ShonaTeam 1 Corinthians « 13 »

Kunaka kwerudo

13Kana ndikataura nendimi dzevanhu nedzevatumwa, asi ndisina rudo, ndava dare rinorira kana ndarira inoungudza.

2 Uye kana ndine chiporofita, uye ndichinzwisisa zvakavanzika zvose neruzivo rwose, uye kana ndine rutendo rwose, zvekuti ndibvise makomo, asi ndisina rudo, handisi chinhu.

3 Uye kana ndagovera varombo zvinhu zvangu zvose, uye kana ndikagamuchidza muviri wangu kuti ndipiswe, asi ndisina rudo, hazvindibatsiri chinhu.

4 Rudo rwune moyo murefu, rwune unyoro; rudo harwuna godo; rudo harwuzvikudzi, harwututumadzwi,

5 harwuzvibati zvisakafanira, harwuzvitsvakiri zvarwo, harwudenhwi, harwurangariri zvakaipa;

6 harwufari nekusarurama, asi rwunofara muchokwadi;

7 rwunofukidza zvose, rwunotenda zvose, rwunotarisira zvose, rwunotsungirira pazvose.

8 Rudo harwutongoperi. Zvino kana zviri zviporofita, zvichashaiswa basa; kana dziri ndimi, dzichaguma; kana rwuri ruzivo, rwuchashaiswa basa.

9 Nokuti tinoziva muchidimbu, uye tinoporofita muchidimbu;

10 asi kana zvakazara zvasvika, ipapo zviri muchidimbu zvichashayiswa maturo.

11 Pandaiva ndiri mucheche, ndaitaura semucheche, ndainzwisisa semucheche, ndaifunga semucheche; asi pandakava murume, ndakashaisa maturo zveucheche.

12 Nokuti ikozvino tinoona nepachionioni madzedzerera; asi nenguva iyo tichaona zviso nezviso; ikozvino ndinoziva muchidimbu, asi ipapo ndichaziva sezvandakazikanwawo ini.

13 Ikozvinowo rutendo, tariro, rudo, zvitatu izvi ndizvo zvinogara; asi chikuru chezvizvi rudo.