ShonaTeam Micah « 4 »

Chivimbiso cherugare

4Asi pamazuva ekupedzisira zvichaitika kuti gomo reimba yaJehovha richamiswa pamusoro penhongonya yemakomo, uye richasimudzirwa kuva pamusoro pezvikomo; uye marudzi achayererera kwariri.

2 Zvino marudzi mazhinji achaenda, uye achiti: Uyai, ngatikwirei kugomo raJehovha nekuimba yaMwari waJakove; uye achatidzidzisa zvenzira dzake, uye tichafamba nemakwara ake. Nokuti murairo uchabuda paZiyoni, neshoko raJehovha paJerusarema.

3 Zvino achatonga pakati pemarudzi mazhinji, nekutsiura ndudzi dzine simba dziri kure; uye vachapfura minondo yavo kuita miromo yemagejo, nemapfumo avo kuita zvekugurira miti; rudzi harwungasimudziri rudzi munondo, uye havangazodzidzizve hondo.

4 Asi vachagara umwe neumwe pasi pemuzambiringa wake uye pasi pemuti wake wemuonde, uye hakuna achavatyityidzira; nokuti muromo waJehovha wehondo wataura.

5 Nokuti marudzi ose achafamba, umwe neumwe muzita ramwari wake; asi isu tichafamba muzita raJehovha Mwari wedu kusvika pakusingaperi-peri.

6 Nezuva iro, anoreva Jehovha, ndichaunganidza anokamhina, nekukokorodza wakadzingwa, newandakatambudza.

7 Anokamhina ndichamuita wakasara, newakadzingirwa kure ave rudzi rwune simba. Zvino Jehovha achatonga pamusoro pavo pagomo reZiyoni kubva ikozvino kusvika pakusingaperi.

8 Zvino iwe, shongwe yeEdheri, nhare yemukunda weZiyoni, zvichasvika kwauri, hongu, ushe hwekutanga huchasvika, umambo kumukunda weJerusarema.

9 Ikozvino unodanidzirirei zvikuru? Mambo haasi kwauri here? Mupi wemazano wako waparara here? Nokuti marwadzo emimba akakubata semukadzi anopona?

10 Iva mukurwadziwa, urwadziwe nemimba ugopona, iwe mukunda weZiyoni, semukadzi ari pakusununguka, nokuti ikozvino unobuda kubva muguta, uye uchanogara musango, uye uchaenda kuBhabhironi; ikoko uchazonunurwa, ikoko Jehovha achakudzikinura kubva muruoko rwevavengi vako.

11 Ikozvinowo marudzi mazhinji akakuunganira, anoti: Ngaasvibiswe, uye meso edu ngaaone Ziyoni.

12 Asi ivo havazivi pfungwa dzaJehovha, uye havanzwisisi zano rake; nokuti wakavaunganidza semwanda paburiro.

13 Simuka upure, iwe mukunda weZiyoni; nokuti ndichaita runyanga rwako dare, uye mahwanda ako ndichaaita ndarira. Zvino uchaputsanya marudzi mazhinji; uye ndichatsaurira mubairo wavo kuna Jehovha, nefuma yavo kuna Ishe wenyika yose.