ShonaTeam Jonah « 3 »

Kutendeuka kwevanhu veNinivhe

3Zvino shoko raJehovha rakasvika rwechipiri kuna Jona richiti:

2 Simuka, enda kuNinivhe, guta guru, zvino uparidze kwariri mharidzo yandinokuudza.

3 Zvino Jona wakasimuka ndokuenda kuNinivhe, zvichienderana neshoko raJehovha. Zvino Ninivhe raiva guta guru kwazvo, rwendo rwemazuva matatu.

4 Zvino Jona wakatanga kupinda muguta, rwendo rwezuva rimwe. Zvino wakadanidzira ndokuti: Kuchine makore makumi mana, uye Ninivhe richaparadzwa.

5 Zvino vanhu veNinivhe vakatenda Mwari, ndokudanidzira mutsanyo, ndokufuka masaga, kubva kumukurusa wavo kusvika kumudikisa wavo.

6 Nokuti shoko rakasvika kuna mambo weNinivhe; iye ndokusimuka kubva pachigaro chake cheushe, ndokubvisa nguvo yake yerukudzo paari, ndokupfeka saga, ndokugara mumadota.

7 Zvino wakadanidzira ndokuti muNinivhe nechirevo chamambo nevakuru vake, achiti: Kurege kuva nemunhu, kana mhuka, mombe, kana gwai, zvicharavira chipi nechipi; ngazvirege kudya uye zvisanwa mvura.

8 Asi munhu nemhuka ngazvifukidzwe masaga, uye ngavadanidzire zvine simba kuna Mwari; hongu ngavatendeuke umwe neumwe panzira yake yakaipa, nepakumanikidza kuri pamaoko avo.

9 Ndiani anoziva, zvimwe Mwari angadzoka akazvidemba, ndokuzvidzora kubva pakutsamwa kwake kunotyisa, kuti tirege kuparara.

10 Zvino Mwari wakaona mabasa avo, kuti vakatendeuka kubva panzira yavo yakaipa; Mwari ndokuzvidemba pazvakaipa zvaaiva ataura kuti achazviita kwavari, zvino akasazviita.