ShonaTeam Ezekiel « 23 »

Ohora naOhoribha

23Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri richiti:

2 Mwanakomana wemunhu, kwaiva nevakadzi vaviri, vakunda vamai vamwe chete.

3 Zvino vakaita ufeve muEgipita; vakaita ufeve paudiki hwavo; ipapo mazamu avo akanyangatwa, uye ipapo minyatso yeumhandara hwavo ikabatwa-batwa.

4 Zvino mazita avo aiva: Ohora mukuru, naOhoribha munin'ina wake. Zvino vaiva vangu ndokubereka vanakomana nevanasikana. Saizvozvo mazita avo: Samariya ndiOhora, uye Jerusarema ndiOhoribha.

5 Zvino Ohora wakaita ufeve ari pasi pangu, akadanana nevadikanwi vake, ivo vaAsiriya vaiva pedo;

6 vaipfeka zveruvara rwehute, machinda nevatungamiriri, vose vari majaya anodikanwa, vatatsvi vemabhiza, vaitatsva mabhiza.

7 Iye wakapa hufeve hwake kwavari, vose vakasarudzwa vevanakomana vaAsiriya, nekune vose vaaichiva, akazvisvibisa nezvifananidzo zvavo zvose.

8 Uye haana kurega ufeve hwake kubva kuEgipita; nokuti paudiki hwake vakarara naye; uye ivo vakanyangata mazamu eumhandara hwake, ndokudurura ufeve hwavo pamusoro pake.

9 Naizvozvo ndakamuisa muruoko rwevadikanwi vake, muruoko rwevaAsiriya vaakachiva.

10 Ivo vakafukura kushama kwake; vakatora vanakomana vake nevanasikana vake; ndokumuuraya nemunondo; zvino akava zita pakati pevakadzi; nokuti vakaita mitongo pamusoro pake.

11 Munin'ina wake Ohoribha paakazviona, wakanyanya kuipa pakuchiva kwake kumupfuura, nepaufeve uzhinji hwake kupfuura ufeve uzhinji hwemukoma wake.

12 Wakachiva vana vaAsiriya, vabati nevatongi vaiva pedo, vaipfeka zvakaisvonaka, vatasvi vemabhiza, vaitasva mabhiza, vose vari majaya anodikanwa.

13 Zvino ndakaona kuti waiva asvibiswa; vari vaviri vaiva nenzira imwe chete.

14 Zvino wakawedzera ufeve uzhinji hwake; paaiona varume vakavezwa pamadziro, zvifananidzo zvevaKaradhiya, zvakavezwa nezvitsvuku,

15 vakasunga bhandi pazviuno zvavo, vane nguwani dzakaremberera pamisoro yavo, vose vachionekwa vari machinda, mufananidzo wevana veBhabhironi, veKaradhiya, nyika yechizvarigo chavo.

16 Zvino pakuvaona kwemeso ake wakavachiva ndokutuma nhume kwavari kuKaradhiya.

17 VaBhabhironi ndokusvika kwaari pamubhedha werudo rukuru, ndokumusvibisa neufeve hwavo, iye ndokusvibiswa navo; ipapo mweya wake wakarambana navo.

18 Zvino wakafukura ufeve hwake, ndokufukura kushama kwake; ipapo mweya wangu wakarambana naye, mweya wangu sezvawakarambana nemukoma wake.

19 Zvakadaro wakapamhidzira ufeve uzhinji hwake, pakurangarira mazuva eudiki hwake, paakaita upombwe panyika yeEgipita.

20 Zvino wakachiva vadikanwi vavo, venyama yavo iri nyama yembongoro, uye vemvura dzavo dzakaita semvura dzemabhiza.

21 Saizvozvo iwe wakarangarira uipi hweudiki hwako, pakubatwa-batwa kweminyatso yako nevaEgipita, nekuda kwemazamu eumhandara hwako.

22 Naizvozvo, Ohoribha, anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarira, ndichakumutsira vadikanwi vako, mweya wako wawakarambana navo, uye ndichavaunza kukurwisa pamativi ose.

23 Vana veBhabhironi, nevaKaradhiya vose, Pekodhi, naShoa, naKoa, vana vaAsiriya vose vanavo, majaya anodikanwa, vose vari vabati nevatongi, machinda nevane mbiri, vose vakatasva mabhiza.

24 Zvino vachauya kukurwisa nezvombo, ngoro, nemavhiri, uye neungano yevanhu, nhovo huru, nenhovo diki, nenguwani; vachakumisira kumativi ose; zvino ndichaisa mutongo pamberi pavo; uye vachakutonga zvichienderana nemitongo yavo.

