ShonaTeam Ezekiel « 36 »

Kudzoswa kwaIsraeri

36Zvino iwe, mwanakomana wemunhu, porofita kumakomo aIsraeri, zvino uti: Imwi makomo aIsraeri, inzwai shoko raJehovha.

2 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Muvengi zvaakati pakurwisana nemwi: Haiwa, kunyange nzvimbo dzekare dzakakwirira ndedzedu panhaka;

3 naizvozvo porofita uti: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Nokuti, hongu, nokuti vakakuitai dongo nekukumedzai kumativi ose, kuti muve nhaka kumarudzi akasara, makasimudzwa pamiromo yemitauro, mukava chinyeviwa chevanhu;

4 naizvozvo, imwi makomo aIsraeri, inzwai shoko raIshe Jehovha: Anoreva seizvi Ishe Jehovha kumakomo, nekuzvikomo, kunzizi, nekumipata, nekumatongo akaparara, nekumaguta akasiiwa, akava chinojimbiwa nechiseko kuvasiiwa vemarudzi akapoteredza.

5 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Zvirokwazvo mumoto wegodo rangu ndakataura kurwisana nevasiiwa vemarudzi, nekurwisana neEdhomu rose, vakazvipa nyika yangu ive nhaka, nemufaro wemoyo wose, nepfungwa dzekuzvidza, nekuda kwekuipotsera ive chinojimbiwa.

6 Naizvozvo porofita maererano nenyika yaIsraeri, uye uti kumakomo, nekuzvikomo, kunzizi, nekumipata: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarirai ndakataura mugodo rangu nemukupfuta kwangu, nokuti matakura chinyadzo chevechirudzi.

7 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Ini ndasimudza ruoko rwangu, zvirokwazvo vechirudzi vakakupoteredzai ivo vachatakura chinyadzo chavo.

8 Asi imwi, makomo aIsraeri, muchabudisa matavi enyu, nekuberekera vanhu vangu Israeri chibereko chenyu, nokuti vava pedo kuuya.

9 Nokuti tarirai, ndinemwi, uye ndichatendeukira kwamuri, uye mucharimwa nekudzvarwa.

10 Zvino ndichawanza vanhu pamusoro penyu, imba yose yaIsraeri, iyo yose; zvino maguta achagarwa, nematongo achavakwa.

11 Zvino ndichawanza vanhu nemhuka pamusoro penyu; uye zvichawanda nekubereka; uye ndichakumisai sezvazvakange zvakaita kare, uye ndichaita zvakanaka kupfuura kutanga kwenyu; zvino muchaziva kuti ndiri Jehovha.

12 Hongu, ndichafambisa vanhu pamusoro penyu, vanhu vangu Israeri; uye vachakuitai vavo, uye muchava nhaka yavo; uye kubva zvino hamuchazovaitizve vafirwe nevana.

13 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Zvavanoti kwamuri: Iwe uri mupedzi wevanhu, uye wakaita rudzi rwako rwufirwe nevana;

14 naizvozvo hauchazopedzizve vanhu, kana kuurairazve marudzi ako vana, anoreva Ishe Jehovha.

15 Uye handinganzwisizve mauri chinyadzo chevechirudzi, uye haungazotakurizve kushoorwa kwevanhu, uye haungawisisizve marudzi ako, anoreva Ishe Jehovha.

16 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

17 Mwanakomana wemunhu, veimba yaIsraeri pavaigara munyika yavo, vakaisvibisa nenzira yavo uye nezviito zvavo; nzira yavo yaiva pamberi pangu sekusviba kwemukadzi ari kumwedzi.

18 Naizvozvo ndakadurura kupfuta kwangu pamusoro pavo nekuda kweropa ravakateura pamusoro penyika, uye nekuda kwezvifananidzo zvavakaisvibisa nazvo.

19 Zvino ndakavaparadzira pakati pevechirudzi, uye vakakushwa munyika zhinji; zvichienderana nenzira yavo uye zvichienderana nezviito zvavo ndakavatonga.

20 Pavakapinda mune vechirudzi kwavakaendapo, vakamhura zita rangu dzvene, vanhu pavakati pamusoro pavo: Ava ndivo vanhu vaJehovha, uye vakabuda panyika yake.

21 Asi ndakanzwira tsitsi zita rangu dzvene, imba yaIsraeri rayaiva yamhura pakati pevechirudzi kwavakaendapo.

22 Naizvozvo iti kuimba yaIsraeri: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Handizviiti nekuda kwako, iwe imba yaIsraeri, asi nekuda kwezita rangu dzvene, ramakamhura pakati pevechirudzi kwamakaendako.

23 Zvino ndichaita dzvene zita rangu guru, rakamhurwa pakati pevechirudzi, ramakamhura pakati pavo; zvino vechirudzi vachaziva kuti ndiri Jehovha, anoreva Ishe Jehovha, pandichaitwa mutsvene mamuri pamberi pemeso avo.

24 Nokuti ndichakutorai kubva pane vechirudzi, nekukuunganidzai kubva munyika dzose, uye ndichakuunzai kunyika yenyu.

25 Ipapo ndichasasa mvura yakachena pamusoro penyu, zvino muchava vakachena; kubva patsvina yenyu yose uye kubva pazvifananidzo zvenyu zvose ndichakunatsai.

26 Moyo mutsva ndichakupaiwo, nemweya mutsva ndichaisa mukati menyu, uye ndichabvisa moyo webwe kubva panyama yenyu, zvino ndichakupai moyo wenyama.

27 Zvino ndichaisa mweya wangu mukati menyu, ndigoita kuti mufambe mumitemo yangu, uye muchachengeta mitongo yangu nekuiita.

28 Zvino muchagara munyika yandakapa madzibaba enyu, uye muchava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wenyu.

29 Ndichakuponesaiwo kubva patsvina yenyu yose; uye ndichadana zviyo, nekuzviwanza, uye handingaisi nzara pamusoro penyu.

30 Zvino ndichawanza chibereko chemuti negoho remunda, kuti musazogamuchirazve kuzoshoorwa kwenzara pakati pevechirudzi.

31 Ipapo mucharangarira nzira dzenyu dzakashata nezviito zvenyu zvaiva zvisina kunaka, uye muchazvisema pazviso zvenyu nekuda kwezvitadzo zvenyu uye nekuda kwezvinyangadzo zvenyu.

32 Handizviiti nekuda kwenyu, anoreva Ishe Jehovha, ngazvizikanwe kwamuri; svodai muve nenyadzi pamusoro penzira dzenyu, imwi imba yaIsraeri.

33 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Pazuva randinenge ndakunatsai kubva pazvitadzo zvenyu zvose, ndichaitawo kuti maguta agarwe, uye matongo achavakwa.

34 Zvino nyika yanga iri dongo icharimwa, payaimbova renje pameso eumwe neumwe anopfuurapo.

35 Zvino vachati: Nyika iyi yaiva dongo yava sebindu reEdheni; nemaguta matongo neakaparadzwa neakaputswa ashoshwa, agarwa.

36 Ipapo vechirudzi vakasara vakakukombai vachaziva kuti ini Jehovha ndakavaka aiva matongo, nekusima zvaiva zvakaparara. Ini Jehovha ndataura, uye ndichaita.

37 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Neizvi ndichakumbirwa neimba yaIsraeri, kuti ndivaitire; ndichavawanza nevanhu semakwai.

38 Seboka dzvene, seboka reJerusarema pamitambo yaro yakatarwa, saizvozvo maguta aiva matongo azadzwa nemapoka evanhu; zvino vachaziva kuti ndiri Jehovha.