ShonaTeam Jonah « 2 »

Munyengetero waJona

2Zvino Jona wakanyengetera kuna Jehovha Mwari wake ari mudumbu rehove.

2 Ndokuti: Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha; zvino wakandipindura; ndiri mudumbu resheori ndakachema; makanzwa inzwi rangu.

3 Nokuti makandikanda muudziku, mumoyo wemakungwa; uye mafashame akandikomberedza; mafungu enyu ose nemaboporodzi enyu zvakapfuura nepamusoro pangu.

4 Zvino ini ndakati: Ndadzingwa kubva pamberi pemeso enyu; zvakadaro ndichatarisazve kutembere yenyu tsvene.

5 Mvura zhinji yakandikomberedza kusvika pamweya weupenyu; udziku hwakandikomba; makaraugwe akamonera musoro wangu.

6 Ndakaburukira kunheyo dzemakomo; nyika nezvipfigiso zvayo zvakandikomba nekusingaperi; zvakadaro makabudisa upenyu hwangu pagomba, Jehovha Mwari wangu.

7 Mweya weupenyu wangu pawakaziya mukati mangu, ndakarangarira Jehovha; munyengetero wangu ndokupinda kwamuri, mutembere yenyu tsvene.

8 Avo vanochengetedza zvenhema zvisina maturo vanosiya nyasha dzavo.

9 Asi ini neinzwi rekuvonga ndichabaira kwamuri; ndicharipira zvandakapikira; ruponeso nderwaJehovha.

10 Zvino Jehovha wakataura kuhove; iyo ndokurutsira Jona pavhu rakaoma.