ShonaTeam Ephesians « 4 »

Kusiyana kwezvipo zveMweya neumwe hwerutendo

4Naizvozvo ndinokukumbirisai, ini musungwa muna Ishe, kuti mufambe zvakafanira kudanwa kwamakadanwa nako,

2 pamwe nekuzvininipisa kose neunyoro, nemoyo murefu, muchiitirana moyo murefu murudo,

3 muchishingaira kuchengeta umwe hweMweya muchisungo cherugare.

4Kune muviri umwe uye Mweya umwe, sezvamakadanwawo mutariro imwe yekudanwa kwenyu;

5 Ishe umwe, rutendo rumwe, rubhabhatidzo rwumwe,

6 Mwari umwe naBaba vevose, ari pamusoro pevose, uye kubudikidza nevose, nekwamuri mose.

7 Asi kune umwe neumwe wedu kwakapiwa nyasha zvichienderana nechiyero chechipo chaKristu.

8 Naizvozvo anoti: Paakakwira kumusoro, wakatapa utapwa, akapa zvipo kuvanhu.

9 Zvino izvi kuti: Wakakwira, chii kunze kwekuti wakaburukawo pakutanga kunzvimbo dzakaderera dzenyika?

10 Wakaburuka ndiyewo wakakwira kumusoro-soro kwematenga ose, kuti azadzise zvinhu zvose.

11 Zvino iye wakapa vamwe kuva vaapositori, nevamwe vaporofita, nevamwe vaevhangeri, nevamwe vafudzi nevadzidzisi,

12 kuitira kukwaniswa kwevatsvene, pabasa reushumiri, pakuvakwa kwemuviri waKristu;

13 kusvika tose tasvika paumwe hwerutendo, nehweruzivo rweMwanakomana waMwari, pamurume wakazara, pachiyero chechimiro chekuzara kwaKristu;

14 kuti tisazova vacheche, vanodzungaidzwa nemafungu kuenda nekudzoka nekupepereswa nemhepo ipi neipi yedzidziso, nekunyengera kwevanhu, pakunyengera, kumano ekutsauka;

15 asi titaure chokwadi murudo, tigokura maari pazvinhu zvose, iye musoro, Kristu;

16 kunobva kwaari muviri wose, wakabatanidzwa pamwe zvakaringana nekuumbanidzwa, kubudikidza nemudemhe-mudemhe wefundo rimwe nerimwe, zvichienderana nemashandiro muchiero chenhengo imwe neimwe achikurisa muviri pakuvakwa kwawo murudo.

Mufambiro mutsva womuKristu

17 Naizvozvo ndinoreva ichi, nekupupura muna Ishe, kuti imwi kubva zvino musachifamba sevamwe vahedheni vanofamba mukushaya maturo kwepfungwa yavo,

18 vakasvibiridzwa mupfungwa, vari vatorwa paupenyu hwaMwari nekuda kwekusaziva kuri mukati mavo, nekuda kweukukutu hwemoyo yavo;

19 ivo vakazvipa vatindivara kuunzenza, kuti vabate utsvina hwose neruchiva.

20 Asi imwi hamuna kudzidza Kristu saizvozvo,

21 kana zvakadaro makamunzwa nekudzidziswa maari, sezvo chokwadi chiri muna Jesu;

22 kuti murase zvinoenderana nemufambiro wekutanga, munhu wekare, anoodzwa nekuchiva kwekunyengera;

23 uye muvandudzwe mumweya wepfungwa yenyu,

24 uye kuti mufuke munhu mutsva, wakasikwa maererano naMwari mukururama neutsvene hwechokwadi.

25 Naizvozvo muchiisa nhema parutivi, mutaure chokwadi umwe neumwe kune umwe wake; nokuti tiri mitezo, umwe weumwe.

26 Tsamwai musingatadzi; zuva ngarirege kuvira pamusoro pekutsamwa kwenyu;

27 uye musapa dhiabhorosi nzvimbo.

28 Wakaba ngaarege kubazve; asi zviri nani kuti abate nesimba achishanda chinhu chakanaka nemaoko, kuti ave nechaangapa anoshaiwa.

29 Shoko ripi zvaro rakaora ngarirege kubuda mumuromo menyu, asi ripi neripi rakanakira kuvaka sezvakafanira, kuti ripe nyasha kune vanonzwa.

30 Uye regai kushungurudza Mweya Mutsvene waMwari, wamakaiswa mucherechedzo maari kusvika pazuva redzukunuro.

31 Shungu dzose, nehasha, nekutsamwa, nekupopota, nekutuka ngazvibviswe kwamuri, neuipi hwose;

32 asi ivai nemoyo munyoro umwe kune mumwe, muchinzwira tsitsi, muchikanganwirana, Mwari sezvaakakukanganwiraiwo muna Kristu.