ShonaTeam Ezekiel « 33 »

Basa renharirire

33Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

2 Mwanakomana wemunhu, taura kuvana vevanhu vako, uti kwavari: Pandinouisa munondo pamusoro penyika, kana vanhu venyika vakatora munhu pamiganhu yavo, vakamuita nharirire yavo,

3 paanoona munondo uchiuya pamusoro penyika, akaridza hwamanda, ndokuyambira vanhu;

4 zvino ani nani anonzwa kurira kwehwamanda, asi akasayambirika, kana munondo ukauya ukamubvisa, ropa rake richava pamusoro pemusoro wake.

5 Wakanzwa kurira kwehwamanda, asi akasayambirika, ropa rake richava pamusoro pake; asi anoyambirika achaponesa mweya weupenyu wake.

6 Asi kana nharirire ichiona munondo uchiuya, ikasaridza hwamanda, vanhu ndokusayambirwa, kana munondo ukauya ukabvisa munhu pakati pavo, iye wabviswa nechivi chake, asi ropa rake ndicharitsvaka muruoko rwenharirire.

7 Saizvozvo iwe, mwanakomana wemunhu, ndakakuisa kuva nharirire kuimba yaIsraeri; naizvozvo uchanzwa shoko pamuromo wangu ugovayambirira ini.

8 Kana ndichiti kune wakaipa: Iwe wakaipa, uchafa zvirokwazvo; kana iwe ukasataura kuti uyambire wakaipa kubva panzira yake, wakaipa uyo achafira muchivi chake, asi ropa rake ndicharitsvaka paruoko rwako.

9 Asi kana iwe ukayambira wakaipa panzira yake kuti atendeuke pairi, kana akasatendeuka panzira yake, iye achafira muchivi chake, asi iwe wanunura mweya weupenyu wako.

10 Naizvozvo iwe, mwanakomana wemunhu, iti kuimba yaIsraeri: Munotaura seizvi muchiti: Nokuti zvitadzo zvedu nezvivi zvedu zviri pamusoro pedu, uye tinopera mazviri, zvino tichararama sei?

11 Uti kwavari: Neupenyu hwangu, anoreva Ishe Jehovha, zvirokwazvo handifariri rufu rwewakaipa, asi kuti wakaipa atendeuke panzira yake ararame. Tendeukai, tendeukai panzira dzenyu dzakaipa, nokuti muchafirei, imwi imba yaIsraeri?

12 Zvino iwe, mwanakomana wemunhu, uti kuvana vevanhu vako: Kururama kwewakarurama hakungamununuri pazuva rekudarika kwake; kana kuri kuipa kwewakaipa, haangawi nako pazuva raakatendeuka kubva pauipi hwake; uye wakarurama haangagoni kurarama nekururama kwake nezuva raanotadza.

13 Pandichati kune wakarurama: Uchararama zvirokwazvo; kana iye achivimba nekururama kwake, ndokuita chitadzo, kururama kwake kose hakungarangarirwi; asi nekuda kweuipi hwake hwaaita, achahufira.

14 Uye kana ndichiti kune wakaipa: Uchafa zvekufa; kana akatendeuka kubva pachivi chake, ndokuita mutongo nekururama;

15 wakaipa akadzosa chibatiso, akaripa zvakapambiwa, akafamba muzvimiso zveupenyu, kuti asaita chitadzo, achararama zvirokwazvo, haangafi.

16 Hakuna chimwe chezvivi zvake zvaakaita chicharangarirwa kwaari; waita mutongo nekururama, achararama zvirokwazvo.

17 Asi vana vevanhu vako vanoti: Nzira yaIshe haina kururama; kana vari ivo, nzira yavo ndiyo isina kururama.

18 Kana wakarurama akatendeuka kubva pakururama kwake ndokuita chitadzo, achafawo nekuda kwacho.

19 Asi kana wakaipa akatendeuka kubva pauipi hwake, ndokuita mutongo nekururama, iye achararama naizvozvo.

20 Zvakadaro munoti: Nzira yaIshe haina kururama. Imba yaIsraeri, ndichakutongai umwe neumwe zvinoenderana nenzira dzake.

Kuwa kweJerusarema

21 Zvino zvakaitika mugore regumi nemaviri reutapwa hwedu, mumwedzi wegumi, nereshanu remwedzi, umwe waiva apukunyuka kubva muJerusarema wakasvika kwandiri achiti: Guta rarohwa.

22 Zvino ruoko rwaJehovha rwaiva pamusoro pangu madekwani, wakapukunyuka asati asvika; zvino wakashamisa muromo wangu, kusvika iye asvika kwandiri mangwanani; saizvozvo muromo wangu ukashamiswa, ndikasazovazve mbeveve.

23 Zvino shoko raJehovha rikasvika kwandiri richiti:

24 Mwanakomana wemunhu, vagari vematongo awo enyika yaIsraeri vanotaura vachiti: Abhurahama waiva ari umwe, akagara nhaka yenyika; asi tiri vazhinji, nyika yapiwa isu kuva nhaka.

25 Naizvozvo iti kwavari: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Munodya zvine ropa, uye munosimudzira meso enyu kuzvifananidzo zvenyu, nekuteura ropa; zvino muchagara nhaka yenyika here?

26 Munomira pamusoro pemunondo wenyu, munoita chinyangadzo, uye makasvibisa umwe neumwe mukadzi wewekwake; zvino muchagara nhaka yenyika here?

27 Reva seizvi kwavari: Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Neupenyu hwangu, zvirokwazvo vari mumatongo vachawa nemunondo; naiye ari mubani ndichapa kuzvikara kuti adyiwe; nevari munhare nemumapako vachafa nehosha.

28 Nokuti nyika ndichaiita dongo nekuparara, uye kuzvikudza kwesimba rayo kuchapera; nemakomo aIsraeri achava matongo, kuti kusava neanopfuura nepo.

29 Zvino vachaziva kuti ndiri Jehovha, kana ndaita nyika dongo nekuparara, nekuda kwezvinyangadzo zvavo zvose zvavakaita.

30 Zvino iwe, mwanakomana wemunhu, vana vevanhu vako vanotaura pamusoro pako vari pamasvingo nepamikova yedzimba, vanotaura umwe kune umwe, vachiti umwe neumwe kuhama yake: Uyai henyu, munzwe kuti ishokoi rinobuda kuna Jehovha.

31 Zvino vanouya kwauri sekuuya kwevanhu, uye vanogara pamberi pako sevanhu vangu, uye vanonzwa mashoko ako, asi havaaiti; nokuti vanoratidza rudo rukuru nemuromo wavo, asi moyo wavo unotevera mubairo wavo wakaipa.

32 Zvino tarira, iwe wakaita kwavari serwiyo rwunodikanwa, inzwi rinotapira, uye unoridza zvakanaka mbira; nokuti vanonzwa mashoko ako, asi havaaiti.

33 Zvino pakusvika kweizvi (tarira zvichasvika), ipapo vachaziva kuti muporofita wanga ari pakati pavo.