ShonaTeam Micah « 5 »

5Ikozvino ungana, iwe mukunda wehondo dzakarongwa; iye wakaisa kukomba kwatiri; netsvimbo vacharova mutongi waIsraeri padama.

2 Asi iwe Bheterehemu Efurati, kunyange uri mudiki pakati pezvuru zvaJudha, achabuda kubva kwauri kuuya kwandiri uyo achava mutongi kwaIsraeri, kubuda kwake ndekwekare, kubva pamazuva epakusingaperi.

3 Naizvozvo uchavapa kuvavengi kusvika yava nguva yekuti anopona apone; ipapo vakasara vehama dzake vachadzokera kuvana vaIsraeri.

4 Zvino achamira nekufudza musimba raJehovha, pakusimuka kwezita raJehovha Mwari wake; uye vachagara, nokuti ikozvino achava mukuru kusvika kumigumo yenyika.

5 Zvino uyu achava rugare, muAsiriya paachapinda munyika yedu, nepaachatsika pamizinda yedu, ipapo tichamumutsira vafudzi vanomwe, nemachinda masere evanhu.

6 Zvino vachadya nyika yeAsiriya nemunondo, nenyika yaNimurodhi pamikova yayo. Saizvozvi achanunura kubva kumuAsiriya, paachapinda munyika yedu nepaachatsika pamiganhu yedu.

7 Zvino vakasara vaJakove vachava pakati pemarudzi mazhinji, sedova rinobva kuna Jehovha, semupfunho pamusoro peuswa, zvisingamiriri munhu uye zvisingagariri vanakomana vevanhu.

8 Zvino vakasara vaJakove vachava pakati pevechirudzi pakati pemarudzi mazhinji, seshumba pakati pemhuka dzesango, seshumba diki pakati pemapoka emakwai, inoti painopfuura, inotsika nekubvamburanya, kusina anonunura.

9 Ruoko rwenyu rwuchakwirira pamusoro pevadzivisi venyu, uye vavengi venyu vose vachagurwa.

10 Zvino zvakaitika pazuva iro, anoreva Jehovha, ndichagura mabhiza ako kubva pakati pako, uye ndichaparadza ngoro dzako.

11 Zvino ndichagura maguta enyika yako, nekukoromorera pasi nhare dzako dzose.

12 Zvino ndichagura uroyi kubva muruoko rwako, uye haungazovi nevafemberi.

13 Zvino ndichagura zvifananidzo zvako zvakavezwa neshongwe dzako dzimire kubva pakati pako, uye haungazoshumirizve mabasa emaoko ako.

14 Zvino ndichadzura matanda ekunamata nawo ako kubva pakati pako, nekuparadza maguta ako.

15 Zvino ndichaita tsivo mukutsamwa nemukupfuta kumarudzi asina kuteerera.