti nyika; nekumuunganidzwa wemvura wakatumidza kuti makungwa. Mwari ndokuona kuti zvakanaka.

11 Zvino Mwari wakati: Nyika ngaimerese uswa unyoro, muriwo unobereka mbeu, muti wemuchero unoita muchero unoenderana nerudzi rwawo, mbeu yawo iri mukati mawo, panyika; ndokuva saizvozvo.

12 Zvino nyika ikameresa uswa unyoro, muriwo unobereka mbeu inoenderana nerudzi rwawo, nemuti unopa muchero, mbeu yawo iri mukati mawo, unoenderana nemarudzi awo. Mwari ndokuona kuti zvakanaka.

13 Madekwani ndokuvapo, nemangwanani akavapo, zuva retatu.

14 Mwari ndokuti: Ngakuve nezviedza pachadenga chematenga, kuparadzanisa masikati neusiku; uye zvive zviratidzo nenguva yakatarwa, nemazuva nemakore.

15 Zvino ngazvive zviedza muchadenga chematenga, kuti zvivhenekere panyika. Ndokuva saizvozvo.

16 Zvino Mwari wakaita zviedza zvikuru zviviri: Chiedza chikuru kuti chitonge masikati, nechiedza chidiki kuti chitonge usiku, nenyeredzi.

17 Mwari ndokuzvipa kuchadenga chematenga, kuti zvivhenekere panyika,

18 uye zvitonge pamasikati nepausiku, nekuparadzanisa chiedza nerima. Mwari ndokuona kuti zvakanaka.

19 Zvino madekwani akavapo, nemangwanani akavapo, zuva rechina.

20 Mwari ndokuti: Mvura ngaizare nekupfakanyika kwemweya mipenyu, uye ngakubhururuke shiri pamusoro penyika muchadenga chematenga.

21 Mwari ndokusika mabukanana egungwa, nemweya mupenyu upi neupi unokambaira, mvura zvaizere nazvo, zvinoenderana nerudzi rwazvo, neshiri ipi neipi ine bapiro, inoenderana nerudzi rwayo. Mwari ndokuona kuti zvakanaka.

22 Zvino Mwari wakazviropafadza achiti: Berekai, uye wandai, uye zadzai mvura mumakungwa; neshiri ngaiwande panyika.

23 Zvino madekwani akavapo, nemangwanani akavapo, zuva reshanu.

24 Mwari ndokuti: Nyika ngaibudise mweya mupenyu unoenderana nerudzi rwawo, chipfuwo, nechinokambaira, nemhuka yenyika, inoenderana nerudzi rwayo. Ndokuva saizvozvo.

25 Mwari ndokuita mhuka yenyika maererano nerudzi rwayo, nechipfuwo maererano nerudzi rwacho, nechose chinokambaira panyika maererano nerudzi rwacho. Mwari ndokuona kuti zvakanaka.

26 Mwari ndokuti: Ngatiite vanhu nemufananidzo wedu, vakatodzana nesu; uye ngavatonge pamusoro pehove yegungwa, nepamusoro peshiri yematenga, nepamusoro pechipfuwo, nepamusoro penyika yose, nepamusoro pechose chinokambaira, chinokambaira panyika.

27 Mwari ndokusika munhu nemufananidzo wake; akamusika nemufananidzo waMwari, wakavasika murume nemukadzi.

28 Zvino Mwari wakavaropafadza, Mwari ndokuti kwavari: Berekai, uye wandai, uye zadzai nyika uye muiise pasi penyu; mutongewo pamusoro pehove yegungwa nepamusoro peshiri yematenga nepamusoro pechipenyu chose chinokambaira pamusoro penyika.

29 Mwari ndokuti: Tarirai, ndakupai muriwo umwe neumwe unobereka mbeu, uri pachiso chenyika yose, nemuti umwe neumwe une muchero wemuti unobereka mbeu; kwamuri ndewechekudya.

30 Uye kumhuka imwe neimwe yenyika, nekushiri yose yematenga, nekune chipi nechipi chinokambaira panyika, mune mweya mupenyu machiri, muriwo upi neupi munyoro ndewekudya. Ndokuva saizvozvo.

31 Zvino Mwari wakaona zvose zvaakaita; zvino tarira, zvakanaka kwazvo. Zvino madekwani akavapo, nemangwanani akavapo, zuva retanhatu.