ShonaTeam Ezekiel « 1 »

Ezekieri anoona kubwinya kwaJehovha

1 Zvino zvakaitika mugore remakumi matatu, mumwedzi wechina, nerechishanu remwedzi, pandaiva pakati pevakatapwa parwizi Kebhari, matenga akazarurwa, ini ndokuona zviratidzo zvaMwari.

2 Nerechishanu remwedzi rinova gore rechishanu rekutapwa kwamambo Jehoiakini,

3 shoko raJehovha rakasvika zvirokwazvo kuna Ezekieri, mwanakomana waBhuzi, mupristi, munyika yevaKaradhiya, parwizi Kebhari; uye ruoko rwaJehovha rwakava pamusoro pake ipapo.

4 Zvino ndakaona, uye tarira, dutu remhepo richibva kumaodzanyemba, gore guru, nemoto wakazvibatidza, nekubwinya kumativi aro ose, nemukati maro makabva zvakaita seruvara rwedare mukati memoto.

5 Zvino mukati maro makabva mufananidzo wezvisikwa zvina zvipenyu. Zvino ichi chaiva chimiro chazvo: Zvaiva nemufananidzo wemunhu.

6 Zvino chimwe nechimwe chaiva nezviso zvina; uye chimwe nechimwe chazvo chaiva nemapapiro mana.

7 Zvino makumbo azvo aiva makumbo akarurama, nepasi petsoka dzazvo pakaita sepasi petsoka dzemhuru; uye dzaipenya seruvara rwendarira yakabwinyiswa.

8 Zvino zvaiva nemaoko emunhu pasi pemapapiro azvo pamativi azvo mana; uye izvi zvina zvaiva nezviso zvazvo nemapapiro azvo.

9 Mapapiro azvo aibatana rimwe kune rimwe; hazvina kutsauka pakufamba kwazvo; zvakafamba, chimwe nechimwe chakarurama mberi.

10 Kana zviri zvemufananidzo wezviso zvazvo, izvi zvina zvaiva nechiso chemunhu nechiso cheshumba kurudyi, uye izvo zvina zvaiva nechiso chenzombe kuruboshwe; izvo zvinawo zvaiva nechiso chegondo.

11 Uye zviso zvazvo nemapapiro azvo zvakaparadzaniswa kumusoro; zviviri zvechimwe nechimwe zvakabatanidzwa chimwe kune chimwe, uye zviviri zvakafukidza miviri yazvo.

12 Uye zvakafamba chimwe nechimwe chakarurama mberi; zvakaenda kwaienda mweya; zvisingatsauki pakufamba kwazvo.

13 Kana zviri zvemufananidzo wezvisikwa zvipenyu, kuonekwa kwazvo kwaiva kwakaita semazimbe emoto anopfuta, sekuonekwa kwemwenje mizhinji. Zvakafamba kuenda uko neuko pakati pezvisikwa zvipenyu, uye moto waiva wakajeka, uye mumoto makabuda mheni.

14 Zvino zvisikwa zvipenyu zvakamhanya ndokudzoka sekuonekwa kwekupenya kwemheni.

15 Zvino ndakati ndichitarira zvisikwa zvipenyu, tarira, vhiri rimwe pamusoro penyika pazvisikwa zvipenyu, pazviso zvacho zvina.

16 Kuonekwa kwemavhiri nebasa rawo zvakafanana neruvara rwebheriri; uye izvo zvina zvaiva nemufananidzo umwe, nekuonekwa kwazvo nebasa razvo seraiva vhiri pakati pevhiri.

17 Pakufamba kwawo akafamba kumativi awo mana; haana kutsauka pakufamba kwawo.

18 Kana ari marimu awo, aiva akakwirira kwazvo zvekuti aityisa, uye marimu azvo aiva akazara nemeso kupoteredza mativi awo mana.

19 Zvino pakuenda kwezvisikwa zvipenyu, mavhiri akaenda nazvo; uye pakusimudzwa kwezvisikwa zvipenyu kubva panyika, mavhiri akasimudzwa.

20 Kwaienda mweya zvakaendako, ndipo paienda mweya; uye mavhiri akasimudzwa akanangana nazvo; nokuti mweya wechisikwa chipenyu waiva mumavhiri.

21 Pakaenda izvo, neizvi zvakafamba; nepakamira izvo, izvi zvakamira; uye pakasimudzwa izvo kubva panyika, mavhiri akasimudzwa pamusoro pakatarisana nazvo, nokuti mweya wechisikwa chipenyu waiva mumavhiri.

22 Zvino mufananidzo wemuchadenga pamusoro pemisoro yezvisikwa zvipenyu waiva wakaita seruvara rwekrisitaro inotyisa, rwakatatamurwa pamusoro pemisoro yazvo kubva kumusoro.

23 Zvino pasi pekunze mapapiro azvo akarurama, rimwe rakananga rimwe; chimwe nechimwe chaiva nemaviri aifukidza kurutivi rwuno, uye chimwe nechimwe chaiva nemaviri aifukidza kurutivi urwo, miviri yazvo.

24 Zvino pakufamba kwazvo ndakanzwa ruzha rwemapapiro azvo, seruzha rwemvura zhinji, seinzwi reWemasimbaose, inzwi rebope, seruzha rwehondo; pazvakamira zvakadzisa mapapiro azvo.

25 Zvino kwakava neinzwi kubva pamusoro pemuchadenga chaiva chiri pamusoro pemisoro yazvo, pazvakamira, zvikadzisa mapapiro azvo.

26 Zvino kumusoro kwemuchadenga kwaiva pamusoro pemisoro yazvo, kwaiva nemufananidzo wechigaro chekutonga, semufananidzo weibwe resafiri; uye pamusoro pemufananidzo wechigaro chekutonga paiva nemufananidzo sekuonekwa kwemunhu pamusoro pacho nechepamusoro.

27 Zvino ndakaona seruvara rwedare, sekuonekwa kwemoto wakapoteredza mukati macho, kubva pakuonekwa kwechiuno chake zvichikwirawo, uye kubva pakuonekwa kwechiuno chake zvichidzikawo ndakaona sekuonekwa kwemoto, uye kupenya kwakamupoteredza.

28 Sekuonekwa kwemurarabungu uri mugore pazuva remvura, kwaiva kwakadaro kuonekwa kwekubwinya kwakapoteredza; uku kwaiva kuonekwa kwemufananidzo wekubwinya kwaJehovha. Zvino pandakaona ndakawa nechiso changu, ndokunzwa inzwi rewakataura.