ShonaTeam Matthew « 28

Kumuka kwaJesu nekuzviratidza kwake

28Zvino pakupera kwesabata kotanga kuedza, koenda kumusi wekutanga wevhiki, kwakasvika Maria Magidharini neumwe Maria kuzoona guva.

2 Zvino tarira, kwakaitika kudengenyeka kwenyika kukuru, nokuti mutumwa waIshe wakaburuka kubva kudenga, akaswedera, akakungurusa ibwe kubva pamukova, akagara pamusoro paro.

3 Kuonekwa kwake kwaiva kwakaita semheni, nechipfeko chake chaiva chichena semagada echando.

4 Zvino varindi vakadedera nekumutya, vakava sevakafa.

5 Asi mutumwa akapindura akati kuvakadzi: Musatya imwi; nokuti ndinoziva kuti munotsvaka Jesu waiva arovererwa pamuchinjikwa.

6 Haasi pano; nokuti wamuka sezvaakareva. Uyai muone nzvimbo Ishe paaiva arere.

7 Kurumidzai kuenda munoudza vadzidzi vake kuti wamuka kuvakafa; uye tarirai anokutungamirirai kuGarirea, ikoko muchanomuona; tarirai, ndakuudzai.

8 Ndokubva vakakurumidza kubuda paguva vane kutya nemufaro mukuru, vakamhanyira kunoudza vadzidzi vake.

9 Zvino vakati vachienda kunoudza vadzidzi vake, tarira, Jesu wakavachingamidza, achiti: Hekanhi! Vakaswedera vakabata tsoka dzake vakamunamata.

10 Zvino Jesu akati kwavari: Musatya; endai, munoudza hama dzangu kuti vaende kuGarirea, uye vachanondionako.

11 Vakati vachifamba, tarira, vamwe vevarindi vakaenda muguta vakapira vapristi vakuru zvose zvakaitika.

12 Vakati vaungana nevakuru, vakarangana, vakapa mari zhinji kumauto,

13 vachiti: Itii: Vadzidzi vake vakauya usiku vakamuba isu tirere.

14 Kana izvi zvikazikanwa kumutungamiriri, isu tichamunyengerera, tikuitei musava mukushungurudzika.

15 Ndokubva vatora mari vakaita sezvavakadzidziswa. Uye shoko iri rikaparadzirwa pakati pevaJudha kusvika nhasi.

16 Zvino vadzidzi gumi neumwe vakaenda kuGarirea, kugomo Jesu raakavaraira.

17 Vakati vachimuona, vakamunamata; asi vamwe vakakonona.

18 Jesu ndokuswedera akataura kwavari, achiti: Simba rose rakapiwa kwandiri kudenga nepanyika.

19 Endai naizvozvo muite marudzi ose vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba nereMwanakomana nereMweya Mutsvene;

20 muchivadzidzisa kuchengeta zvose zvandakakurairai; zvino tarirai, ini ndinemwi mazuva ose kusvika pakuguma kwenyika. Ameni.