ShonaTeam Mark « 6 »

Jesu anoshovorwa paNazareta

6Zvino wakabvapo, akasvika kunyika yekwake; vadzidzi vake vakamutevera.

2 Zvino rava sabata, akatanga kudzidzisa musinagoge; vazhinji vakamunzwa, vakashamisika vachiti: Izvi zvinobvepi kwaari? Uye injere dzipi dzakapiwa kwaari, kuti nemabasa esimba akadai anoitwa nemaoko ake?

3 Uyu haasi muvezi here, mwanakomana waMaria, nemukoma waJakobho, naJose, naJudha, naSimoni? Nehanzvadzi dzake hadzisi pano nesu here? Vakagumburwa naye.

4 Asi Jesu akati kwavari: Muporofita haangashaiwi kukudzwa, kunze kwemunyika yekwake, nepakati pehama, nemumba make.

5 Akasagona kubata chero basa resimba ipapo, kunze kwekuti wakaisa maoko pamusoro pevairwara vashoma, akaporesa.

6 Akashamisika nekusatenda kwavo. Uye akapota-pota nemisha achidzidzisa.

Vanegumi nevaviri vanotumwa kunoparidza nekuporesa

7 Zvino wakadanira kwaari vanegumi nevaviri, akatanga kuvatuma vaviri-vaviri, akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina.

8 Akavaraira kuti varege kutora chinhu cherwendo kunze kwemudonzvo chete; kwete chikwama, kwete chingwa, kwete mari mubhanhire.

9 Asi vapfeke manyatera, varege kupfeka nguvo refu mbiri.

10 Zvino akati kwavari: Pose pamunopinda mumba, mugaremo kusvika muchibvapo.

11 Asi vose vasingakugamuchiriyi kana kukunzwai, kana muchibvapo, zuzai guruva riri pasi petsoka dzenyu, chive chapupu kwavari. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zvichava nani kuSodhoma kana Gomora nezuva rekutongwa kupfuura guta iro.

12 Vakati vabuda, vakaparidza kuti vatendeuke;

13 zvino vakabudisa madhimoni mazhinji, vakazodza nemafuta vazhinji vairwara, vachiporesa.

Kuurawa kwaJohwani Mubhabhatidzi

14 Mambo Herodhi ndokuzvinzwa, nokuti zita rake rakava pachena, akati: Johwani anobhabhatidza akamutswa kubva kuvakafa, naizvozvo masimba anobata maari.

15 Vamwe vakati: NdiEria; nevamwe vakati: Muporofita, kana wakaita seumwe wevaporofita.

16 Asi Herodhi wakati anzwa, akati: Uyu ndiJohwani uya wandakagura ini musoro; iye wamuka kubva kuvakafa.

17 Nokuti Herodhi pachake waiva atuma vanhu akabata Johwani, akamusunga mutirongo nekuda kwaHerodhiasi, mukadzi waFiripi, munin'ina wake; nokuti Herodhi waiva amuwana.

18 Nokuti Johwani waiva ati kuna Herodhi: Hauna kutenderwa kuti uve nemukadzi wemunin'ina wako.

19 Herodhiasi akamuvenga nechemumoyo, akada kumuuraya, asi wakakonewa;

20 nokuti Herodhi aitya Johwani, achiziva kuti murume wakarurama, mutsvene, akamuchengetedza. Zvino paakamunzwa akaita zvinhu zvakawanda, akamunzwa nemufaro.

21 Asi zuva rakafanira rakati rasvika, Herodhi nezuva rekuberekwa kwake akaitira chirairo madzishe ake nevatungamiriri vezvuru nevatungamiriri veGarirea,

22 zvino mukunda waHerodhiasi uyo paakapinda akatamba, akafadza Herodhi nevaiva vagere pakudya naye; mambo akati kumusikana: Kumbira kwandiri chipi zvacho chaunoda, ndigokupa.

23 Zvino akamupikira achiti: Chero chipi chaunokumbira kwandiri ndichakupa, kusvika pahafu yeushe hwangu.

24 Akabuda akati kuna mai vake: Ndichakumbirei? Vakati: Musoro waJohwani Mubhabhatidzi.

25 Pakarepo akakurumidza kupinda kuna mambo, akakumbira achiti: Ndinoda kuti mundipe mundiro ikozvino musoro waJohwani Mubhabhatidzi.

