ShonaTeam 1 Peter « 5

Vakuru nevadiki

5Vatariri vari pakati penyu ndinovakurudzira, vandiri mutariri pamwe navo nechapupu chematambudziko aKristu, nemugovani wekubwinya kuchazoratidzwa:

2 Fudzai boka raMwari riri pakati penyu, muchitaridzira, kwete nekurovererwa, asi nekuda, kwete nekuda kwekukarira fuma yakaipa, asi nechido,

3 kwetewo kuva semadzishe pane vamakagoverwa, asi muri mifananidzo yeboka.

4 Zvino Mufudzi mukuru paachaonekwa muchagamuchira korona yekubwinya isingabvuruvari.

5 Saizvozvo, vadiki, zviisei pasi pevakuru, uye mose muzviise pasi umwe kune mumwe, mupfekedzwe nekuzvininipisa, nokuti Mwari anopikisa vanozvikudza, asi anopa nyasha vanozvininipisa.

6 Naizvozvo zvininipisei pasi peruoko rwune simba rwaMwari, kuti akukudzei panguva yakafanira,

7 muchikandira pamusoro pake kufunganya kwenyu kose, nokuti iye ane hanya nemwi.

8 Svinurai, rindai, nokuti mupikisi wenyu dhiabhorosi, seshumba inoomba anofamba-famba achitsvaka waangapedza;

9 mumurambire makasimba parutendo, muchiziva kuti matambudziko iwawo anozadziswa kuhama dzenyu dziri panyika.

10 Asi Mwari wenyasha dzose, iye wakatidanira mukubwinya kwake kusingaperi muna Kristu Jesu, kana tatambudzika chinguvana, iye anokupedzeredzai, nekukutsigisai, nekukupai simba, nekukuteyai.

11 Kwaari ngakuve kubwinya nesimba kusvika rinhi narinhi. Ameni.

Kuwonekana

12 NaSirivhano hama yakatendeka kwamuri, pakufunga kwangu, ndanyora nepadiki, ndichikurudzira nekupupura kuti idzi ndidzo nyasha dzechokwadi dzaMwari, dzamumire madziri.

13Kereke iri muBhabhironi yakasarudzwa pamwe nemwi inokukwazisai, naMariko mwanakomana wangu.

14 Kwazisanai nekutsvoda kwerudo. Rugare kwamuri mose muri muna Kristu Jesu. Ameni.