ShonaTeam Zechariah « 3 »

Chiratidzo chemuporofita pamusoro paJoshua mupristi mukuru

3Zvino wakandiratidza Joshua mupristi mukuru, amire pamberi pemutumwa waJehovha, naSatani amire paruoko rwake rwerudyi, kupokana naye.

2 Zvino Jehovha wakati kuna Satani: Jehovha ngaakutsiure, iwe Satani; zvirokwazvo Jehovha ngaakutsiure, iye wakasarudza Jerusarema. Ichi hachisi chitsiga chakabvutwa pamoto here?

3 Zvino Joshua waiva akapfeka nguvo dzine tsvina, uye amire pamberi pemutumwa.

4 Zvino wakapindura ndokutaura kune vaiva vakamira pamberi pake achiti: Bvisai nguvo dzine tsvina kubva paari. Zvino akati kwaari: Ona, ndapfuudza uipi hwako kubva kwauri, uye ndichakufukidza nguvo refu dzemutambo.

5 Zvino ndakati: Ngavaise nguwani yakachena pamusoro wake. Ipapo vakaisa nguwani yakachena pamusoro wake, vakamupfekedza nguvo zhinji. Zvino mutumwa waJehovha waiva amirepo.

6 Zvino mutumwa waJehovha wakapupura kuna Joshua achiti:

7 Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Kana ukafamba munzira dzangu, uye kana ukachengeta murairo wangu, ipapo iwe uchatongawo imba yangu, uye uchachengetawo zvivanze zvangu; uye ndichakupa nzvimbo dzekufamba pakati peava vamirepo.

8 Inzwa hako, Joshua mupristi mukuru, iwe nevafambidzani vako vagere pamberi pako, nokuti vanhu vechiratidzo; nokuti tarira, ndinouisa muranda wangu, Bukira.

9 Nokuti tarira, ibwe randakaisa pamberi paJoshua; pamusoro peibwe rimwe pachava nemaziso manomwe. Tarira, ndichafombora runyoro rwaro, anoreva Jehovha wehondo, uye ndichabvisa uipi hwenyika iyo muzuva rimwe.

10 Muzuva iro, anoreva Jehovha wehondo, muchadanira umwe neumwe shamwari yake pasi pemuzambiringa nepasi pemuonde.