ShonaTeam Habakkuk « 2 »

Mhinduro yaJehovha

2Ndichamira panzvimbo yangu yekurindira, uye ndichazvimisa panhare, ndigorinda, kuti ndione kuti achati chii kwandiri, nezvandichapindura pagakava rangu.

2 Zvino Jehovha wakandipindura ndokuti: Nyora chiratidzo, uchiite chive pachena pamahwendefa, kuti amhanye anochiverenga.

3 Nokuti chiratidzo chichazova chenguva yakatarwa; asi chichataura pakupedzisira, uye hachingarevi nhema; kunyange chikanonoka, uchirindire, nokuti zvirokwazvo chichasvika, hachinganonoki.

4 Tarirai, anozvikudza, mweya weupenyu wake hauna kururama kwaari; asi wakarurama achararama nerutendo rwake.

5 Uyezve, nokuti anonyengera newaini, ari munhu anozvikudza, asingagari kumba, achikudza chishuvo chake seSheori, uye wakafanana nerufu, uye haangaguti, asi anounganidzira marudzi ose kwaari, uye anozvikokera vanhu vose:

6 Ava vose havangamusimudziri dimikira here, netsumo iri chiseko pamusoro pake? Zvino vachati: Nhamo kune anowanza zvisati zviri zvake. Kusvika rinhi? Uye anozvitakudza chibatiso!

7 Vachakurumai havangasimuki pakarepo here, uye vamuka vachakuzungunusa here? Zvino uchava zvakapambiwa kwavari.

8 Nokuti iwe wakapamba marudzi mazhinji, vose vakasara vevanhu vachakupamba; nekuda kweropa zhinji revanhu, nemhirizhonga yenyika, guta, nevose vagere mariri.

9 Nhamo kune anowanira imba yake mubairo wakaipa, kuti aise dendere rake pamusoro, kuti asunungurwe muruoko rwezvakaipa!

10 Makaranganira imba yako chinyadzo, kugura vanhu vazhinji, naizvozvo wakatadzira mweya weupenyu wako.

11 Nokuti ibwe richadanidzira riri parusvingo, uye puranga richaripindura riri padanda.

12 Nhamo kune anovaka musha neropa zhinji, nekumisa guta nechitadzo!

13 Tarirai, hazvibvi kuna Jehovha wehondo here, kuti marudzi ashingairire moto, uye vanhu vazvinetesere zvisina maturo?

14 Nokuti nyika ichazadzwa neruzivo rwerukudzo rwaJehovha, semvura zhinji inofukidza gungwa.

15 Nhamo kune anonwisa wekwake, anodurura bhodhoro rako, achidhakisawo, kuti aone kushama kwavo!

16 Muchaguta nyadzi pasina rukudzo; inwawo iwe, uye uve asina kudzingiswa; mukombe weruoko rwerudyi rwaJehovha unokutendeukira; nenyadzi dzive pamusoro perukudzo rwako.

17 Nokuti mhirizhonga yeRebhanoni ichakufukidza; uye kuparadzwa kwemhuka kuchavatyityidzira, nekuda kweropa revanhu, uye kwemhirizhonga yepanyika, guta, nevose vagere mariri.

18 Chifananidzo chakavezwa chinobatsirei muvezi wacho zvaakachiveza? Chifananidzo chakaumbwa nekunyungudusa nemudzidzisi wenhema, kuti muumbi avimbe nechaakaumba chake, kuita zvifananidzo zviri mbeveve?

19 Nhamo kune anoti kudanda: Pepuka! Anoti kuibwe riri mbeveve: Muka, iro richadzidzisa! Tarirai, zvakanamirwa negoridhe nesirivha, asi hakuna mweya upi zvawo mukati mazvo.

20 Asi Jehovha ari mutembere yake tsvene. Nyarara pamberi pake, nyika yose.