ShonaTeam Romans « 13 »

Kuteerera madzimambo

13Mweya weupenyu umwe neumwe ngauzviise pasi pemasimba epamusoro; nokuti hakuna simba kunze kwerakabva kuna Mwari; uye masimba aripo akagadzwa naMwari.

2 Naizvozvo anopikisa simba anopikisa chimiso chaMwari; zvino ivo vanopikisa vanozvigamuchirira kuraswa.

3 Nokuti vatongi havasi chityiso kumabasa akanaka, asi kune akaipa. Zvino unoda kusatya simba here? Ita zvakanaka, zvino uchava nerumbidzo kubva kwariri;

4 nokuti ndiro muranda waMwari kuti zvikunakire. Asi kana uchiita zvakaipa, itya; nokuti harina kubatira munondo pasina; nokuti muranda waMwari, mutsivi pahasha kune anoita zvakaipa.

5 Naizvozvo zvakafanira kuzviisa pasi, kwete nekuda kwehasha chete, asi nekuda kwehanawo.

6 Nokuti nekuda kwezvizvi munoterawo; nokuti varanda vaMwari, vanoramba vachibatirira chinhu ichochi.

7 Naizvozvo ripirai vose zvakafanira: Mutero kuna vanofanira mutero; mubhadharo kune vanofanira mubhadharo; kutyiwa kune vanofanira kutyiwa; rukudzo kune vanofanira rukudzo.

Rudo rwunozadzisa murairo

8 Musava nengava nemunhu, kunze kwerekudanana; nokuti anoda umwe, wazadzisa murairo.

9 Nokuti izvi zvekuti: Usapomba, usauraya, usaba, usapupura nhema, usachiva, kana kune murairowo upi neupi, zvakasanganiswa pashoko iri, rekuti: Ude wekwako sezvaunozvida iwe.

10 Rudo haruiti zvakaipa kune wekwako; naizvozvo rudo kuzadzisika kwemurairo.

Tinofanira kurinda

11 Uye izvi, muchiziva nguva, kuti ratova awa rekuti timuke pahope; nokuti ikozvino ruponeso rwedu rwava pedo kupfuura patakatenda.

12 Usiku hwaenda, uye zuva rava pedo; naizvozvo ngatibvise mabasa erima, uye ngatishonge zvombo zvechiedza.

13 Ngatifambe zvakafanira, sapamasikati, kwete mumitambo yemafaro akaipa nekuraradza, kwete pamabonde nekunyangadza, kwete mugakava negodo.

14 Asi pfekai Ishe Jesu Kristu, musafunganyira nyama, mukuchiva.