26 Mambo akashungurudzika zvikuru, asi nekuda kwemhiko, nekwevaiva vagere naye pakudya, waiva asingadi kumurambira.

27 Pakarepo mambo akatuma muurai, akaraira kuti musoro wake uuyiswe. Akaenda, akamugura musoro mutirongo,

28 akauya nemusoro wake mundiro, akaupa kumusikana, musikana ndokuupa mai vake.

29 Vadzidzi vake vakati vachizvinzwa, vakauya vakatora chitunha chake, vakachiisa muguva.

Vanezvuru zvishanu vanopiwa kudya naJesu

30 Zvino vaapositori vakaunganira kuna Jesu, vakamuudza zvose, nezvavaiva vaita, nezvavaiva vadzidzisa.

31 Akati kwavari: Uyai imwi pachenyu moga kunzvimbo yerenje, muzorore zvishoma. Nokuti vaiva vazhinji vaiuya nekuenda, vakasava nemukana kunyange wekudya.

32 Vakaenda nechikepe kunzvimbo yerenje vari vega.

33 Zvaunga zvikavaona vachienda, uye vazhinji vakamuziva, vakamhanyirako pamwe chete netsoka vachibva pamaguta ose, vakavatangira, vakasangana kwaari.

34 Zvino Jesu wakati achibuda, akaona chaunga chikuru, ndokuvanzwira tsitsi, nokuti vaiva vakaita semakwai asina mufudzi; akatanga kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji.

35 Zvino nguva yakati yaenda zvikuru, vadzidzi vake vakauya kwaari vakati: Iyi inzvimbo yerenje, uye nguva yatoenda;

36 varegei, kuti vaende kuruwa rwakapoteredza nemisha vanozvitengera zvingwa; nokuti havana chavangadya.

37 Akapindura akati kwavari: Vapei imwi kuti vadye. Vakati kwaari: Tingaenda here tinotenga zvingwa zvemadhenario* mazana maviri, tivape vadye?

38 Akati kwavari: Mune zvingwa zvingani? Endai munoona. Vakati vaziva vakati: Zvishanu, nehove mbiri.

39 Zvino akavaraira kuti vavagarise vose pasi nemapoka-mapoka pauswa unyoro.

40 Zvino vakagara pasi nemapoka-mapoka nemazana uye nemakumi mashanu.

41 Zvino wakati atora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kumusoro kudenga, akavonga, akamedura zvingwa, akapa kuvadzidzi vake, kuti vazvigadzike pamberi pavo; nehove mbiri akavagovera vose.

42 Zvino vakadya vose, vakaguta.

43 Vakanunga matengu gumi nemaviri azere nezvimedu, nezvehove.

44 Zvino avo vakadya zvingwa vaiva varume vanenge zvuru zvishanu.

Jesu anofamba pamusoro pemvura

45 Pakarepo akamanikidza vadzidzi vake kupinda muchikepe, vatungamire kuenda mhiri kuBhetisaidha, iye achirega chaunga chichienda.

46 Akati avaoneka, akabva akaenda mugomo kunonyengetera.

47 Zvino ava madekwani chikepe chaiva chiri pakati pegungwa, iye ari oga panyika.

48 Zvino wakavaona vachirwadziwa nekukwasva, nokuti mhepo yaiva ichipesana navo; akauya kwavari nenguva inenge seyechina yekurinda yeusiku, achifamba pamusoro pegungwa; ndokuda kuvapfuura.

49 Zvino vakati vachimuona achifamba pamusoro pegungwa, vakafunga kuti chipoko, vakaridza mhere.

50 Nokuti vose vakamuona, vakavhunduka; asi pakarepo akataura navo, akati kwavari: Tsungai moyo, ndini, musatya.

51 Akakwira kwavari muchikepe, mhepo ikanyarara; vakakatyamara zvikuru mukati mavo zvisingaverengeki, vakashamisika.

52 Nokuti vaiva vasina kunzwisisa zvezvingwa, nokuti moyo wavo waiva uri mukukutu.

Jesu anoporesa vanhu paGenesareti

53 Vakati vayambuka, vakasvika kunyika yeGenesareti, vakasungira chikepe pamahombekombe.

54 Vakati vabuda muchikepe, pakarepo vakamuziva,

55 vakamhanyira munharaunda iyo yose yakapoteredza, vakatanga kutenderera vakatakura vairwara panhovo, kwavainzwa kuti ndiko kwaari.

56 Zvino pose paakapinda pamisha kana pamaguta kana paruwa, vakaradzika varwere pamisika, vakamukumbira zvikuru kuti vabate mupendero wenguvo yake chete; uye vose vakamubata vakaponeswa.