ShonaTeam Haggai « 2

Kunaka kwetembere itsva

2Mumwedzi wechinomwe, neremakumi maviri nerimwe remwedzi, kwakasvika shoko raJehovha neruoko rwaHagai muporofita, richiti:

2 Taura ikozvino kuna Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati waJudha, nekuna Joshua mwanakomana waJehozadhaki, mupristi mukuru, nekuvakasara vevanhu, uchiti:

3 Ndiani wakasara pakati penyu wakamboona imba ino pakubwinya kwayo kwekutanga? Zvino munoiona sei ikozvino? Haina kuita sechinhu pasina here pameso enyu kana ichienzaniswa nayo?

4 Asi ikozvino, simba, iwe Zerubhabheri, anoreva Jehovha; simba, newe Joshua mwanakomana waJehozadhaki, mupristi mukuru; simbaiwo imwi mose vanhu vepanyika, anoreva Jehovha, mubate; nokuti ndinemwi, anoreva Jehovha wehondo.

5 Neshoko randakasungana nemwi pamakabuda kubva muEgipita, uye Mweya wangu unomira pakati penyu: Musatya.

6 Nokuti anoreva seizvi Jehovha wehondo: Kuchiri kamwe chete, chinguvana, zvino ndichazungunusa matenga, nenyika, negungwa, nepakaoma.

7 Zvino ndichazungunusa marudzi ose, uye chishuwo chemarudzi ose chichasvika, uye ndichazadza imba iyi nekubwinya, anoreva Jehovha wehondo.

8 Sirivha ndeyangu, negoridhe nderangu, anoreva Jehovha wehondo.

9 Kubwinya kweimba iyi yekupedzisira kuchava kukuru pane kweyekutanga, anoreva Jehovha wehondo; uye panzvimbo ino ndichapa rugare, anoreva Jehovha wehondo.

10 Pazuva remakumi maviri nemana remwedzi wepfumbamwe, negore rechipiri raDhariyasi, rakasvika shoko raJehovha neruoko rwaHagai muporofita, richiti:

11 Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Bvunza ikozvino vapristi zvemurairo, uti:

12 Kana munhu achitakura nyama tsvene mumupendero wenguwo yake, akagunzva chingwa nemupendero wake, kana zvekudya zvakabikwa, kana waini, kana mafuta, kana chekudya chipi nechipi, zvichava zvitsvene here? Vapristi ndokupindura ndokuti: Kwete.

13 Zvino Hagai wakati: Kana asina kuchena nechitunha akagunzva chipi cheizvi, chichava chisina kuchena here? Vapristi ndokupindura ndokuti: Chichava chisina kuchena.

14 Ipapo Hagai wakapindura ndokuti: Ndizvo zvakaita vanhu ava, uye ndizvo zvakaita rudzi urwu pamberi pangu, anoreva Jehovha; saizvozvowo basa rimwe nerimwe remaoko avo; nechavanopa ipapo hachina kuchena.

15 Zvino ikozvino, isai henyu moyo yenyu kubva pazuva rino zvichikwira, kubva ibwe risati raiswa pamusoro peibwe mutembere yaJehovha.

16 Kubva apo munhu achienda kumurwi wezviyero makumi maviri, paiva negumi; achienda kuchisviniro chewaini kunochera hari makumi mashanu pachisviniro, paiva nemakumi maviri.

17 Ndakakurovai nenyunje uye nekuvhuvha uye nechimvuramabwe, mabasa ose emaoko enyu; asi hamuna kutendeukira kwandiri, anoreva Jehovha.

18 Isai henyu moyo wenyu, kubva pazuva rino zvichikwira, kubva pazuva remakumi maviri nemana remwedzi wepfumbamwe, ipo kubva pazuva nheyo dzetembere yaJehovha dzichiiswa, muise moyo wenyu.

19 Mbeu ichiri mudura here? Hongu, muzambiringa, nemuonde, nemupomegiranati, nemuorivhi, hazvisati zvabereka; kubva pazuva iri ndichakuropafadzai.

20 Zvino shoko raJehovha rakasvika rwechipiri kuna Hagai muzuva remakumi maviri nemana remwedzi, richiti:

21 Taura kuna Zerubhabheri, mubati waJudha, uchiti: Ndichazunungusa matenga nenyika.

22 Uye ndichapidigura chigaro cheushe cheumambo uzhinji, uye ndichaparadza simba reumambo uzhinji hwevahedheni, uye ndichapidigura dzingoro, nevanotasva madziri; uye mabhiza nevatasvi vawo vachaburuka, umwe neumwe nemunondo wehama yake.

23 Nezuva iro, anoreva Jehovha wehondo, ndichakutora, iwe Zerubhabheri, mwanakomana waShearitieri, muranda wangu, anoreva Jehovha, uye ndichakuita sechidhindo; nokuti ndakakusarudza, anoreva Jehovha wehondo.