25 Zvino ndichakuisira godo rangu; uye vachakubata nehasha; vachabvisa mhino yako nenzeve dzako; uye vakasara vako vachawa nemunondo; ivo vachatora vanakomana vako nevanasikana vako; uye vakasara vako vachapedzwa nemoto.

26 Vachakukururawo zvipfeko zvako, ndokutora zvinhu zvako zvakanaka.

27 Saizvozvo ndichapedza uipi hwako kubva kwauri, neufeve hwako kubva panyika yeEgipita, kuti usasimudzira meso ako kwavari, uye usarangarirazve Egipita.

28 Nokuti anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarira, ndichakukumikidza muruoko rwewaunovenga, muruoko rweavo mweya wako wawakarambaniswa navo.

29 Zvino vachakubata neruvengo, uye vachatora zvose zvawakabatira, ndokukusiya wakashama uye usina kupfeka; zvino kushama kweufeve hwako kuchafukurwa, neuipi hwako nehufeve hwako.

30 Zvinhu izvi zvichaitwa kwauri, nokuti wakatevera marudzi paufeve, nokuti wakasvibiswa nezvifananidzo zvawo.

31 Wakafamba munzira yemukoma wako; naizvozvo ndichapa mukombe wake muruoko rwako.

32 Anoreva seizvi Ishe Jehovha: Uchanwa mukombe wemukoma wako wakadzika newakapamhamha; uchava chiseko nechisveveredzwa; wakatakura zvizhinji.

33 Uchazara nekudhakwa nekusuruvara, mukombe wekushamisa nekuparadza, mukombe wemukoma wako Samariya.

34 Hongu, uchaunwa, nekuukutukudza, uye uchaputsanya zvaenga zvawo, nekudzura mazamu ako; nokuti ini ndataura, anoreva Ishe Jehovha.

35 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Nokuti wakandikanganwa, ukandirasira shure kwemusana wako, naizvozvo newe takura uipi hwako neufeve uzhinji hwako.

36 Jehovha akatiwo kwandiri: Mwanakomana wemunhu, uchatonga Ohora naOhoribha here? Hongu, vazivise zvinyangadzo zvavo.

37 Nokuti wakafeva, uye ropa riri pamaoko avo; uye wakafeva nezvifananidzo zvavo; uye vakapfuudzawo vanakomana vavo vavakandiberekera nemumoto vave zvekudya zvazvo.

38 Vakandiitirawo ichi: Vakasvibisa nzvimbo yangu tsvene nezuva iro, uye vakasvibisa masabata angu.

39 Nokuti vakati vaurayira zvifananidzo zvavo vana vavo, ndokupinda munzvimbo yangu tsvene nezuva iroro kuisvibisa; zvino tarira, vakaita saizvozvo mukati meimba yangu.

40 Pane izviwo kuti makatuma kuvarume vanobva kure, kwakatumwa kwavari nhume, zvino tarira, vakasvika, wakazvishambidzira ivo, wakazodza meso ako, nekuzvishongedza nezvishongo.

41 Zvino wakagara pamubhedha unobwinya, netafura yakagadzirwa pamberi pawo, pawakaisa pamusoro payo zvipfungaidzo zvinonhuhwira zvangu nemafuta angu.

42 Neinzwi rechaunga chakagarika rinaye, uye nekuvarume vakabva kuvanhu vazhinji kwakauiswa VaSebhiya kubva murenje, vaiva vakaisa zvishongo pamaoko avo, nekorona yakanaka pamisoro yavo.

43 Ipapo ndakati kune wakakwegurira muufeve uzhinji: Zvino uchaita ufeve uzhinji naye here, iyevo navo?

44 Zvakadaro vakapinda kwaari sezvavanopinda kumukadzi chifeve; saizvozvo vakapinda kuna Ohora nekuna Ohoribha, vakadzi veuipi.

45 Asi varume vakarurama, ivo vachavatonga nenzira yechifevekadzi, uye senzira yevakadzi vanoteura ropa, nokuti zvifevekadzi, uye ropa riri pamaoko avo.

46 Nokuti anoreva seizvi Ishe Jehovha: Ndichavauisira chaunga, uye ndichavapa vave chityiso uye chakapambiwa.

47 Zvino chaunga chichavataka nemabwe, nekuvagura neminondo yavo; vachauraya vanakomana vavo nevanasikana vavo, nekupisa dzimba dzavo nemoto.

48 Saizvozvo ndichagumisa uipi panyika, kuti vakadzi vose vadzidziswe, kuti varege kuita maererano neuipi hwenyu.

49 Zvino vachapa uipi hwenyu pamusoro penyu; uye muchatakura zvivi zvezvifananidzo zvenyu; zvino muchaziva kuti ndiri Ishe Jehovha.