ShonaTeam Ezekiel « 9 »

Kurohwa kweJerusarema

9Zvino wakadanidzira munzeve dzangu neinzwi guru achiti: Swededzai vatariri veguta, uye umwe neumwe ane chombo chake chekuparadza muruoko rwake.

2 Zvino tarira, varume vatanhatu vakauya kubva kunzira yesuwo rekumusoro rakananga kumaodzanyemba, uye umwe neumwe ane chombo chake chekuputsa muruoko rwake, uye murume umwe pakati pavo akapfeka mucheka wakapfava, ane runyanga rweingi rwemunyori pachiuno chake. Zvino vakapinda ndokumira parutivi rwearitari yendarira.

3 Zvino kubwinya kwaMwari waIsraeri kwakakwira kubva pakerubhi pakwaiva kuenda kuchikumbaridzo cheimba; zvino akadana kumurume waiva akapfeka mucheka wakapfava, aiva nerunyanga rweingi rwemunyori pachiuno chake.

4 Zvino Jehovha wakati kwaari: Pfuura nepakati peguta, nepakati peJerusarema, uye udhinde chiratidzo pahuma dzevanhu vanogomera nekuchema pamusoro pezvinyangadzo zvose zvinoitwa mukati maro.

5 Asi kune vamwe ava anoti munzveve dzangu: Pfuurai muguta shure kwake uye rovai; ziso renyu ngarirege kurega, uye musava netsitsi.

6 Urayai nekuparadza mukuru, mudiki, nemhandara, nemwanana, nevakadzi; asi regai kuswedera kune umwe neumwe ane chiratidzo; zvino tangai panzvimbo yangu tsvene. Zvino vakatanga pavarume vatana vaiva pamberi peimba.

7 Zvino wakati kwavari: Svibisai imba, uye zadzai zvivanze nevakaurawa; budai. Zvino vakabuda ndokuuraya muguta.

8 Zvino zvakaitika pavaivauraya, ini ndakasara, ndakawa nechiso changu ndokuchema ndokuti: Haiwa, Ishe Jehovha! Munoparadza vose vakasara vaIsraeri pakudurura kupfuta kwenyu pamusoro peJerusarema here?

9 Zvino wakati kwandiri: Uipi hweimba yaIsraeri naJudha hwakura kwazvo-kwazvo, uye nyika izere neropa zhinji, neguta rizere nekutsauka; nokuti vanoti: Jehovha wakasiya nyika, uye Jehovha haaoni.

10 Neniwo, ziso rangu harinzwiri tsitsi, uye handiregi; ndichauisa nzira yavo pamusoro wavo.

11 Zvino tarira, murume waiva akapfeka mucheka wakapfava, ane runyanga rweingi pachiuno chake, wakadzosa shoko achiti: Ndaita sezvamakandiraira.